Testamente Yekare 2022
Mbudzi 28–Zvita 4. Muporofita Nahumi; Muporofita Habakuki; Muporofita Zefania: “Nzira Dzake Ndedze Kare‑Kare”


“Mbudzi 28–Zvita 4. Muporofita Nahumi; Muporofita Habakuki; Muporofita Zefania: ‘Nzira Dzake Ndedze Kare‑Kare,’” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Testamente Yekare 2022 (2021)

“Mbudzi 28–Zvita 4. Muporofita Nahumi; Muporofita Habakuki; Muporofita Zefania,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2022

Mufananidzo
Jesu akatarisa kumusoro kunyenyedzi

“Nzira dzake Ndedze Kare‑Kare” (Muporofita Habakuki 3:6). In the Beginning Was the Word [Pakutanga Rakanga Riri Shoko], naEva Timothy

Mbudzi 28–Zvita 4

Muporofita Nahumi; Muporofita Habakuki; Zefania

“Nzira Dzake Ndedze Kare–Kare”

Unokwanisa kunzvera magwaro matsvene kweupenyu hwose asi uchiramba uchiwana nzwisiso itsva. Usanzwe kuti unofanira kunzwisisa zvinhu zvose iyezvino. Namatira rubatsiro rwekuziva mashoko aunoda nhasi.

Nyora Pasi Manzwiro Ako

Kuverenga Testamente Yekare kazhinji zvinoreva kuverenga huporofita pamusoro peruparadzo. Ishe kazhinji vaidaidza vaporofita kuyambira vanyangadzi kuti mitongo Yavo yaiva pavari. Hushumiri hwaNahumi, Habakuki, naZefania mienzaniso yakanaka. Murondedzero inotyisa, vaporofita ava vakafanotaura kuputsika kwemaguta ayo, panguva iyoyo, airatidzika kuva akasimba uye ane simba—Nineve, Babironi, uye kunyangwe Jerusarema. Asi izvi zvakaita zviuru zvemakore akapfuura. Sei zvakakosha kuverenga huporofita uhwu nhasi?

Kunyangwe zvazvo maguta iwayo orudado uye akanyangara akaparadzwa, rudado nehunyangadzi zvichiri kuenderera. Munyika yanhasi, tinokwanisa dzimwe nguva kunzwa takakomberedzwa nehuipi hwakashoropodzwa nevaporofita vechinyakare. Tinogona kunyangwe kuona zvishoma zvahwo mumwoyo yedu pachedu. Huporofita uhwu hweTestamente Yekare hwunoratidza manzwiro anoita Ishe pamusoro perudado nehunyangadzi, uye hwunodzidzisa kuti tinokwanisa kudzivirira uye kuramba huipi uhwu. Pamwe ndicho chimwe chikonzero chatichiri kuverenga huporofita hwechinyakare uhwu nhasi. Nahumi, Habakuki, Zefania, nevamwe vaive vasingori chete vaporofita vaifanotaura zveruparadzo—vaive vaporofita vezve rusununguko. Tsananguro dzeruparadzo dzinoderedzwa pakutyisa kwadzo nekukokwa kuuya kuna Kristu uye nokugamuchira ngoni Dzake: “Tsvakai Jehova …; tsvakai kururama, tsvakai unyoro” (Muporofita Zefania 2:3). Iyi yaive nzira yaIshe munguva dzechinyakare, uye ndiyo nzira Yavo nhasi. “Nzira dzake Ndedze Kare‑Kare” (Muporofita Habakuki 3:6).

Kuti uwane pfupiso yemabhuku aya, ona “Muporofita Nahumi,” “Muporofita Habakuki,” uye “Muporofita Zefania” muNhungamiro Kumagwaro Matsvene.

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Muporofita Nahumi 1

Ishe vane zvose simba uye ngoni.

Basa raNahumi raiva rekufanotaura nezveruparadzo rweNineve—guta guru rehutongi hwechisimba hweAsiria, uhwo hwakanga hwaparadzira Israeri uye nokurwisa zvinotyisa Juda. Nahumi akatanga nokutsanangura ukasha uye simba risingaenzaniswe raMwari, asi Akataurawo pamusoro pengoni nerunako rwaMwari. Ungangofunga pamusoro pekudoma ndima dziri muchitsauko 1 dzinokubatsira kuti unzwisise humwe nehumwe hwehunhu uhwu—uye nehumwe hunhu hwaMwari hwaunoona. Sei uchifunga kuti zvakakosha kuziva chimwe nechimwe chezvinhu izvi pamusoro paIshe?

Vamwe vangangozviwana zvakaoma kuyananisa dzidziso yemumagwaro matsvene yekuti “Jehova wakanaka” (Muporofita Nahumi 1:7) nedzidziso yekuti “uchatsiva vadzivisi vake” (Muporofita Nahumi 1:2). MuBhuku raMormoni, mwanakomana waAruma Koriandoni aive nemibvunzo mimwecheteyo “maererano noruenzaniso rwaMwari muchirango chemutadzi” (Aruma 42:1). Kuti udzidze zvakawanda pamusoro pengoni dzaMwari uye kuti dzinoenderana sei neruenzaniso Rwavo, verenga mhinduro yaAruma kuna Koriandoni muna Aruma 42.

Mufananidzo
rusvingo rwematombo

“Jehova wakanaka, inhare nezuva rokutambudzika” (Muporofita Nahumi 1:7).

Habakuki

Ndinokwanisa kuvimba nechido chaIshe uye nenguva Yavo.

Kunyangwe vaporofita dzimwe nguva vane mibvunzo pamusoro penzira dzaIshe. Habakuki, uyo akararama panguva yehunyangadzi hwaiva hwakapararira muJuda, akatanga rondedzero yake nemibvunzo kuna Ishe (ona Muporofita Habakuki 1:1–4). Ungapfupisa sei zvinetso zvaHabakuki? Wakambova here nemanzwiro akaita saiwayo?

Ishe vakapindura mibvunzo yaHabakuki nokutaura ekuti Vaizotumira vaKardea (vaBabironi) kuti vanovaranga Juda (ona Muporofita Habakuki 1:5–11). Asi Habakuki aiva achiri kunetsekana, nokuti zvairatidzika sezvisina kururama kuti Ishe vatarise vakanyarara “ apo [Babironi] wakashata achimedza wakamupfuura kururama [Juda]” (ona ndima 12–17). Chii chaunowana muna Muporofita Habakuki 2:1–4 chinokurudzira kuti uvimbe naIshe apo paunenge uine mibvunzo isina kupindurwa?

Chitsauko 3 chaHabakuki munamato werumbidzo kuna Mwari uye neratidzo yerutendo maVari. Chii chinokufadza pamusoro pemashoko aHabakuki mundima 17–19? Munyorerwo wendima idzi wakasiyana sei kubva kune waMuporofita Habakuki 1:1–4? Fungisisa makudziridzo aungaita rutendo rukurusa muna Mwari, kunyangwe apo upenyu pahwunoratidzika sehusina ruenzano.

Onawo VaHeberu 10:32–39; 11; Dzidziso neZvibvumirano 121:1–6. ­

Muporofita Zefania

“Tsvakai Jehova, imi mose vanyoro venyika.”

Zefania akaporofita kuti vanhu vaJuda vaizoparadzwa zvachose navaBabironi nokuda kwehunyangadzi hwavo. “Ndichaparadza chose zvinhu zvose zviri pasi pose, ndizvo zvinotaura Jehova ”(Muporofita Zefania 1:2). Asi zvakadaro Zefania akataurawo kuti “vakasara” vaizochengetedzwa (Muporofita Zefania 3:13). Apo paunoverenga huporofita uhwu, cherechedza rudzi rwemafungiro nehunhu zvakatungamirira Juda nemamwe mapoka kuruparadzo—ona kunyanya Muporofita Zefania 1:4–6,12; 2:8, 10,15; 3:1–4. Zvino tsvaga hunhu hwevanhu vaizochengetedzwa naMwari—ona Muporofita Zefana 2:1–3; 3:12–13, 18–19. Ndeapi mashoko aunonzwa kuti Ishe vanawo kwauri mundima idzi?

Muporofita Zefania 3:14–20 dzinotsanangura mufaro wevakarurama mushure mekunge Ishe “vadzinga muvengi wako” (ndima15). Ndeapi maropafadzo akavimbiswa mundima idzi anonyanya kukosha kwauri? Sei zvakakosha kwauri kuti uzive pamusoro pemaropafadzo aya? Ungangoenzanisa ndima idzi nezviitiko zvakatsanangurwa muna 3 Nephi 17 uye wofungisisa manzwiro anoita Jesu Kristu pamusoro pevanhu Vake—kusanganisira iwe.

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

Muporofita Nahumi 1:7.Ishe vakaita “senhare” sei? Pamwe mhuri yako ingakwanisa kuvaka nhare kana rusvingo rudiki mumba menyu uye mokurukura Muporofita Nahumi 1:7 muri mukati marwo. Chii chinoita kuti zuva redu rive “zuva redambudziko”? Jesu Kristu nevhangeri Rake vanotisimbisa sei? Tinoratidza sei kuti “tinovimba naye”?

Muporofita Habakuki 2:14.Tingakwanise sei kubatsira kuzadzikisa huporofita uhwu?

Muporofita Habakuki 3:17–19.Chii chatinodzidza kubva kumuenzaniso waHabakuki mundima idzi?

Muporofita Zefania 2:3.Munokwanisa kutamba mutambo uyo nhengo dzemhuri wadzinofanira kutsvaga mashoko anoti “kururama” uye “unyoro” papeji ine mamwe mashoko mazhinji. Zvino vanozokwanisa kutaura pamusoro pemienzaniso yeururami uye unyoro hwavakaona mune mumwe nemumwe wavo. Zvinorevei kutsvaga ururami uye unyoro?

Muporofita Zefania 3:14–20.Chii chatinowana muna Muporofita Zefania 3:14–20 chinoita kuti tide “kuimba, … kufara nokufarisisa nomwoyo wako wose”? Pamwe mhuri yenyu ingangoimba nziyo kana dzimbo dzinouya mupfungwa pavanoverenga ndima idzi.

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muHuyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

­

Kunatsurudza Kunzvera Kwako Wega

Iva nemwoyo murefu. Dzimwe nguva tinoda mhinduro kumibvunzo yedu pakare ipapo, asi nzwisiso dzezvemweya dzinotora nguva uye hadzikwanisi kumanikidzirwa. Sekutaura kwakaita Ishe kuna Habakuki kuti, “Zvimirire nokuti zvichauya zvirokwazvo” (Muporofita Habakuki 2:3).

Mufananidzo
Jesu achiburuka uye akapfeka nguwo tsvuku

“Jehova Mwari wako uri mukati mako iye unesimba” (Muporofita Zefania 3:17). He Comes Again to Rule and Reign (Anouya zvakare Kuzotonga neKutungamira), naMaryR. Saucer

Dhinda