Huyai, Munditevere 2024
Manzwi eKudzorerwa: Musasa weZioni


“Manzwi eKudzorerwa: Musasa weZioni,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Dzidziso neZvibvumirano 2025 (2025)

“Musasa weZioni,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: 2025

mufananidzo wemanzwi ekudzorerwa

Manzwi Ekudzorerwa

Musasa weZioni

Nekuda kwekuti Musasa weZioni hauna kuzombodzorera Vatendi kunzvimbo dzavo muDunhu reJackson, vanhu vazhinji vakafunga kuti kuedza kwavo kununura Zioni kwaiva kwakundikana. Zvisinei, vatori vechinhanho vazhinji veMusasa weZioni vakatarisa kumashure pachiitiko chavo uye vakaona kuzadzikisa kwakaita Ishe chinangwa chikurusa muupenyu hwavo uye nemuumambo Hwavo. Hehwuno humwe uchapupu hwavo.

Joseph Smith

One drawing in pencil, charcoal and ink on paper.  A left profile, head/shoulders portrait of Joseph Smith; drawn basically in charcoal, highlighted with white paint and black ink.  titled at bottom "Jospeh Smith the Prophet."  Signed at left shoulder "Drawn from the most authentic sources by Dan Weggeland"  A drawn border surrounds it.  No date apparent.

Makore anodarika 40 mushure meMusasa weZioni, Joseph Young, uyo akanga ari nhengo yemusasa, akarondedzera kuti Joseph Smith akataura zvinotevera:

“Mabhuratha, vamwe venyu makandishatirirwa, nekuti hamuna kurwa muMissouri; asi regai ndikuudzei, Mwari vakanga vasingade kuti murwe. Havaikwanisa kuronga umambo hwavo nevarume gumi nevaviri kuti vazarure musuo wevhangeri kunyika dzepasi, uye nevarume makumi manomwe vari pasi pehutungamiri hwavo kuti vatevere munzira dzavo, kunze kwekunge vaivatora kubva muchikwata chevarume vakanga vapa upenyu hwavo, uye avo vakanga vazvipira zvikurusa sezvakaitwa naAbrahama.

“Zvino, Ishe vava neGumi neVaviri vavo uye Makumi Manomwe avo, uye kunozova nezvimwe zvikwata zveMakumi Manomwe zvichadaidzwa, avo vanozozvipira, uye avo vasati vaita mipiro yavo nezvipo zvavo iyezvino, vanozozviita mushure mepano.”

Brigham Young

Photograph of Brigham Young in stately side pose.

“Apo patakasvika muMissouri Ishe vakataura kumuranda wavo Joseph uye vakati, ‘Ndatambira chipo chako,’ uye takava nemukana wekudzokera zvakare kudzimba dzedu. Pakudzoka kwangu shamwari zhinji dzakandibvunza kuti chimuko chei chaiva mukudaidza varume kubva kumabasa avo emazuva ose kuti vaende kuMissouri uye vonodzoka, sekuratidzika kwazvo vasina kuzadzikisa chinhu chipi zvacho. ‘Ndiani akapundutswa nazvo?’ Vakabvunza. ‘Kana Ishe vakaraira kuti zviitwe, vaiva nechinangwa chei mupfungwa mukuita kudaro?’ … Ndakaudza mabhuratha awayo kuti ndakapuwa mubairo mukurusa—ndakapuwa mubairo unemugove mukuru pamusoro—hongu zvokuti chiyero changu chakazadzwa zvekufashukira neruzivo rwandakanga ndagamuchira kuburikidza nekufamba neMuporofita.”

Wilford Woodruff

Photograph of Brigham Young in stately side pose.

“Ndakanga ndiri muMusasa weZioni neMuporofita waMwari. Ndakaona kubata kwaMwari naye. Ndakaona simba raMwari riinaye. Ndakaona kuti aiva Muporofita. Izvo zvakaratidzwa kwaari nesimba raMwari pamusoro pebasa iroro zvaiva neukoshi hukuru kwandiri uye kuna vose vakagamuchira mirairidzo yake.”

“Apo nhengo dzeMusasa weZioni padzakadaidzwa vazhinji vedu takanga tisati tamboonana zviso’ takanga tiri vatorwa kune mumwe nemumwe uye vazhinji vakanga vasati vamboona muporofita. Taigara munzvimbo dzakasiyana siyana, sekunge chibage chakapepetwa musefa, nemunyika yose. Taiva tiri vakomana vechidiki, uye takadaidzwa pazuva iroro rekutanga kuti tiende kunonunura Zioni, uye izvo zvataifanira kuita taifanira kuzviita nerutendo. Takaungana pamwechete kubva kuMatunhu akasiyana-siyana paKirtland uye takaenda kunonunura Zioni, mukuzadzikisa murairo waMwari kwatiri. Mwari vakagamuchira mabasa edu sezvaVakaita mabasa aAbrahama. Takazadzikisa zvakawanda, kunyangwe zvazvo vapanduki nevasingatendi nguva zhinji vaibvunza mubvunzo wekuti ‘chii chamakaita?’ Takawana ruzivo rwataisambofa takakwanisa kuwana [mune] imwe nzira ipi zvayo. Takava nemukana wekuona chiso chemuporofita, uye takava nemukana wekufamba makiromita churu naye, uye tichiona kushanda kwemweya waMwari naye, uye nezvakazarurwa zvaJesu Kristu kwaari uye nekuzadzikiswa kwezvakazarurwa izvozvo. Uye akaunganidza magosa angangoita mazana maviri kubva munyika yose munguva iyoyo yekutanga uye akatitumira takapararira nepanyika pose kunoparidza vhangeri raJesu Kristu. Dai ndakanga ndisina kuenda neMusasa weZioni ndingadai ndisiri pano nhasi [muSalt Lake City, ndichishandira muChikwata chevane Gumi neVaviri]. … Nekuenda ikoko takakandwa mumunda wemizambiringa kunoparidza vhangeri, uye Ishe vakagamuchira mishando yedu. Uye mumishando yedu yose nemurutambudzwo rwedu rwose, neupenyu hwedu kazhinji huri munjodzi, takanga tichitofanira kushanda nekurarama nerutendo. ”

“Ruzivo rwatakawana mukufamba muMusasa weZioni rwaiva rwakakosha kupfuura goridhe.”

Manotsi

  1. MuJoseph Young Sr., History of the Organization of the Seventies (1878), 14.

  2. “Discourse,” Deseret News, Zvita 3, 1862, 177.

  3. Murondedzero yeMusungano Mukuru, Kubvumbi 1898, 29–30; onawo Teachings of Presidents of the Church: Wilford Woodruff (2004), 135.

  4. “Discourse,” Deseret News, Zvita 22, 1869, 543; onawo Teachings: Wilford Woodruff, 138.

  5. Deseret News: Semi-Weekly, Chikunguru 27, 1880, 2; onawo Teachings: Wilford Woodruff, 138.