Testamente Yekare 2022
Zvita 5–11. Muporofita Hagai;Muporofita Zekaria 1–3; 7–14: “Hutsvene Kuna Ishe”


“Zvita 5–11. Muporofita Hagai; Muporofita Zekaria 1–3; 7–14: ‘Hutsvene Kuna Ishe,’” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Testamente Yekare 2022 (2021)

“Zvita 5–11. Muporofita Hagai; Muporofita Zekaria 1–3; 7–14,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2022

Mufananidzo
Temberi yeLaie Hawaii

Temberi yeLaie Hawaii

Zvita 5–11

Muporofita Hagai; Muporofita Zekaria 1–3; 7–14

“Hutsvene Kuna Ishe”

Kuverenga magwaro matsvene kunokoka zvakazarurwa. Iva wakagadzirira kugamuchira mashoko ayo anozarurirwa kwauri neMweya Mutsvene paunenge uchiverenga Muporofita Hagai naMuporofita Zekaria

Nyora Pasi Manzwiro Ako

Mushure memakumi emakore eutapwi, boka ravaIsraeri, pamwe vaisanganisira vaporofita Hagai naZekaria, vakabvumidzwa kudzokera kuJerusarema. Vamwe veboka iri vakarangarira zvainge zvakaita Jerusarema isati yaparadzwa. Fungidzira manzwiro avo apo pavakaona matongo akaparara aimbova dzimba dzavo, nzvimbo dzavo dzekunamatira, uye temberi yavo. Kune avo vainetseka kana temberi yaizomboratidzika zvakare seimba yaIshe “pakubwinya kwayo kwokutanga” (Muporofita Hagai 2:3), muporofita Hagai akataura mashoko aIshe orukurudziro ekuti: “Ivai nesimba, imi vanhu vose venyika, ndizvo zvinotaura Jehovha; uye mubate: nokuti ndinemi … regai kutya.” “Ndichazadza imba ino nokubwinya, … panzvimbo ino ndichapa rugare. ” (Muporofita Hagai 2:4–5, 7,9.)

Asi yakanga isiri temberi tsvene chete yaida kuvakwa pakare. Munzira dzakawanda, vanhu vaMwari vaiva vakaparara panezvemweya. Uye kuvaka pakare vanhu vatsvene kunotora zvinopfuura kucheka mabwe uye kuaruramisa kuvaka rusvingo rwetemberi. Nhasi, matemberi ane chinyorwa chinoti “Hutsvene kuna Ishe,” uye mashoko iwayo anoshanda kwete kuchivako chete asi kunzira youpenyu. Kuvezera mashoko aya “pamatare anorira amabhiza” uye “hari imwe neimwe paJerusarema” (Muporofita Zekaria 14:20–21) kunobatsira chete kana akavezererwawo pamwoyo wose. Hutsvene hwechokwadi hunoda kuti mashoko nemitemo yaIshe “zvibate” (Muporofita Zekaria 1:6) matiri, tichibvumira simba Ravo kushandura hunhu hwedu kuitira kuti tigova vatsvene saIvo (ona Revitiko 19:2).

Kuti uwane pfupiso yemabhuku aMuporofita Hagai naMuporofita Zekaria, ona “Muporofita Hagai” uye “Muporofita Zekaria” muNhungamiro Kumagwaro Matsvene.

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Muporofita Hagai 1; 2:1–9

“Funga pamusoro penzira dzako.”

Paiva nezvinhu zvakawanda zvakakosha zvokuita pakuvaka pakare Jerusarema. Asi mushure mokunge makore angangoita gumi nemashanu apfuura kubva pakudzoka kwavaIsraeri, Ishe havana kufara kuti kuvakwa pakare kwetemberi kwakanga kusina kukosheseswa (ona Hagai 1:2–5; onawo Ezra 4:24). Apo paunenge uchiverenga Muporofita Hagai 1; 2:1–9, funga pamusoro pemibvunzo yakaita seiyi: Ndedzipi mhedzisiro idzo vaIsraeri dzavakatarisana nadzo nekuda kwokuti vakanga vasina kupedza temberi? Ndeapi maropafadzo avakavimbiswa naIshe kana vakapedza kuvaka imba Yavo? Unogona kutora mukana uno “kufunga pamusoro penzira dzako”—kufunga pamusoro pezvaunokoshesa uye kuti ungaita sei kuti zvienderane nezvaIshe.

Onawo Dzidziso neZvibvumirano 95. ­

Muporofita Zekaria 1–3; 7–8;14

Ishe vanokwanisa kundiita mutsvene.

Sisita CarolF. McConkie vakadzidzisa kuti: “Hutsvene kuita sarudzo dzinozochengeta Mweya Mutsvene somutungamiri wedu. Hutsvene kuisa parutivi maitiro edu apanyama uye wova ‘mutsvene kuburikidza norudzikinuro rwaKristu Ishe’ [Mosaya 3:19]. … Tariro yedu yehutsvene yakamisirwa muna Kristu, mungoni Dzake nenyasha Dzake ” (“The Beauty of Holiness,” Ensign kana Liahona, Chivabvu 2017, 9–10). Chengeta dzidziso idzi mupfungwa apo paunenge uchiverenga mashoko aIshe , akapuwa kuburikidza nomuporofita Zekaria, achikurudzira vaIsraeri kuti vanyanye kuva vatsvene: Muporofita Zekaria 1:1–6; 3:1–7; 7:8–10; 8:16–17. Cherechedza zvinhu Ishe zvavakakumbira Israeri kuti iite kuitira kuti Vagovaita vatsvene. Vari kukubatsira sei kuti unyanye kuva mutsvene?

Muporofita Zekaria 2:10–11; 8:1–8; 14:9–11, 20–21 dzinotsanangura kuti upenyu hwunozova hwakaita sei muzuva ramangwana apo isu tese patinozogara naIshe mumamiriro ehutsvene. Tsananguro idzi dzingava dzairevei kune avo vaivaka pakare Jerusarema munguva yaZekaria ? Dzinorevei kwauri?

Mufananidzo
Kupinda nemhemberero yerukundo kwaJesu muJerusarema

“Tarira, Mambo wako anouya kwauri; ndiye akarurama, ndiye anokunda; anozvininipisa, akatasva mbongoro” (Muporofita Zekaria 9:9). Triumphal Entry, [Kupinda neMhemberero yoRukundo] naHarry Anderson

Muporofita Zekaria 9:9–11; 11:12–13; 12:10; 13:6–7; 14:1–9

Jesu Kristu ndiye Mesiasi akavimbiswa.

Zvizhinji zvezvinyorwa zvaMuporofita Zekaria zvinonongedzera kuhushumiri hwepanyika hwaJesu Kristu uyewo Kuzouya Kwake kweChipiri kwava pedyo. Enzanisa huporofita hwunotevera kubva kuna Zekaria nezvikamu zvinoendarana nahwo kubva mune mamwe mabhuku emagwaro matsvene:

Chii chawadzidza pamusoro peMuponesi pawangauchinzvera ndima idzi? Sei zvakakosha kwauri kuti unzwisise ndima idzi?

Onawo Nhungamiro Kumagwaro Matsvene, “Mesiasi” (scriptures.ChurchofJesusChrist.org).

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

Muporofita Hagai 1:2–7.Ndima idzi dzinogona kukurudzira mhuri yako “kufunga pamusoro penzira dzako.” Nhengo dzemhuri dzinogona kuedzesera mumutambo zvirevo zviri mundima 6. Ndima iyi inodzidzisa chii pamusoro pokukoshesa zvinhu zvenyika kupfuura zvinhu zvaMwari? Munogona kurairana pamwechete pamusoro pezvinokosheswa nemhuri yenyu. Batsira mhuri yako kuwongorora zvavari kuita zvakanaka uye nzvimbo idzo dzamunokwanisa kunatsurudza.,

Muporofita Hagai 2:1–9.Kuti usume ndima idzi, unokwanisa kugovera nyaya yeTembere yeProvo City Center, iyo yakavakwa pakare kubva patabernakeri yaidiwa chaizvo yakanga yatsva (ona mufananidzo uri muchidzidzo chino. Apo mhuri yenyu painenge ichiverenga Muporofita Hagai 2:1–9, munogona kukumbira nhengo dzemhuri kuti dzifunge nezve chimwe chinhu muhupenyu hwedu chingangofanana nebasa rekuvaka pakare temberi yakanga yaparadzwa. Ishe vanotivaka pakare sei mushure menhamo kana dambudziko?

Muporofita Zekaria 3:1–7.Apo pamunenge muchiverenga ndima idzi, unokwanisa kuratidza mhuri yako nguwo dzine tsvina. Joshua angangodaro akanzwa sei paakamira pamberi pengirozi akapfeka nguwo dzine tsvina? Chivi chakafanana sei nenguwo dzine tsvina? Muporofita Zekaria 3:1–7 dzinotidzidzisei pamusoro poruregerero? Munokwanisa zvino kuchenesa nguwo dzacho pamwechete uye motaura pamusoro pesimba rekuchenesa reRudzikinuro rwaMuponesi.

Muporofita Zekaria 8:1–8.Chii chatinoyamura pamusoro pechiratidzo chaZekaria cheramangwana cheJerusarema? Chii chatinowana ipapo chatingada kuona munharaunda medu? Tingakoka sei Muponesi kuti “agare pakati [pedu]”? (ona Gary E. Stevenson, “Dzimba Dzinoyera, Tembere Dzinoyera,” Ensign kana Liahona, Chivabvu 2009, 101–3).

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muHuyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

­

Kunatsurudza Kunzvera Kwako Wega

Tora mikana yokuzviwongorora. Apo paunodzidza magwaro matsvene, kazhinji unozokurudzirwa kufungisisa kuzvipira kwako pachako kuna Baba Vokudenga naJesu Kristu. Ita maererano nemanzwiro aunogamuchira.

Mufananidzo
Nguva inoratidza maparadzirwo akaitwa Tabernakeri yeProvo muProvo, Utah, USA, nomoto uye ikavakwa pakare seTembere yeProvo City Center

Dhinda