“Kukadzi 24–Kurume 2, ‘Kukosha kweMweya Kukuru’: Dzidziso neZvibvumirano 18,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Dzidziso neZvibvumirano 2025 (2025)
“Dzidziso neZvibvumirano 18,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: 2025
Kukadzi 24–Kurume 2: “Kukosha kweMweya Kukuru”
Dzidziso neZvibvumirano 18
Kune nzira dzakawanda dzakasiyana-siyana dzekuedza kuyera kukosha kwemunhu. Tarenda, dzidzo, upfumi, uye matarisiko emunhu zvose zvinokwanisa kushandura maonere atinoita mumwe nomumwe—uye atinozviita isu pachedu. Asi mumaziso aMwari, kukosha kwedu inyaya yakareruka zvikuru, uye inotaurwa zvakajeka muDzidziso neZvibvumirano 18: “Rangarirai kuti kukosha kwemweya kukuru mumaziso aMwari.” (ndima 10). Chokwadi ichi chakareruka chinotsanangura zvakawanda kwazvo zveizvo Mwari zvavanoita uye kuti sei Vachizviita. Sei Vakaraira Joseph Smith naOliver Cowdery kuti vamise Chechi yaJesu Kristu muzuva redu? (ona ndima 1–5). Nokuda kwokuti kukosha kwemweya kukuru. Sei “Vachiraira vanhu vose kwose kwose kuti vatendeuke” uye nokutuma vaApostora kunoparidza rutendeuko? (ndima 9). Nokuda kwokuti kukosha kwemweya kukuru. Uye sei Jesu Kristu akatambura “rufu munyama” uye “marwadzo avanhu vose”? (ndima 11). Nokuda kwokuti kukosha kwemweya kukuru. Kana kunyangwe mumwechete wemweya iyi ukasarudza kugamuchira chipo cheMuponesi, Vanofara, nokuti “mufaro wavo mukuru zvikuru nemweya uyo unotendeuka” (ndima 13).
Mazano eKudzidza Kumba uye kuChechi
Dzidziso neZvibvumirano 18:1–5
“Vakai chechi yangu.”
Muchikamu 18, Ishe vakapa Oliver Cowdery mirairidzo yekubatsira kumisa hwaro hweChechi yaJesu Kristu. Chii chaunocherechedza pamusoro perairo yaVakapa—kunyanya mundima 1–5? Ungangofunga pamusoro pokuti rairo imwecheteyo iyi inoshanda sei kwauri apo “paunovaka” rutendo rwako muna Kristu. Semuenzaniso:
-
Chii “chawakada kuziva” nezvaIshe? (ndima 1).
-
Zvinorevei kwauri “kuvimba nezvinhu zvakanyorwa”? (ndima 3). Mweya “wakaratidza kwauri” sei kuti zvinhu izvi ndezvechokwadi? (ndima 2; onawo Dzidziso neZvibvumirano 6:22–24).
-
Unovaka upenyu hwako sei “pahwaro hwevhangeri [reMuponesi] uye nepadombo [Rake]?” (ndima 5).
Dzidziso neZvibvumirano 18:10–13
“Kukosha kwemweya kukuru mumaziso aMwari.”
Tinoziva sei kukosha kwechimwe chinhu? Semuenzaniso, sei chimwe chinhu pamusika chichidhura kupfuura chimwe? Apo paunoverenga chikamu 18 svondo rino, kunyanya ndima 10–13, unogona kusiyanisa maziviro anowanzoita vanhu ukoshi neizvo zvinoita kuti mweya uve wakakosha mumaziso aMwari. Funga pamusoro pokuisa zita rako muchinzvimbo chemashoko anoti “mweya” uye “vanhu vose.” Ndima idzi dzingakwanisa kubatsira sei mumwe munhu uyo asina chokwadi pamusoro pokukosha kwake?
Hedzino dzimwe ndima dzinodzidzisa pamusoro pekukosha kwemweya: Ruka 15:1–10; Johane 3:16–17; 2 Nifai 26:24–28; Mosesi 1:39. Kubva pandima idzi, ungapfupisa sei manzwiro anoita Mwari pamusoro pako?
Mwari vanokuratidza sei kuti wakakosha zvikuru kwaVari? Ruzivo urwu runoshandura sei manzwiro aunoita pamusoro pako iwe uye nepamusoro pevamwe?
Onawo Joy D. Jones, “Topics and QuestionsValue beyond Measure,” Topics and Question “Children of God [Vana vaMwari],” Gospel Library.
Dzidziso neZvibvumirano 18:11–16
Ishe vanofara apo pandinotendeuka.
Cherechedza kuti mashoko akaita sekuti tendeuka uye rutendeuko anoshandiswa kakawanda zvakadii muchikamu chose cheDzidziso neZvibvumirano 18. Fungisisa izvo zvaunodzidza kubva kumashoko aya nguva yoga yoga yaanoshandiswa. Funga kunyanya pamusoro pendima 11–16. Ndima idzi dzinoshandura sei manzwiro aunoita pamusoro perutendeuko—rutendeuko rwako pachako uye basa rekukoka vamwe vanhu kuti vatendeuke uye vave varinani? Heino nzira imwechete yokunyora pasi izvo zvaunodzidza: dorongodza nzira dzakati wandei dzaunokwanisa kupedzisa mutsetseunoti “Rutendeuko runoreva .”
Onawo Aruma 36:18–21; Nhungamiro kuMagwaro Matsvene, “Rutendeuko,” Raibhurari yeVhangeri.
Dzidziso neZvibvumirano 18:14–16
Mufaro unouya kubva mukubatsira vamwe kuuya kuna Kristu.
Apo paunoverenga ndima 14–16, fungisisa zvazvinoreva “kuchema rutendeuko”—uye kuti sei kuchiunza mufaro wakadaro. Ndedzipi dzimwe nzira dzawawawana dzekubatsira vamwe kuti vauye kuMuponesi uye vagamuchire ruregerero? Vamwe vanhu vakakuitira izvozvo sei?
Onawo Craig C. Christensen, “There Can Be Nothing So Exquisite and Sweet as Was My Joy,” Liahona, Chivabvu 2023, 45–47.
Dzidziso neZvibvumirano 18:34–36
Ndinokwanisa kunzwa inzwi raIshe mumagwaro matsvene.
Kana mumwe munhu akakubvunza kuti inzwi raIshe rakaita sei, unozoti chii? Funga pamusoro pemubvunzo uyu apo paunoverenga Dzidziso neZvibvumirano 18:34–36. Chii chawakadzidza pamusoro peinzwi raIshe kubva mukuverenga Dzidziso neZvibvumirano? Chii chaunokwanisa kuita kuti unyatsonzwa zvakajeka inzwi Ravo?
Mazano eKudzidzisa Vana
Dzidziso neZvibvumirano 18:10–13
Mumwe nemumwe wedu akakosha zvikuru kuna Mwari.
-
Apo iwe nevana vako pamunoverenga Dzidziso neZvibvumirano 18:10–13, fungai pamusoro pokutsiva mazita emumwe nemumwe muchinzvimbo chemashoko okuti “mweya,” uye “vanhu vose.” Munokwanisa zvino kutaura pamusoro pekuti ndima idzi dzinotibatsira sei kunzwisisa kuti Baba Vokudenga vanonzwa sei pamusoro pemumwe nemumwe wedu.
-
Unogonawo kubvunza vana vako pamusoro pezvinhu izvo vanhu zvavanofunga sezvakakosha. Kana kuti ungangovaratidza chimwe chinhu chakakosha kwauri. Tinobata sei zvinhu zvakakosha kwatiri? Zvino ita kuti vachinjane kutarisa mugirazi. Apo pavanoita kudaro, udza mwana woga woga kuti mwana waMwari uye akakosha zvikuru. Tingaratidza sei vamwe kuti “kukosha kwemweya [yavo] kukuru” mukuona kwedu?
-
Kusimbisa kuti vanhu vose vakakosha zvikuru kuna Baba Vokudenga, vana vako vanokwanisa kutarisa pamufananidzo uri kumagumo kwechidzidzo chino pamunenge muchiverenga Dzidziso neZvibvumirano 18:10–13.
Dzidziso neZvibvumirano 18:13–16
Kugovera vhangeri kunounza mufaro.
-
Kukurudzira vana vako kuti vagovere vhangeri raJesu Kristu, munokwanisa kutaurirana pamusoro pezviitiko apo pamakawana chimwe chinhu chamaida kugoverana nemhuri kana neshamwari. Sei waida kuchigovera, uye kuchigovera kwakakuita kuti unzwe sei? Zvino munokwanisa kuverenga Dzidziso neZvibvumirano 18:13, 16. Chii chinounza mufaro kuna Ishe? Chii chaVanoti chinozotiunzira mufaro? Iwe nevana vako munokwanisa kutaura pamusoro pezviitiko zvipi zvazvo zvamakava nazvo mukugovera mufaro wevhangeri reMuponesi.
-
Rumbo pamusoro pekugovera vhangeri runokwanisa kubatsira vana vako kufunga nezve nzira dzavanokwanisa kugovera nadzo vhangeri.
Dzidziso neZvibvumirano 18:34–36
Ndinokwanisa kunzwa inzwi raIshe mumagwaro matsvene.
-
Vana vako vanogona kunakidzwa nemutambo umo mavanoedza kudoma manzwi evanhu vakasiyana-siyana, vakaita senhengo dzemhuri, shamwari, kana vatungamiri veChechi. Tinoziva sei manzwi emumwe nemumwe wedu? Tinoziva sei inzwi raIshe? Munokwanisa kuverenga pamwechete Dzidziso neZvibvumirano 18:34–36 kuti mukurukure mubvunzo uyu. Munokwanisawo kugoverana nemumwe nemumwe wenyu manzwiro amakaita inzwi raIshe mumagwaro matsvene.