Nhoroondo yeChechi
Zimbabwe: Pfupiso


“Zimbabwe: Pfupiso,” Nhoroondo dzePasi Rose: Zimbabwe (2022)

“Zimbabwe: Pfupiso,” Nhoorondo dzePasi Rose: Zimbabwe

Mufananidzo
mepu yeZimbabwe

Nhoroondo yeChechi

muZimbabwe

Nyika yakanaka yeZimbabwe yanga iri musha kuVatendi vaMazuva Ekupedzisira kubvira muma 1930. Mumakumi emakore okutanga ekumiswa kweChechi, vagari vakabva kuEurope vakafamba nzendo dzakareba kunosangana munzvimbo dzakaita seSalisbury (pashure Harare), Bulawayo, neGweru uye nguva nenguva vaifamba nzendo dzakatonyanya kureba kupfuura idzi kunopinda misangano mikuru yechechi muSouth Africa.

Kubviswa kwezvirambidzo nokuda kwerudzi rwemunhu pakutora chinhanho muChechi muna 1978 kwakaunza mwaka werushanduko. Vatendi vaMazuva Ekupedzisira vemarudzi ose vakaedza zvikuru kuumba nzvimbo yerubatano pakati pekupesana kwemarudzi nezvematongerwo enyika. Muma 1980 nema1990, Chechi yakakura pakati pavanhu veZimbabwe avo vaitaura Shona neChirungu. Muna 1999, Bhuku raMormoni rakashambadzwa muShona uye hoko yokutanga muZimbabwe yakamisa muHarare. Munguva dzamatambudziko, Vatendi vaMazuva Ekupedzisira vakananavira kuburikidza nehufambidzani hwegungano kuti vatsigirane.

Kutanga muna 1985, Vatendi vaMazuva Ekupedzisira vakaenda kuJohannesburg kunoita zvisungo zvemutemberi. Muna 2020 ivhu rakaparurwa kuitira Temberi yeHarare Zimbabwe.

Kushingirira nokushivirira kwaVatendi vaMazuva Ekupedzisira muZimbabwe, pamwepo nezvibereko zvakanaka zvekuedza kwavo, kunounza mupfungwa vimbiso yeMuponesi: “Vakaropafadzwa vanenzara nenyota yokururama; nokuti vachagutiswa kwazvo” (Mateo 5:6).

Ruzivo rupfupi

Zita raPamutemo: Nyika yeZimbabwe/Nyika yeZimbabweIlizwe leZimbabweDziko la ZimbabweNyika ye ZimbabweHango yeZimbabweZimbabwe NùInyika yeZimbabweTiko ra ZimbabweNaha ya ZimbabweCisi ca ZimbabweShango ḽa ZimbabweIlizwe lase-Zimbabwe

Muzinda: Harare

Guta Gurusa: Harare

Mitauro yePamutemo: Chirungu, Shona, Ndebele, Chewa, Chibarwe, Kalanga, Koisan, Nambya, Ndau, Shangani, Sotho, Tonga, Tswana, Venda, and Xhosa.

Kukura kweNyika: 386,847 km2 (240,376 mi2)

Dunhu reChechi: Africa South

Hushumiri: 2 (Harare neBulawayo)

Magungano: 91

Matemberi: 1 (Harare)

Dhinda