“Ndira 20–26: ‘Mwoyo yeVana Ichatendeukira kuMadzibaba Avo’: Dzidziso neZvibvumirano 2; Joseph Smith—Nhoroondo 1:27–65,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Dzidziso neZvibvumirano 2025 (2025)
“Dzidziso neZvibvumirano 2; Joseph Smith—Nhoroondo 1:27–65,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: 2025
Ndira 20–26: “Mwoyo yeVana Ichatendeukira kuMadzibaba Avo”
Dzidziso neZvibvumirano 2; Joseph Smith—Nhoroondo 1:27–65
Kwakanga kwapfuura makore matatu kubvira apo Mwari Baba neMwanakomana Wavo Jesu Kristu, pavakanga vazviratidza kuMuporofita Joseph Smith muchisango, uye Joseph akanga asati atambira zvimwe zvakazarurwa kubvira ipapo. Akatanga kunetsekana kana Ishe vakanga vasingafari naye. Sesu tose, akanga aita zvikanganiso, uye ainzwa kurangwa nekuda kwazvo. Asi Mwari vakanga vachine basa rokuti aite. Uye basa rakadaidzwa Joseph kuti aite rakabatanidzwa kune izvo Mwari zvavanokumbira kwatiri. Joseph aizounza mberi Bhuku raMormoni; tinokokwa kugovera shoko raro. Joseph aizogamuchira makiyi ehupirisita kuti atendeutsire mwoyo yevana kumadzibaba avo; isu zvino tinokwanisa kugamuchira zvisungo zvemadziteteguru edu mumatemberi. Joseph akaudzwa nezve huporofita uhwo hwaizozadzikiswa munguva pfupi yaitevera;; takadaidzwa kuti tibatsire kuzadzikisa huporofita uhwu. Apo patinotora chinhanho mubasa raMwari, tinokwanisa kutarisira kusangana nepikiso uye kunyangwe rutambudzwo, sezvakangoita Muporofita. Asi tinokwanisawo kuva nerutendo kuti Ishe vanozotiita midziyo mumaoko Avo, sezvaVakangoitira Joseph.
Mazano eKudzidza Kumba uye kuChechi
Joseph Smith—Nhoroondo 1:27–33
Mwari vane basa rekuti ndiite.
Chinhu chimwechete kutenda kuti Mwari vakanga vane basa rokuti Joseph Smith aite—tinokwanisa kutarira kumashure muupenyu hwake uye toona zviri pachena izvo zvaakabudirira kuita. Asi wakambofunga here pamusoro pokuti Mwari vane basa rokuti iwe uitewo? Apo paunoverenga Joseph Smith—Nhoroondo 1:27–33, funga pamusoro pokuti basa iroro ringava rei. Rinobatsira sei kuKudzorerwa kunoenderera kwevhangeri reMuponesi?
Gosa Gary E. Stevenson vakadzidzisa kuti: “Apo patinouya kuna Kristu uye tobatsira vamwe kuita zvimwechetezvo, tinotora chinhanho mubasa raMwari reruponeso nekusimudzirwa kumusoro‑soro, iro rinonangisa pamabasa akagadzwa nehumwari. … Mabasa aya ari nyore, anofemera, anokurudzira, uye anokwanisa kuitwa. Heano mabasa acho:
-
Kurarama vhangeri raJesu Kristu
-
Kuriritira avo vanoshaiwa
-
Kukoka vose kuti vagamuchire vhangeri
-
Kubatanidza mhuri nekusingaperi” (“Simply Beautiful—Beautifully Simple,” Liahona, Mbudzi. 2021, p. 47).
Fungisisa zviitiko zvawakava nazvo pawaitora chinhanho mune rimwe nerimwe remabasa akagadzwa nehumwari aya. Muponesi angada kuti uitei zvino? Pane peji yeMisoro yeNyaya neMibvunzo yerimwe nerimwe ramabasa aya (ona “Chikamu Chedu Mubasa raMwari roRuponeso neKusimudzirwa Kumusoro-soro,” Raibhurari yeVhangeri). Ungangoongorora mapeji aya kuti akubatsire kupindura mubvunzo uyu.
Unogona dzimwe nguva kunzwa sekuti Ishe havakwanisi kukushandisa nokuda kwezvikanganiso zvawakaita. Unodzidzei kubva muchiitiko chaJoseph Smith muna Joseph Smith—Nhoroondo 1:28–29? Ungakwanisa kuziva sei “mamiriro ako pamberi [paMwari]”?
Onawo “The Work of Salvation and Exaltation,” General Handbook, 1.2.
Joseph Smith—Nhoroondo 1:34–47
Kuburikidza nokudzorera vhangeri Rake, Muponesi akazadzikisa huporofita hwechinyakare.
Apo Moronai paakazviratidza kuna Joseph Smith, akatapa huporofita huzhinji hwemuTestamente Yekare neItsva, sezvakaita Muporofita Isaya 11; Mabasa aVaApositora 3:22–23; uye Muporofita Joere 2:28–32. Apo paunoverenga Joseph Smith—Nhoroondo 1:34–47, funga pamusoro pokuti sei huporofita uhwu hwungange hwaiva hwakakosha kuti Joseph azive. Sei hwakakosha kuti iwe uhwuzive?
Joseph Smith—Nhoroondo 1:48–60
Mwari vanozondigadzirira kushanda muumambo Hwavo.
Joseph aiva nemakore gumi nemanomwe chete apo paakaona mahwendefa egoridhe kwokutanga. Haana kupuwa kwaari kuti aachengete, zvisinei, kusvikira pashure pamakore mana. Verenga Joseph Smith—Nhoroondo 1:48–60, uchitsvaka izvo zvakaitika muupenyu hwaJoseph munguva iyoyo. Unofunga kuti zviitiko izvi zvakamugadzirira sei kubasa iro Mwari ravakamudaidza kuti aite? Ndezvipi zviitiko zvawakava nazvo zvakakugadzirira kushandira Mwari uye nevamwe? Chii chauri kusangana nacho parizvino chinokwanisa kukubatsira kugadzirira kushandira kweramangwana?
Ishe vakatumira Erija kutendeutsira mwoyo wangu kumadziteteguru angu.
Mashoko akaita “sadyara,” “mwoyo,” uye “tendeutsira” muchikamu chino anokudzidzisa chii pamusoro pebasa raErija uye maropafadzo emakiyi ehupirisita aakadzorera? Wakanzwa sei mwoyo wako uchitendeukira kumadziteteguru ako? Funga nezve nzira dzaunokwanisa kuva nemanzwiro iwayo kakanyanya kuwanda. Kutsvaka madziteteguru ako nekuvaitira zvisungo mutemberi ndiyo imwe nzira (ona FamilySearch.org). Ndedzipi dzimwe dzaunokwanisa kufunga nezvadzo?
Mazano eKudzidzisa Vana
Joseph Smith—Nhoroondo 1:28–29
Ndinokwanisa kutendeuka uye ndigoregererwa.
-
Isu tose dzimwe nguva tinonzwa “kutongerwa mhosva nokuda kweutera nekusarurama [kwedu],” sezvakaita Joseph Smith. Iwe nevana vako munokwanisa kunzvera Joseph Smith—Nhoroondo 1:29 pamwechete, muchitsvaka zvakaitwa naJoseph paakanzwa saizvozvo. Tingadzidzei kubva kumuenzaniso wake izvo zvingakwanisa kutibatsira apo patinoita zvikanganiso? Sei zvakakosha kuziva kuti Joseph akadaidzwa naMwari kunyangwe zvazvo akanga asina kururama?
Joseph Smith—Nhoroondo 1:27–54
Baba Vokudenga vakadaidza Joseph Smith kuti aVabatsire kuita basa Ravo.
-
Vana vako vangangonakidzwa nokunyepedzera kuva Joseph Smith apo paunenge uchitaura nyaya yekushanya kwaMoronai muna Joseph Smith—Nhoroondo 1:27–54 kana “Chitsauko 3: The Angel Moroni and the Gold Plates” (muDoctrine and Covenants Stories, 13–17, kana vhidhiyo inoenderana nazvo muGospel Library). Semuenzaniso, vanokwanisa kupeta maoko avo sokunge vari kunamata kana kunyepedzera kukwira Chikomo cheKumora, zvichingodaro. Ipapo unokwanisa kuvakumbira kuti vataure pamusoro peizvo Mwari zvavakadaidza Joseph Smith kuti aite uye kuti tinoropafadzwa sei semugumisiro. Semuenzaniso, takaropafadzwa sei nokuda kwekuti Joseph Smith akadudzira Bhuku raMormoni? Basa rake rakatibatsira sei kuswedera pedyo naBaba Vokudenga naJesu Kristu?
NaN:NaN
Baba Vokudenga vanoda kuti mhuri dzisunganidzwe mutemberi.
-
Pamwe iwe nevana vako mungazonakidzwa nokutarisa mimwe mifananidzo yemhuri yenyu, pamwe kusanganisira mufananidzo wemhuri yenyu muri kutemberi (kana kuti ona Bhuku reMifananidzo yeVhangeri, nhamba. 120). Munokwanisa zvino kuverenga Dzidziso neZvibvumirano 2 uye mogoverana nemumwe nemumwe wenyu pfungwa dzenyu pamusoro pokuti sei tiine matemberi uye kuti sei Baba Vokudenga vachida kuti mhuri dzive pamwechete nariinhi nariinhi.
Kudzidza pamusoro pamadziteteguru angu kunokwanisa kundiunzira mufaro.
-
Vana vanokwanisa kuva nechido chikuru uye nekunzwa mufaro wenhoroondo yemhuri. Kuti uvabatsire, unokwanisa kugovera nyaya kana mifananidzo yemadziteteguru ako. Taura nevana vako pamusoro pokuti upenyu hwamadziteteguru avo hwaiva hwakaita sei apo pavaiva vachiri vadiki. Vana vako vanokwanisawo kunakidzwa nezvimwe zvezviitwa zvenhoroondo yemhuri pa FamilySearch.org/discovery.