Chitsauko 33
Mazwi aNifai ndeechokwadi—Anopupura pamusana paKristu—Avo vanotenda munaKristu vanotenda mazwi aNifai, ayo achamira seuchapupu pamberi penzvimbo yekutongerwa. Zvingangove makore 559 kusvika ku545 Kristu asati azvarwa.
1 Uye zvino ini Nifai, handingakwanisi kunyora zvinhu zvose zvakadzidziswa vanhu vangu; zve handizi mukuru pakunyora, sepakutaura; nokuti kana munhu achitaura nesimba roMweya Mutsvene simba roMweya Mutsvene rinotakura mazwi iwayo kumwoyo yavana vavanhu.
2 Asi tarisai, kune vakawanda vakaomesa mwoyo yavo kuMweya Mutsvene, zvekuti hauna nzvimbo mavari; naizvozvo, vanorasira kunze zvinhu zvizhinji zvakanyorwa vachizviita sezvinhu zvisina maturo.
3 Asi ini Nifai, ndakanyora zvandakanyora, ndinozviti zvinhu zvinokosha, kunyanya kuvanhu vangu. Nokuti ndinovanamatira nguva dzose, maziso angu anototesa mutsago wangu usiku, nokuda kwavo; ndinochema kuna Mwari vangu mukutenda, uye ndinoziva kuti vachanzwa kuchema kwangu.
4 Uye ndinoziva kuti Ishe Mwari vanoropafadza minamato yangu inoponesa vanhu vangu. Namazwi andakanyora ndisina kusimba achasimbiswa kwavari; nokuti anovatunhidza kuti vaite zvakanaka; anoita kuti vazive zvemadzibaba avo; anotaura pamusana paJesu, achivatunhidza kuti vatende maari, nokuti vashingirire kusvikira kumagumo, unova ndiwo upenyu hwokusingaperi.
5 Uye unotaura nehasha kuchivi, maererano nechokwadi chiri pachena; nokudaro, hapana munhu achashatirwa nemazwi andakanyora, kunze kwokunge ari wemweya wadhiabhorosi.
6 Ndinofara kuisa zvinhu pachena, ndinofara nechokwadi; ndinofara munaJesu wangu, nokuti akadzikinura mweya wangu kubva mugehena.
7 Ndine rudo rwakadzama kuvanhu vangu, nokutenda kukuru munaKristu kuti ndichasangana nemweya yakawanda isina tsvina pachigaro chake chokutonga.
8 Ndine rudo rwakadzama kumaJuda—ndinoti maJuda, nokuti ndinoreva vekwandakabva.
9 Uye ndine rudo rwakadzama namaJentairi. Asi tarisai, hapana wandinotarisira kunze kwokuti vatendeukire kunaKristu, nokupinda napasuo rakamanika, nokufamba panzira yakamanikana nhete inotungamirira kuupenyu, voramba vari munzira kusvikira kumagumo ezuva rokuedzwa.
10 Uye zvino, hama dzangu dzinodiwa, uye namaJuda, namativi ose enyika, teererai mazwi aya mugotenda munaKristu; kana musingatendi mazwi aya tendai munaKristu. Mukatenda munaKristu muchatenda kumazwi aya, nokuti mazwi aKristu, uye akaapa kwandiri; uye anodzidzisa munhu wose kuti aitezvakanaka.
11 Uye kana asiri mazwi aKristu, tongai—nokuti Kristu achakuratidzai, nesimba nokubwinya kukuru, kuti mazwi ake, pazuva rokupedzisira; iwe neni tichamira chiso nechiso pamberi pake; muchazoziva kuti ndakarairwa naye kuti ndinyore zvinhu izvi, zvisingatadziswe nekuneta kwangu.
12 Uye ndinonamata Baba muzita raKristu kuti vazhinji vedu, kana kuti vose, vaponeswe muumambo hwake pazuva iro guru rokupedzisira.
13 Uye zvino, hama dzangu dzinodiwa, avo vose veimba yaIsraeri, namativi ose enyika, ndinotaura kwamuri seizwi reuyo ari kuchema ari muvhu: Sarai zvakanaka kusvikira zuva guru rasvika.
14 Uye newe usingapinde mukunaka kwaMwari, nokukudza mazwi amaJuda, uye namazwi angu, namazwi achabuda mumuromo weGwayana raMwari, tarisai, ndinokuti usare zvakanaka zvisingaperi, nokuti mazwi iwaya achakurasa pazuva rokupedzisira.
15 Nokuti zvandinobatanidza panyika, zvichaunzwa kwamuri pakutongwa; nokuti ndizvo zvandarairwa naIshe, zve ndinofanira kuteerera. Ameni.