“Manzwi eKudzorerwa: Zvapupu zveBhuku raMormoni,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Dzidziso neZvibvumirano 2025 (2025)
“Zvapupu zveBhuku raMormoni,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: 2025
Manzwi Ekudzorerwa
Zvapupu zveBhuku raMormoni
Ngirozi Moronai akaratidza mahwendefa egoridhe kuna Joseph Smith, Oliver Cowdery, David Whitmer, naMartin Harris muchisango chaiva pedyo neimba yanaWhitmer muFayette, New York. Vabereki vaJoseph vakanga vachishanyira mhuri yekwaWhitmer panguva iyoyo. Lucy Mack Smith, amai vaJoseph, vakatsanangura shanduro yakaitwa nechiitiko chinoshamisa ichi kuzvapupu:
“Nguva yakanga iri pakati pa3 na4 kiroko. Mai Whitmer navaSmith uye neni takanga takagara mumupanda wekurarira. Ndakanga ndigere parutivi pemubhedha. Apo Joseph paakapinda, akazvikanda pasi kugara parutivi neni. ‘Baba! Amai!’ akadaro. ‘Hamuzivi mafariro andirikuita. Ishe vakonzera mahwendefa kuti aratidzwe kune vamwe vatatu kunze kwangu, avo vaonawo ngirozi uye vanozofanira kupupura kuhuchokwadi hwezvandakataura. Nokuti vanozvizivira pachavo kuti handisi kuedza kunyengedza vanhu. Uye ndinonzwa sekuti ndakasunungurwa pamutoro unotyisa, uyo wanga waita sewonyanyisa kundiremera kutakura. Asi zvino vanozofanira kutakura chikamu chawo, uye zvinofadza mweya wangu kuti handisisiri ini ndega chete munyika ndakaona nekubata mahwendefa egoridhe.’ Martin Harris akabva apinda ipapo. Airatidzika seakanga abatwa zvakasimba nemufaro wakanyanyisa. Zvino akapupura kune zvaakanga aona nekunzwa, sezvakaitwawo nevamwe, Oliver naDavid. Uchapupu hwavo hwakanga hwakafanana mune zvahwaireva seuhwo huri muBhuku raMormoni. …
“Martin Harris kunyanya airatidzika seakanga asingakwanisi zvachose kutsanangura nemashoko manzwiro ake. Akati, ‘ndaona zvino ngirozi kubva Kudenga iyo zvirokwazvo yapupura nezvechokwadi chazvose zvandakanzwa maererano nechinyorwa ichi, uye maziso angu amuona. Ndatarisawo pamahwendefa uye ndikaabata nemaoko angu uye ndinokwanisa kupupura pamusoro pezvimwechetezvo kunyika yose. Asi ndagashira pachangu uchapupu husingakwanisi kutaurwa nemashoko, uhwo husina rurimi runokwanisa kutsanangura, uye ndinoropafadza Mwari nechokwadi chose chemweya wangu kuti vakasarudza nenyasha kuti vandiite, kunyangwe ini, chapupu chehukuru hwebasa ravo nezvirongwa zvavo ndakamiririra vana vevanhu.’ Oliver naDavid vakabatana naye murumbidzo dzakatsiga kuna Mwari nokuda kwerunako rwavo netsitsi dzavo. Takadzokera kumba [kuPalmyra, New York,] zuva rakatevera tiri chikwata chidiki chizere nerufaro nerudekaro.”
Lucy Mack Smith akanga aripo apo Zvapupu Zvisere pazvakadzoka kubva kuzviitiko zvavo:
“Mushure mekunge zvapupu izvi zvadzokera kumba, ngirozi zvakare yakazviratidza kuna Joseph, apo panguva iyoyo Joseph akakumikidza mahwendefa mumaoko ayo. Manheru iwayo takaita musangano, umo zvapupu zvose mazvakapa uchapupu kuzvirokwazvo sekutaurwa kwazvaitwa pamusoro, uye mhuri yedu yose, kunyangwe kuna Don Carlos [Smith], akanga aine makore gumi nemana chete ekuzvarwa, akapupura nezvehuchokwadi hwemukuwo wemazuva ekupedzisira—kuti zvino wakanga waunzwa zvakazara.”
Pamusoro peZvapupu Zvitatu neZvapupu Zvisere, Mary Whitmer, amai vaDavid Whitmer, vakaropafadzwawo kuva chapupu chemahwendefa egoridhe. Ngirozi Moronai yakaaratidza kwavari seratidzo yeruvongo rwekuzvipira kwavakaita apo Joseph, Emma, naOliver pavaigara mumba mavo. “Wanga wakatendeka zvikuru uye uchishingaira mukushanda kwako,” Moronai akavaudza kudaro. “Naizvozvo, zvakakodzera kuti ugamuchire uchapupu kuitira kuti rutendo rwako rwugosimbiswa.”