Nhoroondo yeChechi
Kushandira Vamwe seZvakaitwa naKristu


“Kushandira Vamwe seZvakaitwa naKristu,” Nhoorondo dzePasi Rose: Zimbabwe (2022)

“Kushandira Vamwe seZvakaitwa naKristu,” Nhoroondo dzePasi Rose: Zimbabwe

Kushandira Vamwe seZvakaitwa naKristu

Sabbath Sibanda Maturure akazvarwa muna 1952 muShurugwi nechirwere chakaipa chakaita kuti asakwanisa kufamba. Vatatu vehanzvadzi dzake vaivawo nechirwere ichocho. Amai vavo, avo vakanga vaita vana gumi nevaviri, vaitakura Sabbath nehanzvadzi dzake kumusana kwavo mumwechete nemumwechete kuenda kuminda minyoro kuitira kuti vakwanise kuva chikamu chezviitwa zvemhuri.

Apo paaiva ava nemakore masere okuzvarwa, Sabbath akatorwa kuenda kunzvimbo yokugara muBulawayo, yainzi Jairos Jiri, iyo yaipa dzidziso nemabasa kuvanhu vakaremera. Akawana kuti aiva nechipo chokupenda mifananidzo. Nzvimbo iyi yaitengesa mifananidzo nezvigadzirwa zvemaoko zvaigadzirwa nevagari vepo kumashoo uye nemuchitoro.

Semukomana wechidiki, akasangana nemushumiri wechiKristu ainzi Wendy pane imwe shoo yakadaro. Wendy akamuudza kuti, “Mwari vanokuda.” Sabbath akamutaurira kuti zvinhu zvakadaro zviri nyore kwaari kutaura: “Ona, iwe une njere, wakapfeka mbatya dzakanaka. Unokwanisa kufamba.” Kwazviri izvi, Wendy akapindura, “Asi, Sabbath, unogona kupenda mifananidzo. Ini handigoni.”

Mushure maizvozvo Sabbath akatsvagurudza chiKristu. Pane imwe chechi akanzwa muparidzi achitaura nezvaKristu, Mufudzi Akanaka. Sabbath akazvibvunza kana, iyewo, aiva mumwe wezvipfuwo zvaKristu. “Mhinduro yakauya kwandiri kuti ndaiva rimwe remakwayi aIshe, uye ndinofarina kunzwa inzwi raMwari.”

Pokupedzisira Sabbath akasangana neshamwari yehanzvadzi yake Susan Ndaizivei Mubvumbi, mumwe wevagari vepaJairosi Jiri. Vakasarudza kuchata muna 1975. Kuti abhadhare muchato, Sabbath akatengesa mizhinji yemifananidzo yake. Hanzvadzi dzake dzaikirosha nokurukawo kuti dzibatsire kuunganidza mari yacho.

Muna 1986, Susan aishanda muchitoro cheJairos Jiri mutaundi, umo maakataura naGosa Boyd Lake, mushumiri weVatendi vaMazuva Ekupedzisira. Akakoka Gosa Boyd Lake naSisita Helen Lake kuti vadzidzise mhuri yake. Nenguva pfupi Susan naSabbath vakasarudza kubhabhatidzwa. Vakava mbiru dzakasimba dzeBazi reNguboyenja, rakamiswa muna 1988.

Bazi iri raisangana muhoro huru yepaJairos Jiri. Vazhinji venhengo dzaro vaiva vagari vepaJairos Jiri. Kubva muna 1989 kusvikira parufu rwake muna 1998, Sabbath akashanda semutungamiri webazi. Nhengo dzakawanda idzo dzaiva dziri matsi dzaipa uchapupu hwadzo nemutauro wemasaini, nokuratidza nemutauro wemasaini nziyo dzakaita “saNdiri Mwana waMwari,” uye nokuita mitambo yokuratidza nyaya yoKuzvarwa kwaJesu uye yaJoseph Smith. Kuti vawane mari yokubhadhra zviitwa zvebazi, zvinyorwa zveseminari, uye yokufambisa, nhengo dzaichivirika dzakatengesa maorenji uye “zvipenga” (zvidimbu zvemicheka zvaibva kumafakitori).

“Apo pandinotarisa upenyu hwangu,” Sabbath akafungisisa, “ndinoona kuti chinhu chinonyanya kurwadza icho munhu wenyama chaanokwanisa kusangana nacho ndechokufunga kuti anokwanisa kuita zvinhu zvose iye oga pachake. Asi kubva ipapo ndakaisa zvinhu zvose kuna Kristu. Kana ndiine matambudziko, ndinongoapa kwaari.”

Sabbath, Susan, nevana vavo vatatu—Blessings, Sukoluhle, and Helen—vakasunganidzwa muTemberi yeJohannesburg South Africa muna 1992. Pakupera kwezuva roga roga, Susan naSabbath vaiuganidza mhuri yavo mumunamato wokupa ruvongo uye nokukumbira nhungamiro. “Kana tiine kwaniso dzipi zvadzo, uye hazvina mhosva kuti dzinotaridzika kuva diki zvakadii, kuna Mwari dzakakosha,” akadaro Sabbath. “Dzipe kwavari kuburikidza nokudzishandisa kushandira vamwe, sezvakaitwa naKristu.”

Dhinda