Huyai, Munditevere 2024
Kurume 10–16: “Kusimuka kweChechi yaKristu”: Dzidziso neZvibvumirano 20–22


“Kukadzi 10–16, ‘Kusimuka kweChechi yaKristu’: Dzidziso neZvibvumirano 20–22,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Dzidziso neZvibvumirano 2025 (2025)

“Dzidziso neZvibvumirano 20–22,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: 2025

Joseph Smith achiparidza mumupanda wakazara nevanhu

Kurume 10–16: “Kusimuka kweChechi yaKristu”

Dzidziso neZvibvumirano 20–22

Basa reMuponesi rekuunza Bhuku raMormoni rakanga zvino rapera. Asi basa Rake reKudzorerwa rakanga richangotanga. Pamusoro pekudzorera dzidziso nemvumo yehupirisita, Ishe vakanga vazviisa pachena kuburikidza nezvakazarurwa pashure kuti Vaidawo kudzorera sangano riri pamutemo—Chechi Yavo (ona Dzidziso neZvibvumirano 10:53; 18:5). Nemusi waKubvumbi 6, 1830, vatendi vanodarika makumi mana vakazara muimba yemapango yemhuri yekwaWhitmer muFayette, New York kuti vaone kurongwa kweChurch yaJesu Kristu.

Vamwe vanhu vanobvunza kuti sei Chechi yakarongeka ichidikanwa? Mhinduro inogona kuwanikwa, muchikamu, muzvakazarurwa zvine chekuita nemusangano iwoyo wekutanga weChechi muna1830. Zvinotsanangura maropafadzo ayo angadai asina kukwanisika dai Chechi yaJesu Kristu yechokwadi yakanga isina “kurongwa nekumiswa nemazvo” mumazuva ekupedzisira (Dzidziso neZvibvumirano 20:1).

-

mufananidzo wekunzvera

Mazano eKudzidza Kumba uye kuChechi

Dzidziso neZvibvumirano 20:21

Jesu Kristu Adzorera Chechi Yake.

Sei tiine Chechi yakarongeka? Pamwe mhinduro yakanakisa inoti “Nokuda kwekuti Jesu Kristu akaironga.” Apo paunonzvera Dzidziso neZvibvumirano 20–21, ungangoona kufanana pakati peChechi iyo yaAkamisa chinyakare neiyo yaAdzorera nhasi. Shandisa ndima dzinotevera kuti udzidze pamusoro peChechi yeMuponesi munguva dzechinyakare: Mateo 16:15–19; Johane 7:16–17; VaEfeso 2:19–22; 3 Nifai 11:23–26; Moroni 4–5. Shandisa ndima idzi kuti udzidze pamusoro peChechi yakadzorerwa Dzidziso neZvibvumirano 20:17–25, 60, 72–79; 21:1–2. Unokwanisa kunyora zvaunowana muchati yakaita seino iyi:

Dzidziso

Zvisungo

Mvumo yeHupirisita

Vaporofita

Chechi yaKristu yechinyakare

Dzidziso

Zvisungo

Mvumo yeHupirisita

Vaporofita

Chechi yaKristu yakadzorerwa

Dzidziso

Zvisungo

Mvumo yeHupirisita

Vaporofita

Unodzidzei kubva muchiitwa ichi pamusoro pokuti sei Jesu Kristu akamisa—uye akadzorera—Chechi Yake?

­

Koka kugovera. Paunokoka vanhu kuti vagovere izvo zvavanga vachidzidza vari voga, vanozonzwa kukurudzirwa kuenderera mberi nekunzvera kwavo pachavo. Chii chaunokwanisa kukoka vamwe kuti vagovere?

Dzidziso neZvibvumirano 20:37, 75–7922

Zvisungo zvinoera zvinondibatsira kuti ndinyanye kuva seMuponesi.

Apo Chechi payakarongwa, Ishe vakadzidzisa Vatendi Vavo pamusoro pezvisungo zvinoera, kusanganisira rubhabhatidzo nesakaramende. Apo paunoverenga nezve zvisungo izvi, fungisisa mabatsiriro azvinokuita kunzwa kuva pedyo neMuponesi. Semuenzaniso, zvisungo izvi zvinokubatsirai sei kuchengetedza “ushingi hwako hwekushandira [Jesu Kristu] kusvika kumagumo”? (ndima 37). Unogonawo kuverenga minamato yesakaramende (ndima 77, 79) uye wofungidzira kuti uri kuinzwa kokutanga. Ndedzipi nzwisiso dzaunogamuchira?

­

mukomana wechidiki achitambidza sakaramende

Dzidziso neZvibvumirano 20:38–60

Kushandira kwehupirisita kunoropafadza nhengo dzeChechi nemhuri dzavo.

Wakambofunga here pamusoro pokuti sei zvaiva zvakakosha kuMuponesi kuti adzorere Hupirisita muChechi Yake? Kuverenga izvo zvaAnokumbira vane hupirisita kuti vaite muDzidziso neZvibvumirano 20:38–60 kungangokupa dzimwe nzwisiso. Muponesi akakuropafadza sei iwe nemhuri yako kuburikidza nebasa rinotsanangurwa mundima idzi?

Pamusoro peavo vakagadzwa kuhupirisita, madzimai anotsaurwa kuti ashande muChechi anoshandisawo simba raMwari apo paanotora chinhanho mubasa Rake. Kuti udzidze maitirwo azvo, ona shoko reMutungamiri Dallin H. Oaks “Makiyi neMvumo zveHupirisita,” (Liahona, Kubvumbi 2014, 49–52).

Onawo Topics and Questions, “Joseph Smith’s Teachings about Priesthood, Temple, and Women [Dzidziso dzaJoseph Smith pamusoro peHupirisita, Matemberi, neMadzimai],” Gospel Library.

Dzidziso neZvibvumirano 21

mufananidzo weseminari
Kuteerera shoko raMwari kuburikidza nevaporofita Vavo kunozondipa dziviriro yehumwari.

Dzidziso neZvibvumirano 21:4–9 ine kokero dzekutevera muporofita waIshe uye vimbiso dzakasimba kuvanhu vanoita izvi. Mazano anotevera anokwanisa kukubatsira kufungisisa ndima idzi:

  • Ndeapi mashoko mundima 4–5 anotsanangura izvo Muponesi zvaanoda kuti uite nemashoko emuporofita Wake anorarama? Sei uchinzwa kuti “mwoyo murefu nerutendo” zvinodikanwa pakuita izvi?

  • Fungisisa mufananidzo uyo Muponesi waanoshandisa mundima 6 kutsanangura maropafadzo ekutevera muporofita Wake. Munofunga kuti chii chinorehwa “nemasuo egehena”? Ishe “vanobvisa masimba erima” sei kwauri? Zvinorevei kuti “matenga achazunungukira zvakanaka zvako”?

  • Chii icho Ishe chavari kukukoka kuti uite kuburikidza neMutungamiri weChechi aripo iyezvino? Ishe vakazadzikisa sei vimbiso Dzavo apo pawakatevera rairo Yavo?

­

  • Chikonzero Chatinotevera Muporofita

  • Murindi aripa Shongwe:

  • Musashamisika:

Onawo “Watchman on the Tower” (vhidhiyo), ChurchofJesusChrist.org; Topics and Questions, “Prophets [Vaporofita]” Gospel Library.

4:17

Watchman on the Tower

(Ezekiel 33:1-7) The Lord calls prophets to be the "watchmen" on the tower.

­

mufananidzo wechikamu chevana 02

Mazano eKudzidzisa Vana

Dzidziso neZvibvumirano 20:21

Chechi yaJesu Kristu yakadzorerwa.

  • Funga kushandisa chikamu chemusoro wenyaya cheDzidziso neZvibvumirano 21, kubatsira vana vana vako kunzwisisa izvo zvakaitika pazuva iro Chechi payakarongwa. ChurchofJesusChrist.org

    1:35

    Chapter 9: Organization of the Church of Jesus Christ: 6•April 1830

  • Pamwe vana vako vanokwanisa kufananisa mufananidzo waJesu Kristu, mumwe munhu ari kushumira, rubhabhatidzo, uye sakaramende nendima dziri muchikamu 20 (ona ndima 21–23, 47, 72–74, 75–79). Shandisa mifananidzo iyi nendima idzi kukurukura maropafadzo atiinawo nekuti Jesu Kristu akadzorera Chechi Yake.

Dzidziso neZvibvumirano 20:37, 41, 71–74

Apo pandinobhabhatidzwa nekusimbiswa, ndinovimbisa kutevera Jesu Kristu.

  • Vana vako vangangonakidzwa nekuona mufananidzo wemwana arikubhabhatidzwa uye kusimbiswa. Vanokwanisa kutaura kuti unoenderana sei nerairidzo dziri muDzidziso neZvibvumirano 20:41, 71–74. Chii chatinodzidza kubva muDzidziso neZvibvumirano 20:37 pamusoro pevanhu vanoda kubhabhatidzwa? -

    2:54

    The Baptism of Jesus

    Jesus seeks out John the Baptist and is baptized in order to fulfill all righteousness.

    musikana achibhabhatidzwa uye musikana achisimbiswa
  • Kana vana vako vakabhabhatidzwa uye vakasimbiswa nechakare, vakumbire kutaura pamusoro pechiitiko chavo. Vane mifananidzo here yavangagovera? Taura navo pamusoro pezvavari kuita kuti vatevere Jesu Kristu uye kuti Ari kuvaropafadza sei

Dzidziso neZvibvumirano 20:75–79

Ndinokwanisa kutora zita raJesu pandiri uye ndoMurangarira nguva dzose.

  • Vana vako vanokwanisa kutsvaka shoko rinoti “kuda” zvose muDzidziso neZvibvumirano 20:37 (pamusoro perubhabhatidzo) uye ndima 77 (munamato wesakaramende). Chii icho Jesu chaanoda kuti tive tinoda kuita? Pamwe vana vako vanokwanisa kutarisa chimwe chinhu chine zita pachiri (chakaita sezita rechinhu kana zita remunhu). Chii chatinoudzwa nezita racho pamusoro pechinhu ichocho? Zvinorevei kutora zita raJesu Kristu patiri?

  • Funga pamusoro pekuverenga pamwechete Dzidziso neZvibvumirano 20:77 nokukumbira vana vako kuti vadome vimbiso dzatinoita sechikamu chesakaramende. Pamwe vanokwanisa kutora mijana yekuita mitambo vachiratidza zvavanokwanisa kuita kuti “varangarire nguva dzose” Muponesi uye kufembera kuti mutambo wemumwe nemumwe ndeweyi. Maererano nendima 77, tinoropafadzwa sei apo patinorangarira Muponesi nguva dzose?

Dzidziso neZvibvumirano 21:4–6

Jesu anondiropafadza apo pandinotevera muporofita.

  • Mushure mekuwana kokero nevimbiso dziri muDzidziso neZvibvumirano 21:4–6, vana vako vanokwanisa kutarisa mufananidzo wemuporofita aripo iyezvino uye vogovera chinhu chavakadzidza kana kunzwa kubva kwaari. Goveranai nzira idzo Jesu Kristu dzaakakuropafadzai nadzo nokuda kwekutevera muporofita Wake.

Mutungamiri Russell M. Nelson

­

Joseph Smith achitsaurwa naOliver Cowdery

Oliver Cowdery Ordains Joseph Smith [Oliver Cowdery Anogadza Joseph Smith], naWalter Rane

peji yechiitwa yevana