Chikamu 2
Zvakabviswa kubva mumazwi engirozi Moronai kuna Joseph Smith Muporofita, ari mumba mababa veMuporofita kuManchester, New York, manheru emusi wa21 Gunyana, muna 1823 (History of the Church, 1:12). Moronai ndiye aive wekupedzisira wemudungwe murefu wevanyori venhoroondo uyo vakaita zvinyorwa izvo zvave pamberi penyika iyezvino seBhuku raMormoni. (Yenzanisa Maraki 4:5–6; nezvikamuwo 27:9; 110:13–16; ne128:18).
1, Erija acharatidza hupirisita; 2–3, Zvivimbiso zvamadzibaba zvinodyarwa mumwoyo yevana.
1 Tarisai, ndicharatidza kwamuri Hupirisita, neruoko rwaErija, muporofita, kusati kwauya zuva guru rinotyisa raIshe.
2 Uye achadyara mumwoyo yevana zvivimbiso zvakaitwa kumadzibaba, uye mwoyo yevana ichatendeukira kumadzibaba avo.
3 Dai zvisina kudaro, pasi rose raizove rinotsakatika zvachose pakuuya kwavo.