“Kukadzi 10–16: ‘Kuti Mugova Vakundi’: Dzidziso neZvibvumirano 10–11,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Dzidziso neZvibvumirano 2025 (2025)
“Dzidziso neZvibvumirano 10–11,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: 2025
Kukadzi 10–16: “Kuti Mugova Vakundi”
Dzidziso neZvibvumirano 10–11
Apo dudziro yeBhuku raMormoni payaifambira mberi, mubvunzo wakauya: Chii chinofanira kuitwa naJoseph Smith naOliver Cowdery pamusoro pemapeji aya edudziro akanga arasika? Zvingava zvaiva nemusoro kududzirazve chikamu ichocho, asi Ishe vakaona chimwe chinhu icho Joseph naOliver chavakanga vasingakwanisi kuona—vavengi vavo vakanga vachironga kushandura mashoko pamapeji iwayo kuitira kuti vanhu vasava nechokwadi nebasa rakafemerwa raJoseph. Mwari vakanga vaine chirongwa chokudzivirira dambudziko iroro uye kuti basa rirambe richienderera mberi. Zviuru zvemakore mumashure, Mwari vakafemera Nifai kuti anyore rondedzero yechipiri yaitaura nezve nhambo yenguva imwecheteyo “nokuda kwechikonzerochakangwara chiri maVari” (1 Nifai 9:5).
“Ungwaru hwangu,” Ishe vakadaro kuna Joseph, “hukuru kudarika mano adhiabhorosi” (Dzidziso neZvibvumirano 10:43). Ishoko rinosimbisa munguva yakaita seyedu, apo muvengi paari kusimbisa kuedza kwake kuderedza rutendo. SaJoseph, tinokwanisa “kutendeka uye toenderera mberi” mubasa iro Mwari ravakatidaidza kuti tiite (ndima 3). Zvino tinozowana kuti Vakatogadzirira nzira kuitira kuti “misuo yegehena isazokunda” (ndima 69).
-
Mazano eKudzidza Kumba uye kuChechi
Dzidziso neZvibvumirano 10:1–33
Mwari “havazobvumiri kuti Satani azobudirira pahurongwa hwake hwakaipa.”
Satani anoda kuti tikanganwe kuti ariko—kana kuti titadze kuziva kuedza kwake kutifurira (ona 2 Nifai 28:22–23.) Asi mashoko aIshe muDzidziso neZvibvumirano 10 anosimbisa kuti Satani ariko—uye anopikisa zvakasimba basa raIshe. Mukati mendima 1–33, doma izvo Mwari zvavaiziva pamusoro peizvo zvinoedzwa naSatani. (onawo ndima 62–63). Unokwanisawo kukumbira Ishe kukubatsira kuona maedzerwo aungange uchiitwa naSatani. Apo paunoverenga chikamu 10, fungisisa kuti Muponesi anokwanisa kubatsire sei kukunda kuedza kwaSatani.
Dzidziso neZvibvumirano 10:34–52
“Ungwaru hwaIshe hukuru kudarika mano adhiabhorosi.”
Nifai aiva asingavi kuti sei akafemerwa kuita rondedzero mbiri dzevanhu vake. Uye Mormoni aiva asingazivi kuti sei akafemerwa kusanganisira rondedzero yechipiri nemahwendefa egoridhe. Asi vose vaporofita vari vaviri vaivimba kuti Mwari vaiva “nechinangwa chine ungwaru” (1 Nifai 9:5; Mazwi aMormoni 1:7). Nhasi tinoziva chimwe chechikamu chechinangwa ichocho: kudzorera mapeji 116 emuBhuku raMormoni akarashika. Chii chaunofunga kuti Ishe vanoda kuti udzidze kubva mune zvose izvi? Fungisisa mubvunzo iwoyo apo paunoverenga Dzidziso neZvibvumirano 10:34–52. Ungangoitawo mudorongodzwa wezvokwadi zvaunodzidza pamusoro paIshe kubva mundima idzi. Zvokwadi izvi zvinoshandura sei hukama hwako naVo? Chii chinokufadza pamusoro peungwaru nokuona zviri mberi kwaIshe mukugadzirira kurashika kwemapeji 116?
Unokwanisawo kunzwa uchifemerwa kuti utsvage umboo hweungwaru nokuona zviri mberi Kwavo muupenyu hwako. - Funga pamusoro pekuzvinyora pasi apo pazvinouya kwauri. Ishe vanga varikushanda sei muupenyu hwako? Semuenzaniso, ndezvipi “zvinhu zvinongoita panguva imwechete” zvaVakagadzira? Ndehwupi hwaro hwaVagadzika kuitira maropafadzo ako? Ndiriinhi paVakakutungamirira kushumira kune mumwe munhu anoshaiwa?
Onawo VaRoma 8:28; Dzidziso neZvibvumirano 90:24; Topics and Questions, “Plan of Salvation [Chirongwa cheRuponeso],” Gospel Library.
“Isa ruvimbo rwako mumweya [waIshe].”
Mukoma waJoseph Hyrum aida chaizvo kuziva chido chaIshe pamusoro pake, saka akakumbira Joseph kuti atsvage zvakazarurwa akamumiririra. Muporofita akafara kuita sekudaro, asi rimwe shoko raiva muzvakazarurwa izvozvo (Dzidziso neZvibvumirano 11) nderekuti Hyrum aikwanisawo kuzvitsvagira zvakazarurwa iye pachake. Uye izvi zvinokwanisika kuna “vose vane zvido zvakanaka, uye vakakanda jeko ravo kuti vakohwe” (ndima 27). Apo paunoverenga chikamu 11, chii chaunonzwa kuti Ishe varikukudzidzisa pamusoro pezvakazarurwa zvemunhu pachake? Izvi zvinoenderana sei neizvo zvaVakadzidzisa Oliver Cowdery muzvikamu 6–9? Ndeapi mamwe mashoko aVainawo kwauri?
-
Dzidziso neZvibvumirano 11:15–26
Apo pandinotsvaka “kuwana shoko [raMwari],” ndinozogamuchira Mweya Wavo nesimba Ravo.
Kunyangwe Bhuku raMormoni risati radudzirwa, Hyrum Smith aida chaizvo kubatsira mubasa reKudzorerwa. Apo paunoverenga mhinduro yaIshe kuzvido zvake, funga pamusoro pezvazvinoreva kwauri “kuwana shoko [raMwari]” (ndima 21). Kuwana shoko raMwari kunokubatsira sei kuVashandira zvine simba?
Mazano eKudzidzisa Vana
Apo pandinonamata nguva dzose, ndinogamuchira simba kubva kuna Mwari.
-
Kuti usume ndima iyi kuvana vako, unokwanisa kuvabvunza pamusoro pezvinhu “zvavanoita nguva dzose.” Chii icho Ishe chavanoti tinofanira kuita nguva dzose muDzidziso neZvibvumirano 10:5? Sei Vachida kuti tiite izvi?
-
Ungakwanisa kubatsira sei vana vako kuti varangarire kunamata nguva dzose? Pamwe vanokwanisa kuunganidza mabwe maduku mashoma, akatsetseka uye vopenda paari “Dzidziso neZvibvumirano 10:5” kana “Namata Nguva Dzose.” Vanokwanisa kuisa mabwe avo munzvimbo dzakasiya siyana idzo dzavanoda kurangaridzwa kunamata, sepedyo nepavanorara, pamwepo nemabhuku avo ekuchikoro, kana apo pavanodyira. Maererano neDzidziso neZvibvumirano 10:5, Mwari vanotiropafadza sei patinonamata? Vana vako vanokwanisa kuwana dzimwe mhinduro murumbo rwakaita serwokuti “Munamato weMhuri” (Nziyo neDzevana Vadiki, 130).
Dzidziso neZvibvumirano 11:12–13
Mweya Mutsvene unonditungamira kuita zvakanaka.
-
Vana vanokwanisa kudzidza kuziva apo Mweya paunenge uchitaura navo. Kuti uvabatsire, unokwanisa kuviga rambi kana tochi uye mufananidzo wechiso chinofara pane imwe nzvimbo mumupanda mamuri; zvino wokumbira vana vako kuti vawane zvinhu izvi. Verenga Dzidziso neZvibvumirano 11:13, uye wobatsira vana vako kudoma mashoko anoenderana nezvinhu zvavawana. Chii chinodzidziswa nemashoko aya pamusoro pemabatsirirwo atinoitwaneMweya Mutsvene?
-
Kugovera zviitiko zvako pachako zvepamweya kunokwanisa kubatsira vana vako kuziva hurudziro yeMweya Mutsvene muupenyu hwavo. Apo paunogovera, vakumbire kuti vagoverewo zviitiko zvavo. Munokwanisawo kuverenga pamwechete Dzidziso neZvibvumirano 11:12–13, muchitsvaka maziviro atinokwanisa kuita apo Mweya Mutsvene paunenge uchititungamirira. Pupura kuti Baba Vokudenga vanoda kutitungamirira kuburikidza neMweya Mutsvene.
Dzidziso neZvibvumirano 11:21, 26
Ndinofanira kuziva vhangeri kuitira kuti ndigokwanisa kubatsira vamwe kuwana chokwadi.
-
Sezvakaita Hyrum Smith, vana vako pamwe vanozova nemikana yakawanda yekugoverana vhangeri nevamwe. Munokwanisa kuverenga pamwechete Dzidziso neZvibvumirano 11:21, 26 uye wokumbira vana vako kuti vawane izvo Ishe zvavakaudza Hyrum kuti aifanira kuita kuitira kuti akwanise kudzidzisa vhangeri. Zvinorevei “kuwana” shoko raMwari? Tingakwanisa sei kuita izvi? “Tinokoshesa” sei shoko raMwari mumwoyo medu? Pamwe vana vako vanokwanisa kuita mutambo wekugoverana nevamwe chimwe chinhu pamusoro paJesu Kristu kana Bhuku raMormoni.