Nhoroondo yeChechi
“Mwari, Ndauya kwaMuri”


“Mwari, Ndauya kwaMuri,” Nhoroondo dzePasi Rose: Zimbabwe (2022)

“Mwari, Ndauya kwaMuri,” Nhoroondo dzePasi Rose: Zimbabwe

“Mwari, Ndauya kwaMuri”

Everjoyce naNever Chikunguwo vekwaMutare vakanga vaine vana vana. Vaiva nechishuviro chokusunganidzwa pamwechete semhuri; zvisinei, temberi yaiva pedyosa yaiva makiromita chiuru chine zana nemakumi maviri nemasere (mamaira mazana masere) kure, muJohannesburg, South Africa.

Mahofisi emavhiza aiva makiromita mazana maviri nemakumi manomwe nematanhatu (mamaira zana nemakumi masere nemanomwe) kure, muHarare. Never akaita rwendo rwacho oga kuitira kuderedza mari yokufambisa. Akasvika pamahofisi emavhiza na5.00 mangwanani uye akapinda mumutsetse wavanhu wakareba. Ari mumutsetse uyu akadzidza kuti paiva nemutemo mutsva wairambidza munhu upi zvake kuapuraya vhiza akamiririra mumwe munhu upi zvake, kunyangwe mudzimai kana murume wake. Never akatanga kunamata nesimba rose. Apo paaiva akamirira mumutsetse, mushandi aigovera mafomu akaramba zvikumbiro zvipi zvazvo zvokupa munhu mafomu aipfuura rimwechete, zvichisimbisa kuti hapana munhu aikwanisa kuwana vhiza remumwe munhu. Never akanamata chinyararire akati,“Mwari, Ndauya kwaMuri. Chido chenyu ngachiitwe.”

Apo murume aipa mafomu paakasvika panzvimbo yaNever mumutsetse, akatarisa kuna Never, akaverenga bheji rehushumiri hwedunhu pabhachi rake, uye zvino akanyemwerera uye akamupa mafomu maviri.

Vaiva pedyo vakayambira Never kuti kunyangwe zvazvo akanga aine mafomu maviri, vashandi havaizomubvumira kutora vhiza muchinzvimbo chemudzimai wake. Apo zita raNever parakadaidzwa, akaenda uye akanotora pasipoti yake. Zvino akamira mumutsetse zvakare.

Apo zita raEverjoyce parakadaidzwa, Never akazvikumikidza zvakare. “Ndiwe Everjoyce here?” mushandi akabvunza. Never akanyemwerera uye akatsanangura kuti Everjoyce, mudzimai wake, aiva kumba achigadzirira rwendo rwavo rwokuenda kutemberi. “Zvino ndakataridza bvumo yemutemberi yangau uye nebvumo yemudzimai wangu,” akatsanangura. “Akatarisa kwandiri, akaverenga bheji rangu rehushumiri hwedunhu iro raiva pabhachi rangu, zvino akabva adhinda vhiza uye pasipoti.”

Chakatevera rwaiva rwendo rwokuenda kuJohannesburg muna Kurume 1993. Mhuri iyi yakarongedza mabhegi ezvokudya uye nemabhisikitsi. Vakafamba nebhazi zuva rose. Pakusvika pabhodha, vakawana kuti nokuda kwehondo yemunyika muSouth Africa, bhazi raizovaendesa kuSouth Africa rakanga raendeswa kunobatsira kutakura vanhu vaitiza kubva munyika iyi.

Mufananidzo
Mhuri yekwaChikunguwo

Mhuri yekwaChikunguwo, zvingangova muna 1993

Mhuri iyi yaiva isina pokurara asi yaiva isina mari yakakwana yokubhuka muhotera. Never akarinda apo mhuri yake payaiva yakarara panze. Pokupedzisira, pamanheru ezuva raitevera, vakakwira bhazi kuenda kuJohannesburg.

Vakasvika na4.00 mangwanani uye vakawana guta riri munyonganyonga. Mushure mekubhuka muhotera, masikati iwayo mhuri iyi yakakurumidza kuenda kutemberi uye vakanosunganidzwa. Havana kumbomirira kuita zvimwe zvisungo zvemutemberi asi vakasimuka kudzokera zuva raitevera. PaPark Station yepakati peJohannesburg vakaona mhirizhonga uye kuuraiwa kwavanhu asi vakasvika kumusha zvakanaka.

Pashure gore iroro, vana Chikunguwo vakaenda kutemberi zvakare, vachiperekedzwa nedzimwe mhuri mbiri idzo dzaienda kwenguva yokutanga. Panguva iyi rwendo rwacho rwaiva rusina matambudziko.

“Mhuri mbiri dzandakauya nadzo dzakasunganidzwa,” Never akadaro. “Chaiva chiitiko chakanaka zvinoshamisa apo pandakaona mudzimai wangu achipinda muchidziva chokubhabhatidzirwa, achinunura madziteteguru ake neangu.”

Dhinda