Chikamu 37
Zvakazarurwa zvakapihwa kuna Joseph Smith Muporofita naSidney Rigdon, pedyo neFayette, New York, Zvita 1830 (History of the Church, 1:139). Muno ndimo muri kupihwa murairo wekutanga unotaura nezvekuunganidzwa pamukuwo uno.
1–4, Vatendi vanodaidzwa kuti vaungane paOhio.
1 Tarisai, ndinoti kwamuri kuti hazvina kunaka kwandiri kuti murambe muchidudzira kudakara maenda kuOhio, uye izvi zvichikonzerwa nemuvengi uye pamusana penyu.
2 Uye zvakare, ndinoti kwamuri, hamufanirwe kuenda kudakara maparidza vhangeri rangu munzvimbo idzo, uye masimbisa chechi uko kwose kwarinowanikwa, uye kunyanya muColesville; nokuti, tarisai, vanonamata kwandiri murutendo rwukuru.
3 Uye zvakare, murairo wandinopa kuchechi, kuti zvakanaka kwandiri kuti vanofanira kuungana pamwechete paOhio, kuitira nguva muranda wangu Oliver Cowdery achadzoka kwavari.
4 Tarisai, heuno ungwaru, uye regai wose munhu azvisarudzire kusvika pandinouya. Kunyangwe saizvozvo. Ameni.