Huyai, Munditevere 2024
Manzwi eKudzorerwa: Emma Hale Smith


“Manzwi eKudzorerwa: Emma Hale Smith,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Dzidziso neZvibvumirano 2025 (2025)

“Emma Hale Smith,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: 2025

mufananidzo wemanzwi ekudzorerwa

Manzwi Ekudzorerwa

Emma Hale Smith

Emma Hale Smith (Emma Hale Smith)

Mashoko aIshe kuna Emma Smith akanyorwa muDzidziso neZvibvumirano 25 anoratidza manzwiro aVaiita pamusoro pake uye rubatsiro rwaaikwanisa kupa kubasa Ravo. Asi Emma akanga ari munhu akaita sei? Chii chatinoziva pamusoro pehunhu hwake, hukama hwake, kwaniso dzake. Imwe nzira yekusvika pakuziva “mudzimai akasarudzwa” uyu (Dzidziso neZvibvumirano 25:3) ndeye kuverenga mashoko evanhu vainyatsomuziva.

Joseph Smith Mwana, murume wake

One drawing in pencil, charcoal and ink on paper.  A left profile, head/shoulders portrait of Joseph Smith; drawn basically in charcoal, highlighted with white paint and black ink.  titled at bottom "Jospeh Smith the Prophet."  Signed at left shoulder "Drawn from the most authentic sources by Dan Weggeland"  A drawn border surrounds it.  No date apparent.

“Ndakafara zvikuru zvekuti handikwanise kuzvitsanangura, uye ndakanzwa kuzadzwa nemufaro mukuru, apo pandakatora neruoko, pausiku ihwohwo, Emma mudiwa wangu—iye akanga ari mukadzi wangu, kunyangwe mukadzi wehujaya hwangu; uye munhu wandaiva nerudo rukurusa kwaari. Ndaiva nepfungwa zhinji apo pandakafunga zvakadzama kwechinguva zviitiko zvizhinji zvatakasangana nazvo. Kunetesesa, nekushanda zvikurusa, rusuwo, nematambudziko, uye nemufaro nenyaradzo nguva nenguva zvakanga zvaitika muupenyu hwedu hwose uye zvakaropafadza upenyu hwedu. O! pfungwa dzangu dzakazadzwa nemifungo inoshamisa. Zvakare ari pano, kunyangwe mudambudziko rechinomwe, asingatyi, akasimba, uye asingazungunuki, asingashanduki, ane rudo Emma.”

Lucy Mack Smith, vamwene vake

“Panguva iyoyo akanga ari mudiki, uye, nemusikirwo ari munhu anoda kubudirira, mwoyo wake wose wakanga uri mubasa raIshe, uye akanga asina zvimwe zvaimufadza kunze kwechechi uye chinangwa chechokwadi. Chipi nechipi zvacho maoko ake chaaiwana chokuita, aichiita nesimba rose uye akanga asingabvunzi mubvunzo weundingoveni wekuti, ‘Ndichapundutswa nazvo kudarika mumwe munhu wose here?’ Kana magosa aitumirwa kure kunoparidza, ndiye aiva wokutanga kuzvipira kupa mushando wake kubatsira mukuvagadzirira mbatya dzerwendo rwavo, zvisinei nokuti zvidikanwi zvake pachake zvingava zvei.”

Joseph Smith, Baba, vatezvara vake

Ropafadzo rapatiriyaki raEmma, rakapuwa naJoseph Smith Baba, avo vakanga vachishandira saPatiriyaki weChechi:

“Emma muroora wangu, iwe wakaropafadzwa naIshe, nokuda kwekutendeka kwako nechokwadi chako: iwe ucharopafadzwa pamwepo nemurume wako, uye uchafara mukubwinya kuchauya paari: Mweya wako wakatambudzwa nokuda kwehuipi hwevanhu mukutsvaka kuparadza murume wako, uye mweya wako wese wakapinda mukunamatira kusunungurwa kwake: fara, nokuti Ishe Mwari vako vakanzwa chikumbiro chako.

“Wakachema nokuda kwekuoma mwoyo kweimba yababa vako, uye iwe wakashuvira ruponeso rwavo. Ishe vanozova nerukudzo kukuchema kwako, uye nemitongo yavo vanozokonzera vamwe vavo kuti vaone kutadza kwavo uye vagotendeuka pazvivi zvavo; asi kunozova kuburikidza nekutambudzika kuchaita kuti vazoponeswa. Iwe uchaona mazuva mazhinji; hongu, Ishe vanozokuchengetedza kusvikira wagutsikana, nokuti iwe uchaona Mununuri wako. Mwoyo wako uchafara mubasa guru raIshe, uye hakuna munhu achatora mufaro wako kubva kwauri.

“Iwe uchagara uchiyeuka kuzvideredza kukuru kwaMwari vako mukukubvumira kuti uperekedze mwanakomana wangu apo ngirozi payakakumikidza rondedzero yevaNifai kuti aichengete. Iwe wakaona rusuwo rukurusa nokuda kwokuti Ishe vakatora kubva kwauri vatatu vevana vako: mune izvi iwe haupuwi mhosva, nokuti vanoziva zvido zvako zvakarurama zvekukudza mhuri, kuti zita remwanakomana wangu rigoropafadzwa. Uye zvino, tarisa, ndinoti kwauri, nokudaro vanotaura Ishe, kana ukatenda, iwe ucharopafadzwa muchinhu ichi uye uchazvara vamwe vana, kurufaro nerugutsikano rwemweya wako, uye nokurufaro rweshamwari dzako.

“Iwe ucharopafadzwa nenzwisiso, uye uchava nesimba rekuraira vamwe vako vanhukadzi. Dzidzisa mhuri yako ururami, uye vadiki vako nzira yeupenyu, uye ngirozi tsvene dzichakutaririra: uye iwe uchaponeswa muumambo hwaMwari; kunyangwe saizvozvo. Ameni.”

Emma Smith nevana

Emma Smith nevana vake. Time to Laugh [Nguva yeKuseka], naLiz Lemon Swindle