Huyai, Munditevere 2024
Manzwi eKudzorerwa: Dudziro yeBhuku raMormoni


“Manzwi eKudzorerwa: Dudziro yeBhuku raMormoni,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Dzidziso neZvibvumirano 2025 (2025)

“Dudziro yeBhuku raMormoni,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: 2025

mufananidzo wemanzwi ekudzorerwa

Manzwi Ekudzorerwa

Dudziro yeBhuku raMormoni

Muna Kubvumbi 1829, mwedzi apo zvikamu 6–9 zveDzidziso neZvibvumirano pazvakatambirwa, basa guru raJoseph Smith rakanga riri rokududzira Bhuku raMormoni. Hatizivi zvinhu zvakawanda pamusoro penzira yedudziro iyi inoshamisa, asi tinoziva kuti Joseph Smith aiva ari muoni, aibatsirwa nezvishandiso izvo Mwari zvavakanga vagadzirira: mabwe ainjenjemera maviri ainzi Urimi neTumimi uye nerimwe ibwe raidaidzwa kuti ibwe reuoni.

Apo paakabvunzwa pashure kuti atsanangure madudzirirwo aiva aitwa rondedzoro iyi Joseph akati “yakanga isina kuitirwa kuudza nyika zvinhu zvose.” Kazhinji aiitaura kungoti yakanga yadudzirwa “nechipo, uye nesimba raMwari.”

Mashoko anotevera, akabva kuzvapupu zvakaona nameso nzira yedudziro yacho, anotsigira uchapupu hwaJoseph.

Bhokisi remapuranga raHyrum Smith

Zvinobvumwa kuti bhokisi iri, iro raiva raHyrum Smith, rakashandiswa kuviga mahwendefa egoridhe kwenguva pfupi.

Emma Smith

Emma Hale Smith (Emma Hale Smith)

“Apo murume wangu paakanga achidudzira Bhuku raMormoni, ndakanyora chikamu charo, apo paaindiverengera mutsetse woga woega, shoko neshoko, uye apo paaisvika pamazita aakanga asingakwanisi kududza zvakanaka, kana mashoko akareba, aiaperetera, uye apo pandaianyora, kana ndikaita chikanganiso chipi zvacho mukuaperetera, aindimisa uye ogadzirisa kuperetera kwangu kunyangwe zvazvo zvakanga zvisingakwanisiki kuti aone manyorere andainge ndaaita panguva iyoyo. Kunyangwe shoko rokuti Sarah akanga asingakwanisi kuridudza zvakanaka pokutanga, saka aitoriperetera, uye ini ndobva ndaridudza kwaari.”

“Mahwendefa kazhinji ainge ari patafura pasina kupi zvako kuedza kuahwandisa, akaputirwa nemucheka mudiki wepatafura, uyo wandakanga ndamupa kuti aaputirire mauri. Pane imwe nguva ndakambobata mahwendefa aya, apo paakanga ari patafura, ndichitevedzera mucheto nechimiro chawo. Aitaridzika kuva anokwanisa kukombamiswa sepepa gobvu, uye aishwakatika sezvinoita marata apo micheto yawo payaisundwa negunwe, sokusundira mberi micheto yebhuku negunwe kunomboitwa nevanhu. …

“Kutenda kwangu ndekwekuti Bhuku raMormoni ndere chokwadi chohumwari—ndinotenda zvakazara nezvaro. Ndinogutsikana kuti hakuna munhu aikwanisa kuverengera munyori kunyorwa kwemagwaronyorwa aya kusara kwekunge akafemerwa; nokuti, apo pandaishanda semunyori wake, [Joseph] aiverenga kwandiri awa mushure meawa, uye apo paaidzoka mushure mekudya, kana mushure mekumbomiswa nezvimwewo, pakarepo aitangira paainge asiira, asina kuona gwaronyorwa kana kuverengerwa chimwe chikamu charo. Ichi ndicho chinhu chaaiita mazuva ose. Zvingadai zvaiva zvisingakwanisiki kuti munhu akadzidza angagona kuita izvi, uye, kumunhu asina chaaiziva uye akanga asina kudzidza sezvaakanga ari, zvakanga zvisingatombogoneki zvachose.”

mufananidzo waEmma Smith achibatsira Joseph Smith nekududzira mahwendefa egoridhe

Oliver Cowdery

Head and shoulders portrait of Oliver Cowdery as a young man. He is wearing a dark suit, white shirt and dark tie.

“Ndakanyora nepeni yangu pachangu Bhuku raMormoni rose (kusara kwemapeji mashomanana) apo paraidururuka kubva pamuromo wemuporofita, achiridudzira nechipo nesimba raMwari, achishandisa Urimi neThummim, kana, sokudaidzwa kwazvinoitwa nebhuku, zviturikiri zvitsvene. Ndakaona nemaziso angu, uye ndakabata nemaoko angu, mahwendefa egoridhe ayo arakadudzirwa kubva maari. Ndakaonawo zviturikiri zvacho.”

Manotsi

  1. Kuti uwane rumwe ruzivo, ona Topics and Questions “Book of Mormon Translation [Dudziro yeBhuku raMormoni],” Gospel Library; Richard E. Turley Jr, Robin S. Jensen, naMark Ashurst-McGee, “Joseph the Seer,” Ensign, Gumiguru 2015, 48–55).

  2. Minutes, 25–26 October 1831,” Minute Book 2, 13, josephsmithpapers.org.

  3. Muna “MuChurch History,” Times and Seasons, Kurume 1, 1842, 707; onawo Teachings of Presidents of the Church: Joseph Smith (2007), 441.

  4. Muna Edmund C. Briggs, “A Visit to Nauvoo in 1856,” Journal of History,vol. 9, no. 4 (Gumiguru 1916), 454; zvakatapwa muna Russell M. Nelson, “A Treasured Testament,” Ensign,, Chikunguru 1993, 62.

  5. Muna “Last Testimony of Sister Emma,” Saints’ Herald,, Gumiguru. 1, 1879, 290; kuperetera, zvimiso, nemavara makuru zvakaitwa zvemazuva ano.

  6. MuReuben Miller journal, Gumiguru. 21, 1848, Church History Library, Salt Lake City; kuperetera, zvimiso, nemavara makuru zvakaitwa zvemazuva ano.