Testamente Yekare 2022
Zvita 12–18. Muporofita Maraki: “Ndakakudai, Ndizvo Zvinotaura Jehova”


“Zvita 12–18. Muporofita Maraki: ‘Ndakakudai, Ndizvo Zvinotaura Jehova,’” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Testamente Yekare 2022 (2021)

“Zvita 12–18. Muporofita Maraki,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2022

Mufananidzo
Chivezwa chaKristasi

Zvita 12–18

Muporofita Maraki

“Ndakakudai, Ndizvo Zvinotaura Jehova”

Zita raMaraki rinoreva kuti “mutumwa wangu” (Bible Dictionary, “Malachi”). Apo paunonzvera shoko raMaraki kuIsraeri, ndeapi mashoko aunowana eupenyu hwako? Mashoko aMaraki anoenderana sei nezuva redu?

Nyora Pasi Manzwiro Ako

“Ndakakudai,” Ishe vakaudza vanhu Vavo kuburikidza namuporofita Maraki. Asi vaIsraeri, avo vakanga vatambura zvizvarwa zvizhinji zvenhamo neutapwa, vakabvunza Ishe, “Makatida nenzira ipi?” (Muporofita Maraki 1:2). Mushure mazvose Israeri zvayakasangana nazvo, vangangova vakanetseka kana nhoroondo yeIsraeri yechinyakare iri zvechokwadi nyaya yerudo rwaMwari rwevanhu Vavo vechibvumirano.

Apo paunofunga zvakadzama pamusoro peizvo zvawakaverenga muTestamente Yekare gore rino, humboo hupi hwaunowana hwerudo rwaMwari? Zviri nyore kuona mienzaniso mizhinji yeutera hwevanhu uye nerupanduko. Asi zvakadaro nemuzvose izvozvo, Mwari havana kumborega kunanavira nerudo. Apo vanakomana vaJakobo pavakabata zvisina kunaka muninʼina wavo Josefa, Ishe zvisinei vakagadzira nzira yekuvaponesa kubva kunzara (ona Genesi 45:4–8). Apo Israeri payakanyunyuta murenje, Mwari vakaipa mana (ona Eksodo 16:1–4). Kunyangwe apo vaIsraeri pavakaVasiya, vakatendeukira kune vamwe vamwari, uye vakaparadzirwa, Mwari havana kumbovasiya zvachose asi vakavimbisa kuti kana vakatendeuka, Vaizovaunganidza nekuvanunura “nenyasha huru” (ona Muporofita Isaya 54:7).

Ichitariswa nenzira iyi, Testamente Yekare inyaya yerudo rwaMwari rwune mwoyo murefu uye rwusingaperi. Uye nyaya iyi inoenderera mberi nhasi. “Zuva roKururama [rinozobuda] nokuporesa pasi pamapapiro aro,” Maraki akaporofita (Muporofita Maraki 4: 2). Jesu Kristu akauya, achiunza kuporesa kwepanyama uye kwepamweya kune vose vanouya kwaAri. Ndiye humboo hukurusa hwerudo rwaMwari kuIsraeri yechinyakare uye kwatiri tose.

Kuti uone rumwe ruzivo pamusoro pebhuku raMaraki, ona “Maraki” muNhungamiro kuMagwaro Matsvene.

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Muporofita Maraki 1–4

“Dzokerai kwandiri, neni ndichadzokera kwamuri.”

Muzuva raMaraki, vaIsraeri vakanga vatovakazve tembere muJerusarema, asi sevanhu, vaiva vachirikuda kuvakazve hukama hwavo naIshe. Apo paunonzvera Maraki, tsvaga mibvunzo iyo yakabvunzwa naIshe kuvaIsraeri kana iyo ivo yavakaVabvunza. Funga pamusoro pekuzvibvunza mibvunzo mimwecheteyo (mimwe mienzaniso yakapuwa pazasi) kuti ikubatsire kuongorora hukama hwako naIshe uye uswedere padyo navo.

­

Muporofita Maraki 1:6–14

Ishe vanokumbira “zvipiriso zvisinetsvina.”

Mashoko aIshe muna Muporofita Maraki 1 anoratidza kuti vapirisita vechiIsraeri vaipira mhuka dzakaremara uye dzinorwara sezvibayiro mutembere, izvo zvakanga zvarambidzwa naIshe (ona Revitiko 22:17–25)). Zvibairo izvi zvinotaurei pamusoro pemanzwiro evapirisita kuna Ishe? (ona Muporofita Maraki 1:13). Sei Ishe vachitikumbira kuti tiVape mipiriro yedu yakanakisisa? Funga pamusoro pekuzvipira uko Ishe kwavakakumbira kuti uite. Chii chaungaite kuti uvape “mupiro usinetsvina”? (Muporofita Maraki 1:11; onawo 3:3).

Onawo Moronai 7:5–14.

Muporofita Maraki 3–4

Huporofita hwaMaraki huri kuzadzikiswa mumazuva ekupedzisira.

Apo Muponesi paakashanyira maAmerica, akatapa Muporofita Maraki 3–4 kuvaNifai (ona 3 Nifai 24–25)). Muna 1823, ngirozi Moronai yakagoverana naJoseph Smith zvikamu zvezvitsauko zvimwechetezvo izvi (ona Nhoroondo—yaJoseph Smith 1:36–39; onawo Dzidziso neZvibvumirano 2). Unofunga kuti sei mashoko aMaraki akadzokororwa kakawanda zvakadaro mumagwaro matsvene? (onawo Dzidziso neZvibvumirano 27:9; 110:13–16; 128:17–18). Mumafungiro ako, ndeapi mashoko kubva kuna Muporofita Maraki 3–4 anoratidzika kuva akakosha zvakanyanya muzuva redu?

Apo Moronai paakatapa Muporofita Maraki 4:5–6 kuna Joseph Smith, akazviita “nekusiyanisa zvishoma kubva kumaverengero azvinoita” muBhaibheri (Nhoroondo—yaJoseph Smith 1:36). Siyaniso yaMoroni inowedzera chii kunzwisiso yedu yehuporofita uhwu? Kuti udzidze zvizhinji pamusoro pekuuya kwaEria uye nokuti huporofita uhwu hwuri kuzadzikiswa sei nhasi, ona Dzidziso neZvibvumirano 110:13–16 . ­ Sei uchitenda nekuti Eria akauya?

Mufananidzo
Eria achizviratidza kuna Joseph Smith naOliver Cowdery muTemberi yeKirtland.

Mufananidzo waEria achizviratidza kuna Joseph Smith naOliver Cowdery muTemberi yeKirtland, naRobert T. Barrett

Muporofita Maraki 3:8–12

Kubhadhara chegumi kunozarura mahwindo edenga.

Apo paunoverenga Muporofita Maraki 3:8–12, funga pamusoro pezviitiko zvako pachako nekubhadhara chegumi. Ndevo yekuti “kukuzarurirayi mahwindo okudenga” (ndima 10) inorevei kwauri?

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

Muporofita Maraki 1:2.Mhuri yako ingapindura sei mubvunzo unowanikwa muna Muporofita Maraki 1:2—“[Ishe] makatida neiko?” Ndehupi humwe humboo hwerudo rwaIshe kwatiri?

Muporofita Maraki 3:8–12Apo pamunoverenga Muporofita Maraki 3:8–12, kumbira nhengo dzemhuri kuti vagovere pfungwa dzavo kana manzwiro avo pamusoro pechegumi. Ndeapi maropafadzo ezvepanyama neezvepamweya atakaona kubva mukubhadhara chegumi? ­ Nhengo dzemhuri dzingangonakidzwa nekudhirowa mifananidzo inomiririra maropafadzo aya uye nekuturika mifananidzo yacho pahwindo.

Muporofita Maraki 3:13–18..Zvinorevei kwatiri kuva vaIshe uye kuva mumwe “wezvishongo” zvavo?

Muporofita Maraki 4:5–6.Mushure mekuverenga ndima idzi, mhuri yako inokwanisa kutsvaga mhinduro kumibvunzo inotevera pamusoro pehuporofita hwaMaraki: Ani? Chii? Riinhi? Kupi? Sei? (onawo Dzidziso neZvibvumirano 2).

Tinotendeutsira sei mwoyo yedu kumadzibaba edu? Tinoropafadzwa sei apo patinodaro? ­ Chii chatinozoita semhuri kuti tigamuchire maropafadzo aya?

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muHuyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

­

Kunatsurudza Kunzvera Kwako Wega

Bvunza mibvunzo apo paunonzvera Apo paunonzvera magwaro matsvene, mibvunzo ingangouya kupfungwa dzako. Fungisisa mibvunzo iyi, uye wotsvaga mhinduro.

Mufananidzo
mudzimai achipeperedza hengechepfu chena namadziteteguru akawanda kumashure kwake

Mourning’s Hosanna [Hosana yaKuchema], naRose Datoc Dall. Mudzimai anonzi Mourning (Kuchema) anomira munyika yemweya, akakomberedzwa nemadziteteguru ake. Anopemberera rusununguko rwavo kubva muutapwa hwezvepamweya.

Dhinda