Nhoroondo yeChechi
Zimbabwe: Nhevedzano yeZviitiko zveChechi


“Zimbabwe: Nhevedzano yeZviitiko zveChechi,” Nhoroondo dzePasi Rose (2022)

“Zimbabwe: Nhevedzano yeZviitiko zveChechi,” Nhoroondo dzePasi Rose: Zimbabwe

Zimbabwe: Nhevedzano yeZviitiko zveChechi

1928 • Shangani, Southern RhodesiaCecelia Jubber naWalter Taylor Jubber, avo vaigara nevana vavo papurazi pedyo neShangani, vakakoka Samuel Martin, mutungamiri weHushumiri hweSouth Africa, naGosa Marian Allread kuti vabhabhatidze vanakomana vavo William A. Jubber naWalter Taylor Jubber.

1930 • Southern RhodesiaVashumiri veHushumiri hweSouth Africa vakashanda muDunhu reRhodesia kubva muna Nyamavhuvhu kusvika muna Mbudzi 1930. Musi was Nyamavhuvhu 30, 1931, Bazi reShangani rakaumbwa, naWalter Taylor Jubber semutungamiri.

1950–51 • Salisbury, Southern RhodesiaVashumiri vakadzoka kuRhodesia muna Gunyana 1950. Muna Kukadzi 1951, Hugh H. Hodgkiss akatambira rubhabhatidzo uye akava mutungamiri wokutanga wemunzvimbo weBazi reSalisbury muna 1959.

1951–57 • Bulawayo, Southern RhodesiaRaumbwa muna 1951, Bazi reBulawayo nenguva pfupi rakarongwa pasi pehutungamiri hwemunzvimbo. Muna 1952, Johanna Jubber akadaidzwa semutungamiri weChita cheRubatsiro, uye muna 1957, Richard Isaacs akadaidzwa semutungamiri webazi.

1959 • South AfricaJean Wood wekuBazi reBulawayo akatanga mushando wehushumiri muSouth Africa.

Chikunguru 28, 1963 • Bulawayo, Southern RhodesiaMinamato yokuvhura imba yokusanganira yekuBulawayo yakaitwa.

Mufananidzo
Imba yekusanganira yekuSalisbury

Ndira 19, 1964 • Salisbury

Minamato yekuvhura imba yokusanganira yekuSalisbury yakaitwa.

1965–80 • RhodesiaNyika yakava nehondo yevagari vemunyika yakareba.

Ndira 26, 1974 • Bulawayo, Gweru, neSalisbury, RhodesiaZvirongwa zveseminari neinisitichuti zvakasumwa kokutanga kunevechidiki uye kuvakuru vechidiki muRhodesia.

1978 • RhodesiaIris Nield akashanda kuunganidza rondedzero zviuru zviviri dzaiva pamamicrofilm kuitira Genealogical Society of Utah.

Chikumi 1978• Salt Lake City, Utah, USAMutungamiri weChechi Spencer W. Kimball akazivisa zvakazarurwa izvo zvakagumisa zvirambidzo zvekuva nehupirisita nekupinda mutemberi zvaivapo kunhengo dzeChitema dzeChechi.

Gumiguru 23–24, 1978 • Johannesburg, South AfricaMutungamiri weChechi Spencer W. Kimball akataura kunhengo neshamwari dzaisvika zviuru zvitatu nemazana mana muFilm Trust Arena maererano nezvakazarurwa zva1978 zvehupirisita netemberi.

1979–80 • BulawayoErnest Tsikira Sibanda naPriscilla Sibanda nevana vavo vakasangana neChechi uye vakabhabhatidzwa chinguva chidiki mushure mazvo senhengo dzekutanga dzeChitema muZimbabwe.

Kubvumbi 18, 1980 • ZimbabweRhodesia vakava nerusununguko kubva kuGreat Britain uye ikazivikanwa pasi rose seZimbabwe.

Chivabvu 23, 1980 • Highfield, ZimbabweReginald J. Nield akadaidzwa semutungamiri weBazi rechina rekuSalisbury muHighfield (pashure rakazodaidzwa kuti Bazi reHighfield), bazi rokutanga chairo ravanhu Vatema chete muAfrica yekumaodzanyemba.

Chivabvu 17, 1981 • Salisbury, ZimbabweTanganyika naPeter Chaya, baba nemwanakomana, vekuBazi rechina reSalisbury, ndivo vaiva varume vatema vokutanga vechiAfrican vakagadzwa semagosa muZimbabwe.

Gumiguru 14, 1981 • SalisburyPeter Chaya akava Mutendi waMazuva Ekupedzisira weChitema wokutanga muZimbabwe kutambira daidzo semushumiri.

Ma1980 • ZimbabweMapazi matsva akaumbwa muBindura, Harare, Acturus, Gweru, Bulawayo, neMutare.

Nyamavhuvhu 24, 1985 • JohannesburgTemberi yeJohannesburg South Africa yakakumikidzwa.

Kumagumo kwekuma1980 • ZimbabweNoel da Silva, mutungamiri weDunhu reHarare, akatangisa “misangano yesakaramende yekumba” muRuwa, Macheke, Bindura, nenharaunda yekumigodhi yaiva pedyo neRemare, uko nhengo kwadzaiwana zvichidhura kuenda kudzimba dzokusanganira. Musi weSvondo woga woga nhengo yehutungamiri webazi yaipinda misangano midiki mudzimba dzenhengo.

1990 • Bulawayo, ZimbabweMukai Maphosa akadaidzwa semutungamiri weChita cheRubatsiro.

Gumiguru 25, 1991 • Harare, ZimbabweZimbabwe yakakumikidzwa kuitira kuparidzwa kwevhangeri naGosa James E. Faust veChikwata cheVaapositora Vane Gumi neVaviri.

Kubvumbi 1992 • ZimbabweMukusanaya kwemvura kwakaipisisa mumakore zana, maZimbabwean akatarisana nekushayikwa kwezvinhu zvakakosha zvakaita sehupfu hwechibage, mafuta, mupunga, nebhinzi.

Nyamavhuvhu 18, 1992 • ZimbabweBoka renhengo makumi mashanu kubva kunzvimbo dzemuZimbabwe (kusanganisira Harare, Bulawayo, neMutare) dzakafamba parwendo maawa makumi maviri nemashanu nebhazi kuenda kuTemberi yeJohannesburg South Africa

1993 • ZimbabweEdward Dube akava muZimbabwean wokutanga kushanda semutungamiri wemunyika wemaSeminari nemaInisitichuti eVhangeri.

Ndira 18, 1998 • HarareMutungamiri weChechi Gordon B. Hinckley vakashanyira Zimbabwe uye vakataura kuVatendi vaMazuva Ekupedzisira chiuru nemazana mashanu. Vatungimiri vehurumende vakati wandei, kusanganisira mutungamiri wezvemauto nemutungamiri wezvemagariro akanaka evanhu, vaivapowo.

1999 • Salt Lake CityBhuku raMormoni rakazara rokutanga mumutauro weChiShona rakashambadzwa.

Zvita 12, 1999 • HarareHoko yokutanga muZimbabwe, Hoko yeHarare Zimbabwe, yakarongwa, naEdward Dube semutungamiri.

Gumiguru 9, 2000 • HarareEmmah naBen Musoni vakava vakuru vemunzvimbo vokutanga kushanda muhushimiri hwenguva yakazara hwemakore maviri.

2002 • ZimbabweTemple Patron Assistance Fund yakaita kuti kuenda kutemberi kwevakawanda zvikuru kukwanisike, kusananganisira nzendo ina kubva kuHarare, nhatu kubva kuLusaka, uye mbiri kubva kuBulawayo.

Kurume 20, 2005 • BulawayoHoko yeBulawayo Zimbabwe yakarongwa, naTasara Makasi semutungamiri.

2007 • ZimbabweBhuku raMormoni, Dzidziso neZvibvumirano, uye neDombo reMutengo Mukuru (Mubatanidzwa Mutatu) akashambadzwa muShona, mushure memakore mazhinji ebasa netimu yedudziro yaisanganisira Dorothy Tembo, George Murenza, Moses Murahwa, Upenyu Tambara, Ben Musoni, naThomas Musoni.

2008 • ZimbabwePakati pekudhura kukurusa kwezvinhu kwaiva kusati kwamboonekwa uye pedenda rekorera iro rakabata vanhu zviuru zana uye rikauraya zviuru zvishanu, mipiro yekutsanya yeVatendi yemuZimbabwe yabatanidzwa nezvipo zverubatsiro zvakapuwa neChechi zvakadzivirira dambudziko gurusa rekushaikwa kwezvokudya kunhengo dzeChechi.

Chikumi 30, 2009 • ZimbabweEdward naNaume Keresia Salizani Dube vakadaidzwa kuti vatungamirire pamusoro peHushumiri hweZimbabwe Harare.

Kubvumbi 6, 2013 • Salt Lake CityEdward Dube akatsigirwa senhengo yeChikwata Chokutanga cheVanomwe mumusangano mukuru, achiva muZimbabwean wokutanga kushanda seMutungamiri Mukuru.

Kurume 2016 • Northern neEastern ZimbabwePakati pekushayikwa kwemvura inonaya kwakaipa, Masangano eRubatsiro aVatendi vaMazuva Ekupedzisira akaronga nekutungamirira kucherwa kwemigodhi makumi mashanu nerimwechete munharaunda dzekuChegutu, Marondera, Kambuzuma, Glen Norah, neDomboshawa.

Kubvumbi 3, 2016 • Salt Lake CityKuvakwa kweTemberi yeHarare Zimbabwe kwakaziviswa munguva yemusangano mukuru.

Chikunguru 2017 • HarareVatendi muHarare vakabatana nekanzuru yeguta kufushira makomba mumigwagwa munzvimbo yeMabvuku-Tafara uye nekanzira kadiki munzvimbo yeQueensdale.

Mbudzi 14, 2018 • HarareMutungamiri K. Mohadi, mutevedzeri wemutungamiri wenyika, akasangana navatungamiri veChechi, kusanganisira Philip Mathemera, Mutungamiri weHoko yeHarare South, Gladys Sitati naGosa Joseph W. Sitati vekuAfrican South Area, uye Kathy Andersen naGosa Neil L. Andersen veChikwata cheVaapositora Vane Gume neVaviri.

Nyamavhuvhu 17, 2019 • ZimbabweSechikamu cheZuva reAll-Africa Helping Hands, panguva iyo Vatendi vaMazuva Ekupedzisira nemuAfrica mose mavanopa mushando wemaawa zviuru gumi, nhengo dzeChechi muZimbabwe dzakabatana nekanzuru dzemunzvimbo kubvisa matutu makurusa amarara aiunganidzwa zvisiri pamutemo munharaunda.

Gumiguru 1, 2020 • HarareKuparurwa kweivhu panzvimbo paizovakirwa Temberi yeHarare Zimbabwe kwakaziviswa.

Dhinda