Huyai, Munditevere 2024
Ndira 27–Kukadzi 2: “Basa Rangu Richafambira Mberi”: Dzidziso neZvibvumirano 3–5


“Ndira 27–Kukadzi 2: ‘Basa Rangu Richafambira Mberi’: Dzidziso neZvibvumirano 3–5,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Dzidziso neZvibvumirano 2025 (2025)

“Dzidziso neZvibvumirano 3–5,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: 2025

mushandi ari mumunda

Ndira 27–Kukadzi 2: “Basa Rangu Richafambira Mberi”

Dzidziso neZvibvumirano 3–5

Munguva yemakore mashoma ekutanga ake semuporofita waIshe, Joseph Smith akanga asati oziva zvinhu zvese pamusoro “pebasa rinoshamisa” raakanga adaidzwa kuti aite. Asi chinhu chimwechete chaakadzidziswa nezviitiko zvake zvokutanga chaiva chokuti kuti aite basa raMwari, ziso rake raifanira “kutarisa chetekukubwinya kwaMwari” (Dzidziso neZvibvumirano 4:1, 5). Semuenzaniso, kana Ishe akamuraira kuita chimwe chinhu chaakanga asina chokwadi kuti anoda kuita, aifanira kutevera rairo yaIshe. Uye kunyangwe kana aiva “nezvakazarurwa zvakawanda, uye … nesimba rekuita mabasa mazhinji anoshamisa,” kana ainzwa kuti izvo zvaaida zvaiva zvakanyanya kukosha kupinda chido chaMwari, “anofanira kuputsika” (Dzidziso neZvibvumirano 3:4). Asi Joseph akadzidza chimwezve chinhu chakakoshawo pamusoro pekuita basa raMwari: “Mwari vane nyasha,” uye kana Joseph akatendeuka zvechokwadi, akanga “achiri wakasarudzwa” (ndima 10). Basa raMwari, mushure mezvose, ibasa rerununuro. Uye basa iroro “harikwanisi kukanganiswa” (ndima 1).

mufananidzo wekunzvera

Mazano eKudzidza Kumba uye kuChechi

Dzidziso neZvibvumirano 3:1–16

mufananidzo weseminari
Ndinokwanisa kuvimba naMwari.

Pakutanga muhushumiri hwaJoseph Smith, shamwari dzakanaka dzakanga dzakaoma kuwana—kunyanya shamwari dzakaita saMartin Harris, murume airemekedzwa, akabudirira uyo akazvipira zvikuru kuti atsigire basa raJoseph. Nokudaro apo Martin paakakumbira mvumo yekuratidza mapeji 116 ekutanga egwaronyorwa reBhuku raMormoni kumudzimai wake, Joseph aida kukudza chikumbiro chake, kunyangwe zvazvo Ishe vakanga vayambira pamusoro pazvo. Zvinosuwisa ndezvekuti, mapeji acho akarasika apo paiva achina Martin, uye Joseph naMartin vakatsiurwa zvikurusa naIshe.

Apo paunoverenga Dzidziso neZvibvumirano 3:1–15, fungisisa izvo Ishe zvavanoda kuti iwe udzidze kubva muchiitiko chavo. Semuenzaniso, chii chaunodzidza nezve:

  • Basa raMwari? (ona ndima 1–3, 16).

  • Mhedzisiro dzekutya munhu pane kuvimba naMwari? (ona ndima 4–8).

  • Maropafadzo anouya kubva mukuramba takatendeka? (ona ndima 8).

  • Nzira iyo Ishe yavakaruramisa uye nokukurudzira Josefa nayo? (ona ndima 9–16).

­ ­ ­ Ndezvipi zviitiko zvawakava nazvo apo pawakavimba naIshe pawaiva wakatarisana nenamikidzo yekuita chimwe chinhu chakasiyana? Ndedzipi dzaiva mhedzisiro dzezviito zvako?

Onawo “The Contributions of Martin Harris,” muna Revelations in Context (2016), 1–9; Topics and Questions “Seeking Truth and Avoiding Deception (Kutsvaka Chokwadi uye Kudzivirira Hunyengeri),” Gospel Library.

Dzidziso neZvibvumirano 4

Ndinokwanisa kushandira Mwari nomwoyo wangu wose, nesimba rangu rose, nepfungwa dzangu dzose, uye nokugwinya kwangu kwose.

Chikamu 4 chinowanzoshandiswa navashumiri venguva yakazara. Zvisinei, zvinofadza kucherechedza kuti chakazarurwa ichi chakapuwa kuna Joseph Smith Baba., avo vakanga vasiri kudaidzwa kuenda kuhushumiri asi vakanga vachine “zvido zvokushandira Mwari” (ndima 3).

Imwe nzira yekuverenga chikamu ichi ndeye kuchifungidzira setsananguro yebasa remumwe munhu anoda kubatsira nebasa raIshe. Chii icho chiri kutsvakwa naIshe? Ndedzipi pundutso dzaVanopa?

Unodzidzei pamusoro pekushandira Ishe kubva kuzvakazarurwa izvi?

Mutungamiri Russell M. Nelson vakadaidza kuunganidzwa kweIsraeri “sedambudziko gurusa, chinangwa chikurusa, uye basa gurusa panyika” (“Hope of Israel” [worldwide youth devotional, Chikumi 3, 2018], Gospel Library). Chii chaunowana munhaurwa yavo icho chinokukurudzira kuti utore chinhanho mubasa iri.

vashumiri vachitaura nemudzimaiapo pavanopa mushando

Munhu wose ane chido chokushandira Mwari anodaidzwa kubasa.

Dzidziso neZvibvumirano 5

Kuburikidza neMweya Mutsvene, ndinokwanisa kuwana uchapupu hweBhuku raMormoni.

Muna Kurume 1829, mudzimai waMartin Harris, Lucy, akamhan’ara kudare kuti Joseph Smith akanga achinyengera vanhu nekunyepedzera kududzira mahwendefa egoridhe. Nokudaro Martin akakumbira Joseph humwe humboo hwekuti mahwendefa egoridhe aiva echokwadi. Dzidziso neZvibvumirano 5 ndicho chakazarurwa mumhinduro kuchikumbiro chaMartin. Chii chaunodzidza kubva muchikamu ichi pamusoro pezvinotevera:

Dzidziso neZvibvumirano 5:1–10

Jesu Kristu akatipa shoko Rake kuburikidza naJoseph Smith.

Chii chinodzidziswa neDzidziso neZvibvumirano 5:1–10 pamusoro pebasa raJoseph Smith muzuva redu—uye muupenyu hwako? (Onawo 2 Nifai 3:6–24.)

­

mufananidzo wechikamu chevana 02

Mazano eKudzidzisa Vana

Dzidziso neZvibvumirano 3:5–10; 5:21–22

Ndinokwanisa kusarudza zvakanaka apo vamwe pavanoedza kuita kuti ndiite zvakaipa.

  • Kutanga nhaurirano pamusoro pekudzidza kuvimba naBaba Vokudenga, ungangoda kuongorora nyaya yemapeji egwaronyorwa akarasika Dzidziso neZvibvumirano, 18–21). Unokwanisa zvino kuita mutambo nevana vako wemamiriro ezvinhu apo pavangaedzwa kuita chimwe chinhu chavanoziva kuti hachina kunaka. Ndeapi mashoko kana zvirevo muDzidziso neZvibvumirano 3:5–8; 5:21–22 zvinokwanisa kuvabatsira panguva iyi?

    2:53

    Chapter 4: Martin Harris and the Lost Pages: 1827–1828

Dzidziso neZvibvumirano 4

Ishe vanondikoka kuti ndibatsire nebasa Ravo.

  • Ndima yoga yoga muDzidziso neZvibvumirano 4 ine chokwadi chakakosha chinokwanisa kubatsira vana vako kudzidza pamusoro pekushandira Mwari. Heano mamwe mazano ekuvabatsira kuziva zvokwadi izvi:

    • Munokwanisa kuverenga pamwechete Dzidziso neZvibvumirano 4:1 uye woratidza mifananidzo inoratidza basa raMwari “rinoshamisa” remazuva ekupedzisira (sezvakaita vashumuri, matemberi, neBhuku raMormoni).

    • Vana vako vanogona kufunga nezvezviito kana kudhirowa mifananidzo inoratidza ndevo inoti “mushandire nemwoyo wako wose, nesimba rako rose, nepfungwa dzako dzose uye nokugwinya kwako kwose” (Dzidziso neZvibvumirano 4:2).

    • Munokwanisa kutarisa pamwechete pamidziyo inoshandiswa kushanda mumunda. Midziyo iyi inotibatsira sei? Zvino vana vako vanokwanisa kuwana zvinhu muDzidziso neZvibvumirano 4:5–6 zvakafanana nemidziyo yekuitisa basa raMwari.

    • Vana vakura vanokwanisa kutsvagurudza muDzidziso neZvibvumirano 4 vari vega uye voita mudorongodzwa wezvinhu zvavanodzidza pamusoro pezvazvinoreva kushandira Mwari.

    • Munokwanisa kuimba pamwechete rumbo pamusoro pebasa rohushumiri.

mukomana wechidiki achibatsira kudyara muti

Ndinokwanisa kubatsira pabasa raMwari kuburikidza nokushandira vamwe.

Shandura zviitwa kuitira kuti musanganisire vanhu vakaremara. Shanduro diki kuzviitwa inokwanisa kuita chokwadi chokuti munhu wose ane mukana wekudzidza. Semuenzaniso, kana chiitwa chichiti mufananidzo uratidzwe, munokwanisa kuimba rumbo pachinzvimbo chokuratidza mufananidzo kuitira kuti musanganisire vanhu vasingakwanisi kuona.

Dzidziso neZvibvumirano 5:1–7, 11, 16, 23–24

Ndinokwanisa kuva chapupu chokuti Bhuku raMormoni ndere chokwadi.

  • Kuti udzidzise vana vako pamusoro pezvapupu, unokwanisa kuvakumbira kufungidzira kuti shamwari yavo yakavaudza kuti yaona katsi ichifamba nemakumbo ayo ekumberi. Vaizozvitenda here? Ko kana dai imwe shamwari ikataura zvimwechetezvo? Taura pamusoro pokuti “chapupu” chii uye kuti sei zvapupu zvakakosha. Unokwanisa zvino kubatsira vana vako kutsvagurudza muDzidziso neZvibvumirano 5:1–3, 7, 11 kuti vawane mhinduro kumibvunzo yakaita seiyi:

    • Martin Harris aida kuziva chii?

    • Joseph Smith aikwanisa kuratidza mahwendefa egoridhe kunaani?

    • Sei kuona mahwendefa zvimwe kwaisazopwisa mumwe munhu kuti Bhuku raMormoni ndere chokwadi?

    • Chii chatinokwanisa kuita kuti tive zvapupu zveBhuku raMormoni? (ona Dzidziso neZvibvumirano 5:16; Moronai 10:3–5).

­.

mufananidzo waJoseph Smith nevabereki vake vachitaridzika kunetsekana

Devastating Weight of 116 Pages [Mutoro Unorema Zvikurusa weMapeji 116], naKwani Povi Winder

peji yechiitwa yevana