“Kukadzi 3–9: ‘Uyu Ndiwo Mweya weZvakazarurwa’: Dzidziso neZvibvumirano 6–9,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Dzidziso neZvibvumirano 2025 (2025)
“Dzidziso neZvibvumirano 6–9,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: 2025
Kukadzi 3–9: “Uyu Ndiwo Mweya weZvakazarurwa”
Dzidziso neZvibvumirano 6–9
Mumatsutso a1828, mudzidzisi wechikoro wechidiki ainzi Oliver Cowdery akatora basa reudzidzisi muManchester, New York, uye akagara nemhuri yaLucy naJoseph Smith Baba. Oliver akanga anzwa pamusoro pemwanakomana wavo Joseph nezviitiko zvake zvinoshamisa, uye Oliver, uyo aizviona semutsvaki wechokwadi, aida kuziva zvimwe zvakawanda. Vana Smith vakatsanangura kushanya kwengirozi, rondedzero yechinyakare, uye chipo chekududzira nesimba raMwari. Oliver akafadzwa zvikuru nazvo. Kuti chingakwanisa kuva chokwadi? Lucy naJoseph Baba vakamupa zano iro rinoshanda kumunhu upi zvake anotsvaka chokwadi: namata uye wobvunza Ishe.
Oliver akaita saizvozvo, uye Ishe vakapindura, vachitaura runyararo kupfungwa [dzake]. (Dzidziso neZvibvumirano 6:23). Zvakazarurwa, Oliver akaona kuti, hazvisi zvevaporofita vakaita saJoseph Smith chete. Ndezve munhu upi zvake anozvida uye anozvitsvaka nokushingaira. Oliver akanga achine zvizhinji zvokudzidza, asi aiziva zvakakwana zvekuti atore chinhanho chake chinotevera. Aiziva kuti Ishe vakanga vachiita chimwe chinhu chakakosha kuburikidza naJoseph Smith, uye Oliver aida kuva chikamu chacho.
-
Mazano eKudzidza Kumba uye kuChechi
Dzidziso neZvibvumirano 6; 8–9
Baba Vekudenga vanotaura kwandiri kuburukidza neMweya Mutsvene
Muchirimo cha1829, Oliver Cowdery akazvipira kuva munyori waJoseph Smith apo paaienderera mberi nekududzira Bhuku raMormoni. Chiitiko ichi chakamufadza zvikuru, uye akazvibvunza kana aikwanisawo kugamuchira zvakazarurwa uye chipo chokududzira. Kuedza kwake kwekutanga, zvisinei, hakuna kufamba zvakanaka.
Kana wakambotambudzika kugamuchira kana kunzwisisa zvakazarurwa, pamwe unganzwisisa chiitiko chaOliver—uye wodzidza kubva kwachiri. Apo paunoverenga Dzidziso neZvibvumirano 6, 8, uye 9, cherechedza izvo Ishe zvavakadzidzisa Oliver pamusoro pezvakazarurwa zvemunhu pachake. Semuenzaniso:
-
Chii chinotaurwa neDzidziso neZvibvumirano 6:5–7; 8:1; 9:7–8 pamusoro pezvinodikanwa naIshe kubva kwauri Vasati vazarura kuda Kwavo?
-
Chii chaunodzidza kubva muDzidziso neZvibvumirano 6:14–17, 22–24; 8:2–3; 9:7–9 pamusoro penzira dzakasiyana idzo zvakazarurwa dzazvingangouya nadzo? Ungazviziva sei?
-
Chii chimwezve chaunodzidza pamusoro pezvakazarurwa kubva muzvikamu izvi?
Zviitiko zvaOliver zvingangokukonzera kuti “ukande pfungwa dzako” kunguva iyo yawakambonzwa kuti Ishe vaitaura newe (Dzidziso neZvibvumirano 6:22). Wakambonyora pasi here pfungwa dzako kana manzwiro ako pamusoro pezviitiko izvi? Kana zvakadaro, funga pamusoro pekuverenga zvawakanyora. Kana zvisina kudaro, tora chinguva unyore pasi izvo zvaunorangarira. Funga pamusoro pekuti ungakwanisa sei kuenderera mberi uchiwana simba kubva kuzviitiko izvi.
-
-
Dzidziso neZvibvumirano 6:18–21, 29–37
Tarisa kuna Kristu mupfungwa dzose.
Ishe vaiziva kuti Joseph Smith aizosangana “nemamiriro ezvinhu akaoma” mumakore aitevera (Dzidziso neZvibvumirano 6:18). Vanoziva zviedzo zviri mune ramagwana rakowo. Chii chaunowana murairo Yavo kuna Joseph naOliver muDzidziso neZvibvumirano 6:18–21, 29–37 icho chinokwanisa kukubatsira kuvimba Navo?
Unonzwa zvichirevei “kutarisa kuna [Kristu] mupfungwa dzose”? (ndima 36). Ungakwanisa sei kuita izvi usingazungunuki—munguva dzakanaka uye “mumamiriro zvinhu akaoma”? Funga pamusoro perairo iyi kubva kuna Mutungamiri Russell M. Nelson inoti: “Zvakaoma kupfungwa kuedza kutarisa kwaVari mumafungiro ose. Asi apo patinodaro, kusava nechokwadi kwedu uye kutya kwedu kunotiza” (“Drawing the Power of Jesus Christ into Our Lives,” Liahona, 41).
Dzidziso neZvibvumirano 6:29–37
“Musatya kuita zvakanaka.”
Sei dzimwe nguva “tichitya … kuita zvakanaka”? (ndima 33). Chii chaunowana muDzidziso neZvibvumirano 6:29–37 icho chinokupa ushingi hwekuita zvakanaka? Funga pamusoro pekuimba kana kuteerera rwiyo rwunokukurudzira kuti uve neushingi muna Kristu, rwakaita serwokuti “Ngatishingei” (Nziyo neDzevana Vadiki, 18).
Dzidziso neZvibvumirano 6–7; 9:3, 7–14
“Kunyangwe sezvaunoda kubva kwandiri zvichava saizvozvo.”
Cherechedza kuti kangani mashoko anoti “chido” kana “zvido” kaanowanikwa muchikamu 6 uye 7. Chii chaunodzidza kubva muzvikamu izvi pamusoro pekukoshesa kunoita Mwari zvido zvako? Zvibvunze mubvunzo waIshe uri muDzidziso neZvibvumirano 7:1 unoti: “Chii chaunoda?”
Chimwe chezvido zvakarurama zvaOliver Cowdery—kududzira sezvakanga zvichiitwa naJoseph Smith—hachina kuzadzikiswa. Apo paunoverenga Dzidziso neZvibvumirano 9:3, 7–14, manzwiro api aunotambira angangokubatsira apo zvido zvako zvakarurama pazvisingazadzikiswi kwenguva ino?
Mazano eKudzidzisa Vana
Dzidziso neZvibvumirano 6:5, 15–16, 22–23; 8:2; 9:7–9
Baba Vokudenga vanotaura kwandiri kuburukidza “neMweya Mutsvene”
-
Zvokwadi izvo Oliver Cowdery zvaakadzidza pamusoro pezvakazarurwa zvemunhu pachake zvinokwanisa kubatsira vana vako apo pavanokudziridza kwaniso yavo yokuziva Mweya Mutsvene. -
-
Unokwanisawo kukoka vana vako kuti vabate misoro yavo nezvipfuva zvavo apo pamunenge muchiverenga mashoko ekuti “pfungwa” uye “mwoyo” muDzidziso neZvibvumirano 8:2. Taurira vana vako, kubva kuzviitiko zvako, izvo zvazvinenge zvakaita apo Mweya Mutsvene paunotaura kupfungwa nemwoyo wako. Vabatsire kuwana mhinduro kumubvunzo unoti Mweya “Mutsvene unotaura sei kwatiri?” mundima idzi Dzidziso neZvibvumirano 6:15–16, 22–23; 8:2; 9:7–9.
Nokuda kwaJesu Kristu, ndinokwanisa “kusatya.”
-
Ishe vakaudza Joseph naOliver kuti, “Musatya, boka duku” (Dzidziso neZvibvumirano 6:34). Ungangokoka vana vako kuti vadzokorore ndevo iyoyo newe kakati wandei. Vangangonakidzwawo nekunyepedzera kuva boka remakwai anotya. Chii icho makwai chaangava anotya? Zvino iwe nevana vako munokwanisa kutarisa pamufananidzo weMuponesi ari mufudzi wemakwai (pane mumwe uri kumagumo kwechidzidzo chino) uye motaura pamusoro pekuti Anotitaririra sei semufudzi anotaririra makwai Ake.
-
Funga pamusoro pokuridza kana kuimba rumbo pamusoro pokuwana ushingi muna Kristu. Chii chinodzidziswa nerumbo urwu pamusoro pemabatsirirwo atinoitwa neMuponesi kuti tisava tinotya?
Ndinokwanisa kutarisa kuna Jesu Kristu mupfungwa dzose.
-
Mushure mekuverenga pamwechete Dzidziso neZvibvumirano 6:36, iwe nevana vako munokwanisa kuita mifananidzo inokubatsirai kurangarira “kutarisa kuna [Jesu Kristu] mupfungwa dzose.” Goveranai mifananidzo yenyu, uye batsira vana vako kufunga nezvenzvimbo dzavanokwanisa kuiisa kuitira kuti vagozoiona nguva zhinji.