Huyai, Munditevere 2024
Ndira 6–12: “Teererai, Imi Vanhu”: Dzidziso neZvibvumirano 1


“Ndira 6–12: ‘Teererai, Imi Vanhu’: Dzidziso neZvibvumirano 1,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Dzidziso neZvibvumirano 2025 (2025)

“Dzidziso neZvibvumirano 1,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: 2025

mhuri ichiverenga magwaro matsvene pamwechete

Ndira 6–12: “Teererai, Imi Vanhu”

Dzidziso neZvibvumirano 1

Muna Mbudzi 1831, Chechi yaJesu Kristu yakadzorerwa yakanga yava negore nehafu chete yaumbwa. Kunyangwe zvazvo yaikura, yakanga ichingori boka ravatendi risinganyanyi kuzivikanwa raigara mumadhorobha madiki, richitungamirirwa nemuporofita aiva nemakore ari pakati pemakumi maviri nemana nemakumi maviri nematanhatu. Asi Mwari vakaona vatendi ava sava varanda Vavo uye vatumwa Vavo, uye Vaida kuti zvakazarurwa zvaVakanga vavapa zvishambadzwe kunyika.

Dzidziso neZvibvumirano chikamu 1 ndiyo nhanganyaya kana chisumo chaIshe, kuzvakazarurwa izvi. Chinotaridza zviri pachena kuti kunyangwe unhengo hweChechi hwaiva hudiki, pakanga pasina chinhu chidiki pamusoro peshoko iro Mwari ravaida kuti Vatendi Vavo vagovere. Iri “inzwi reyambiro” kuna vose “vagari vapanyika,” rinovadzidzisa kutendeuka uye kumisa “chibvumirano chisingaperi” chaMwari (ndima 4, 8, 22). Varanda varikutakura shoko iri ndeavo “vasina kusimba uye vangori vanhuwo zvavo.” Asi varanda vakaninipa ndivo chaivo vanodikanwa naMwari—kare ikako uye nanhasi—kuti vabudise Chechi Yavo “kubva mukusazivikanwa uye kubva murima” (ndima 23, 30).

mufananidzo wekunzvera

Mazano eKudzidza Kumba uye kuChechi

Dzidziso neZvibvumirano 1

“Teererai, Imi Vanhu.”

Nhanganyaya inosuma bhuku. Inotaridza madingindira nezvinangwa zvebhuku uye chinobatsira vaverengi kugadzirira kuverenga. Apo paunoverenga chikamu 1—“nhanganyaya” yaIshe kuDzidziso neZvibvumirano (ndima 6)—tsvaka madingindira nezvinangwa izvo Ishe zvavakapa zvezvakazarurwa Zvavo. Chii chaunodzidza icho chinozokubatsira mukunzvera kwako Dzidziso neZvibvumirano gore rino? Semuenzaniso, ungangofungisisa pamusoro pezvazvinoreva “kunzwa inzwi raIshe” muzvakazarurwa izvi. (ndima 14) kana “kunzvera mirairo iyi” (ndima 37).

Onawo chisumo kuDzidziso neZvibvumirano.

Dzidziso neZvibvumirano 1:4–6, 23–24, 37–39

mufananidzo weseminari
Ishe vanotaura kuburikidza nevaranda Vavo kusanganisira vaporofita vemazuva ekupedzisira.

Chikamu 1 chinotanga nokupera nechiziviso chaIshe chokuti Vanotaura kuburikidza nevaranda Vavo vakasarudzwa (ona ndima 4–6, 23–24, 38). Nyora pasi zvaunodzidza kubva kuzvakazarurwa izvi pamusoro pezvinotevera:

  • Ishe neinzwi Ravo.

  • Sei vaporofita vachidikanwa muzuva redu ranhasi.

Chii chaunonzwa uchikurudzirwa kuita semhedzisiro yezvaunenge wawana?

Ndiriinhi apo pawakanzwa inzwi raIshe kuburikidza neinzwi revaranda Vavo? (ona ndima 38).

Unokwanisawo kufungidzira kuti shamwari isingazivi pamusoro pevaporofita vapenyu irikuverenga chikamu 1 newe. Ndeipi mibvunzo iyo shamwari yako yaingangova nayo? Ndedzipi ndima dzaungada kukurukura neshamwari yako kuti umubatsire kunzwisisa zvaunonzwa pamusoro pekuva navaporofita muzuva redu ranhasi?

Ungangoda kuziva kuti apo pakasangana dare remagosa muna 1831 kuti vataure pamusoro pekushambadza zvakazarurwa zvaJoseph Smith, vamwe vanhu vakapikisa zano iri. Vainyara neutera hwaJoseph Smith pakunyora, uye vaishushikana kuti kushambadza zvakazarurwa izvi kwaigona kukonzera mamwe matambudziko kuVatendi (ona Saints, 1:140–43). Dai waiva nhengo yedare iri, ungadai wakagadzirisa sei zvinetso izvi? Ndedzipi pfungwa dzaunowana muchikamu 1 dzingangodai dzakabatsira? (ona, semuenzaniso, ndima 6, 24, 38).

- -

Onawo Topics and Questions, “Prophets [Vaporofita],” Gospel Library .

Nhengo dzechechi dzichitsigira vatungamiri vechechi pamusangano mukuru

Ishe vanotaura kwatiri kuburikidza nevaranda Vavo, vaporofita.

Dzidziso neZvibvumirano 1:12–30, 34–36

Kudzorerwa kwevhangeri kunondibatsira kutarisana nezvinetso zvemazuva ekupedzisira.

Muna Dzidziso neZvibvumirano chikamu 1, Ishe vanotsanangura kuti sei Vakadzorera vhangeri Ravo. Tarisa kuti zvikonzero zvingani zvaunga doma paunenge uchiverenga ndima 12–23. Muruzivo rwako, zvirongwa zvaIshe zveKudzorerwa zviri kuzadzikiswa sei?

Ishe vaiziva kuti zuva redu raizova nezvinetso zvakakomba (ona ndima 17). Chii chaunowana mundima 17–30, 34–36 chinokubatsira kuti unzwe rugare uye chivimbo zvisinei nezvinetso izvi?

Onawo Russell M. Nelson, “Embrace the Future with Faith,” Liahona, Ndira 2020, 73–76.

Dzidziso neZvibvumirano 1:19–28

Ishe vanoshandisa “vasina kusimba uye vanhuwo zvavo kuzadzisa” basa Ravo.

Apo paunoverenga Dzidziso neZvibvumirano 1:19–28, ungangofungisisa zvazvinoreva kuva muranda waIshe. Ndehupi hunhu uhwo Ishe hwavanoda kuti varanda Vavo vave nahwo? Ndechipi icho Ishe chavarikuzadziskisa kuburikidza nevaranda Vavo? Huporofita huri mundima idzi huri kuzadzikiswa sei nepanyika pose uye muupenyu hwako?

Tsvaka Jesu Kristu. Chinangwa chemagwaro matsvene ndeche kupupura nezve Muponesi nevhangeri Rake. Apo paunoverenga Dzidziso neZvibvumirano 1, funga pamusoro pekumaka kana kunyora pasi ndima dzinokudzidzisa chimwe chinhu pamusoro paJesu Kristu.

­

mufananidzo wechikamu chevana 02

Mazano eKudzidzisa Vana

Dzidziso neZvibvumirano 1:4, 37–39

Kuburikidza navaporofita Vavo, Ishe vanondiyambira nezvenjodzi yezvepamweya.

  • Kuti utange hurukuro pamusoro peyambiro dzinobva kuna Ishe, unokwanisa kutaura pamusoro peyambiro dzatinotambira kubva kuna vamwe vanhu pamusoro penjodzi dzatisingakwanisi kuona. Imwe mienzaniso ingangosanganisira uriri hwunotsvedza, dutu rine simba gurusa riri kuuya, kana mota irikuuya nekwauri. Zvimwe iwe navana vako munokwanisa kutarisa mienzaniso yezviratidzo zveyambiro uye moenzanisa yambiro idzi neyambiro dzatinopuwa naIshe. Maererano neDzidziso neZvibvumirano 1:4, 37–39, Ishe vanotiyambira sei? Vakatiyambira pamusoro pei munguva ichangopfuura? Pamwe munokwanisa kuona kana kuverenga zvikamu zvemashoko emusangano mukuru uchangopfuura uye motsvaka mienzaniso “yeinzwi reyambiro” raMwari.

  • Imbai pamwechete rumbo pamusoro pevaporofita. Govera uchapupu hwako hwekuti muporofita anotaura shoko raMwari.

Dzidziso neZvibvumirano 1:17

Kudzorerwa kwevhangeri kunondibatsira kutarisana nezvinetso zvemazuva ekupedzisira.

  • Kuitira kukurudzira hurukuro pamusoro peDzidziso neZvibvumirano 1:17, iwe nevana vako munokwanisa kufungidzira kuti muri kugadzirira rwendo. Chii chamungarongedza? Dai maiziva pachine nguva kuti mvura yaizonaya kana kuti vhiri remota yenyu kana rebhazi raizopera mweya, izvozvo zvaizoshandura sei nzira yamunogadzirira nayo rwendo rwacho? Verengai pamwechete ndima 17, uye motaura pamusoro peizvo Ishe zvavaiziva kuti zvaizoitika kwatiri. Vakazvigadzirira sei? (Kana zvichidikanwa, tsanangura kuti “njodzi“ idambudziko kana chinhu chinotyisa.) Mirairo yaMwari inotibatsira sei kutarisana nematambudziko enguva yedu?

Dzidziso neZvibvumirano 1:17, 29

Ishe vakadaidza Joseph Smith kuti ave muporofita.

  • Kuti mudzidze pamusoro pebasa raJoseph Smith mukudzorera vhangeri reMuponesi, iwe nevana vako munokwanisa kutarisa pamufananidzo weMuponesi uye mufananidzo waJoseph Smith (ona mifananidzo iri muchidzidzo chino) uye mugotaura pamusoro peizvo Muponesi zvaakatipa kuburikidza naJoseph Smith. Vana vako vanokwanisa kutsvaka mienzaniso muDzidziso neZvibvumirano 1:17, 29. Taurira vana vako maziviro aunoita kuti Mwari “vakadaidza muranda wangu Joseph Smith, Mwana., uye ndikataura kwaari kubva kudenga” (ndima 17).

mufananidzo waJoseph Smith Mwana.

© 1998 David Lindsley

Dzidziso neZvibvumirano 1:30

Chechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira ndiyo chechi yaIshe “yechokwadi uye mhenyu.”

  • Zvinorevei kutaura kuti Chechi ndeye “chokwadi uye mhenyu”? Kuita kuti vana vako vafunge pamusoro pemubvunzo uyu, pamwe unokwanisa kuvataridza zvinhu zvipenyu nezvisiri zvipenyu—zvakaita sechirimwa chipenyu nechirimwa chakafa Tinoziva sei kuti chimwe chinhu chipenyu? Zvino munokwanisa kuverenga Dzidziso neZvibvumirano 1:30 uye motaura pamusoro pezvazvingangoreva kuti Chechi ive “yechokwadi uye mhenyu.”

­

mufananidzo waJesu Kristu

Beside Still Waters [Padivi peMvura Yakadzikama], naSimon Dewey

peji yechiitwa yevana