Testamente Yekare 2022
Zvita 19–25. Kirisimasi: “Takanga Takamumirira, Iye Uchatiponesa ”


“Zvita 19–25. Kirisimasi: ‘Takanga Takamumirira, Iye Uchatiponesa,’” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Testamente Yekare 2022 (2021)

“Zvita 19–25. Kirisimasi,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2022

Mufananidzo
Mucheche Jesu akaputirwa mujira jena uye akarara munhokwe

For unto Us a Child Is Born [Nokuti Kwatiri Mwana Azvarwa], naSimon Dewey

Zvita 19–25

Kisimusi

“Takamumirira, Iye Achatiponesa””

Munguva ino yemwaka weKisimasi, funga pamusoro pemasimbisirwo akaitwa uchapupu hwako hwaJesu Kristu neTestamente Yekare nemugore rose.

Nyora Pasi Manzwiro Ako

Testamente Yekare ine mweya wetarisiro huru. Nokudaro, yakada kufanana nemwaka weKirisimasi. Kutanga naAdama naEva, madziteteguru eTestamente yekare, vaporofita, vadetembi, uye nevanhu vakatarisira mazuva ari nani, akazadzwa netariro yevandudzo uye rusununguko kuburikidza naMesiasi. Uye vaIsraeri kazhinji vaiva vachida tariro iyoyo—kunyangwe vaiva muutapwa muEgipita kana Babironi kana kuti vakabatwa senhapwa nezvivi zvavo pachavo kana upanduki hwavo. Nemuzvose zvavakasanga nazvo, vaporofita vakavayeuchidza kuti Mesiasi, Musununguri, aizouya “kuzoparidzira vakatapwa rusununguko” (Muporofita Isaya 61:1).

Tariro iyoyo yakatanga kuzadzikiswa apo Jesu Kristu paakazvarwa muBetrehema. Musununguri anesimba weIsraeri akaberekerwa mudanga uye akaradzikwa muchidyiro chezvipfuwo (ona Ruka 2:7). Asi Akanga asiri chete Musununguri wevaIsraeri vechinyakare. Akauya kuzokusunungura—kutakura marwadzo ako, kutakura rusuwo rwako, kukuvadzirwa zvitema zvako, kuitira kuti nemavanga Ake ukwanise kuporeswa (ona Muporofita Isaya 53:4-5). Ichi ndicho chikonzero chinoita kuti Kirisimasi ive yakazara zvikuru netarisiro inemufaro kunyangwe nhasi. Mesiasi akauya makore anodarika zviuru zviviri zvakapfuura, uye Anoramba achiuya muupenyu hwedu nguva ipi zvayo yatinoMutsvaga.

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Ndinofara muMununuri wangu.

Kirisimasi inozivikanwa semwaka unofadza nokuda kwemufaro unounzwa naJesu Kristu panyika. Kunyangwe vanhu vasinganamati Jesu seMwanakomana waMwari vanokwanisa kazhinji kunzwa mufaro weKirisimasi. Fungisisa mufaro waunonzwa nokuti Baba Vokudenga vakatuma Mwanakomana Wavo.

Mazana emakore Muponesi asati azvarwa, vaporofita veTestamente Yekare vakanzwawo mufaro apo pavaitaura nezva Mesiasi ari kuuya. Verenga dzimwe ndima dzinotevera, uye wofunga pamusoro pekuti sei dzaizova dzakakosha kune avo vaitarisira kubasa reMuponesi: Pisarema 35:9; Muporofita Isaya 25:8–9; 44:21–24; 51:11; Muporofita Zefanaya 3:14–20; Mosesi 5:5–11. Sei ndima idzi dzakakosha kwauri?

Zviratidzo zvinogona kundibatsira kurangarira Jesu Kristu.

Zhinji dzetsika dzinofambirana neKirisimasi dzinokwanisa kuva nemicherechedzo ine zvainoreva zvinotinongedzera kuna Kristu. Zvishongedzo zvakagadzirwa senyeredzi zvinomiririra nyeredzi yakajeka iyo yakapenya usiku hwekuzvarwa kwaJesu (ona Mateo 2:2). Vaimbi vanofamba paimba neimba vachiimba dzimbo dzeKirisimasi vanogona kutiyeuchidza nezvengirozi dzakazviratidza kuvafudzi (ona Ruka 2:13–14). Apo pawainzvera Testamente Yekare gore rino, ungangova wakacherechedza zviratidzo zvizhinji zveMuponesi. Zvishoma zvakadorongodzwa pazasi. Funga pamusoro pekuverenga izvi uye kunyora izvo zvazvinokudzidzisa pamusoro Pake.

Ndezvipi zvimwe zviratidzo, ndima, uye tsananguro zvawakawana mumagwaro matsvene zvinopupura nezva Jesu Kristu?

Onawo 2 Nifai 11:4; Mosaya 3:14–15; Mosesi 6:63; “Marudzi kana Zviratidzo zvaKristu,” muNhungamiro kuMagwaro Matsvene, “Jesu Kristu,” scriptures.ChurchofJesusChrist.org.

“Zita rake richanzi, Unoshamisa.”

Jesu Kristu anotaurwa nemazita mazhinji akasiyana uye nemamwe madaidzirwo. Ndeapi mamwe madaidzirwo aunowana mundima dzinotevera? Mapisarema 23:1; 83:18; Muporofita Isaya 7:14; 9:6; 12:2; 63:16; Muporofita Amosi 4:13; Muporofita Zekaria 14:16; Mosesi 7:53. Ndeapi mamwe madaidzirwo aungakwanisa kufunga? Ungangofadzwa kunyangwe nekudorongodza mamwe madaidzirwo aJesu Kristu aunowana munziyo dzeKirisimasi. Mudaidzirwo wake mumwe nemumwe unoshandura sei mafungiro aunoita pamusoro Pake?

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

Tsika dzeKirisimasi dzinokwanisa kunongedzera kuna Jesu Kristu.Mhuri dzevaIsraeri dzakanga dziine tsika, dzakaita sePaseka uye mamwe mabiko, dzaiva nechinangwa chekunongedzera mwoyo uye nepfungwa dzavo kuna Ishe (ona Eksodo 12). Ndedzipi tsika idzo mhuri yako yadzinayo panguva yeKirisimasi dzinokubatsirai kunangisa pfungwa pana Jesu Kristu? Ndedzipi tsika dzaunoziva pamusoro padzo kubva munhoroondo yemhuri yenyu? Mungangofunga pamusoro pekukurukura semhuri dzimwe tsika dzamunoda kutanga. Mamwe mazano angangosanganisira kushandira mumwe munhu anoda rubatsiro, kunyora rwiyo rwako pachako rweKirisimasi, kana kutsvaga nzira ine uchenjeri yekugovera shoko rekuzvarwa kwaKristu.

“Kristu Mwana: Nyaya Yekuzvarwa.”Ungabatsire sei nhengo dzemhuri kuti dzinzwe ruremekedzo uye mufaro wekuzvarwa kwaKristu? Verengai pamwechete Mateo 1:18–25; 2:1–12; Ruka 1:26–38; 2:1–20. Nhengo yega yega yemhuri inokwanisa kusarudza munhu kubva mutsananguro yemumagwaro matsvene uye vogovera manzwiro aiita munhu iyeyo pamusoro peMuponesi. Nhengo dzemhuri dzinokwanisawo kugovera manzwiro avo pachavo pamusoro Pake.

Kutsvaga Muponesi muTestamente Yekare.Apo paunogadzirira kunzvera upenyu hwaJesu Kristu muTestamente Itsva gore rinouya, funga pamusoro pekuwongorora nemhuri yako izvo zvavakadzidza pamusoro Pake gore rino muTestamente Yekare. Mungangowongorora zvidzidzo zviri mubhuku rino uye api zvawo manosti ekunzvera kwako pachako kukubatsirai kuyeuka zvamakadzidza. Vana vadiki vangangobatsirwa nokutarisa mubhuku reNyaya dzeTestamente Yekare kana mifananidzo iri mubhuku rino. Ndehupi huporofita kana nyaya dzakanyanya kushosha kwatiri? Chii chatakadzidza pamusoro peMuponesi?

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muHuyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

Rumbo rwakapuwa: “Husiku Hutsvene,” Nziyo neDzevana Vadiki, nhamba 104.

Kunatsurudza Kudzidzisa Kwedu

Teerera kunhengo dzemhuri yako. “Kuteerera chiito cherudo. Kunoda kuti tive nehanya zvakanyanya pamusoro pezviri mumwoyo memumwe munhu kupfuura izvo zviri kutevera chirongwa chedu wezvichataurwa kana chirongwa chechidzidzo. … Apo paunonyatsoteerera kumashoko [enhengo dzemhuri] ataurwa uye neasina kutaurwa, unozosvika pakunzwisisa zvirinani zvidikanwi zvavo, zvinetso zvavo, uye shuviro dzavo. Mweya unozokubatsira kuziva madzidzisiro aunovaita” (Teaching in the Savior’s Way, 34).

Mufananidzo
Maria nemucheche Jesu mudanga naVafudzi

The Nativity [Kuberekwa kwaJesu], naN. C. Wyeth

Dhinda