Nhoroondo yeChechi
Nzvimbo yoKuva Wepo


“Nzvimbo yoKuva Wepo,” Nhoorondo dzePasi Rose: Zimbabwe (2022)

“Nzvimbo yoKuva Wepo,” Nhoorondo dzePasi Rose: Zimbabwe

Nzvimbo yoKuva Wepo

Naume Keresia Salizani akakura mumba yakaninipa mumhuri yevana vapfumbamwe. Baba vake vakanga vabva kuMalawi vachizotsvaka basa. Kuti vawane chokurarama nacho, iye nevaberekedzani vake vaibatsira kurima nokutengesa nzimbe nembambaira. Zvisinei nezvinetso izvi, akanga aine huduku hunofadza. “Ndaifara muupenyu hwangu semunhu wechidiki, nokuda kwokuti baba naamai vangu, chaizvo, vaidanana. Uye vaitida isu,” akadaro. “Saka ndaifara zvikurusa.”

Hanzvadzi yaNaume akapinda Chechi muma1980, apo Naume paaiva achiri wechidiki. Akamukoka kuti aende kuchechi naye. Naume akabvuma. “Ndakangonzwa Mweya,” akarangarira. “Ndakangonzwa sokuti ndaiva wepo ipapo,” Asati aenda kuhushumiri hwake pachake, hanzvadzi yake yakabhabhatidza Naume murwizi rwaiva pedyo urwo rwaierera nesimba guru. “Ndaiva mutete zvikurusa. Akatofanira kundibata zvakasimba nokuda kwokuti mvura yacho yaiyerera nesimba gurusa,” akaseka. “Ini ndakabatirira zvakasimba kuitira upenyu hwangu.”

Mumwe wevashumiri uyo akanga adzidzisa Naume ainzi Edward Dube. SaNaume, Edward akarerwa mumamiriro ezvinhu akaninipa. Semwana muduku aifamba makiromita anopfuura manomwe kuenda kuchikoro, asina shangu, uye aibatsira vabereki vake muminda mushure mechikoro. Semukomana wechidiki akashanda semusevenzi wemumba kumhuri yechirungu yeVatendi vaMazuva Ekupedzisira, avo vakamukoka kuchechi.

Apo Edward paakaenda kuchechi kokutanga, akanzwa kusagadzikina, nokuda kwokuti gungano rose raiva revarungu chete. “Pandakapinda muchaperi, chose chandaida kwaiva kungobuda chete,” akarangarira. Mushure mechechi, akarangarira, mutungamiri webazi akamukwazisa, asi maitiro edzimwe nhengo akamuita kuti anzwe kusatambirwa: “Nemaziso ayo, munoziva? Nemaziso chete, okuti hausi wepano.”

Chinguva chidiki pashure, Edward akapinda musangano mukuru wenharaunda muHarare, uko kwaakaona nhengo dzakawanda dzeChitema dzeChechi. Akurudzirwa nazvo, akaramba achienda kuchechi uye akabhabhatidzwa muna Nyamavhuvhu. Mushure memakore maviri, akashanda semushumiri wenguva dzose. Munguva iyi, akadzidzisa Naume nemhuri yake. Munguva yemwedzi makumi maviri neminomwe yekushanda semushumiri kwake, Edward akabva mukuva “akanyarara” kuenda mukuva nechivimbo apo paaishanda nokudzidza kuda vanhu vakawanda vaiva vakasiyana kubva kwaari.

Mushure mehushumiri hwake, iye naNaume vakatanga kunyorerana tsamba uye pokupedzisira vakasarudza kuchata. Vakaronga mhemberero yemuchato yakareruka umo Naume maaizopfeka dhirezi ramazuva ose uye iye maaizopfeka svutu yake yekuhushumiri. Asi masisita eChita cheRubatsiro ebazi raEdward muKwekwe vakapindira vakabatsira. Naume akazopedzisira osarudza pakati penguwo dzomuchato dzakanaka nhatu. Vabereki vavo, vaberekedzani vavo, uye vamwe vavo nhengo dzeChechi vakazadza chaperi yekuKwekwe pazuva romufaro mukuru iroro.

Dhinda