Huyai, Munditevere 2024
Gumiguru 6–12: “Ndinozoronga Zvinhu Zvose kuitira Pundutso Yenyu”: Dzidziso neZvibvumirano 111–114


“Gumiguru 6–12: ‘Ndinozoronga Zvinhu Zvose kuitira Pundutso Yenyu’: Dzidziso neZvibvumirano 111–114,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Dzidziso neZvibvumirano 2025 (2025)

“Dzidziso neZvibvumirano 111–114,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: 2025

Joseph Smith achidzidzisa muTemberi yeKirtland

Gumiguru 6–12: “Ndinozoronga Zvinhu Zvose kuitira Pundutso Yenyu”

Dzidziso neZvibvumirano 111–114

Wakambova here nechiitiko chezvepamweya icho chakaita kuti unzwe chivimbo uye kugadzikana murutendo rwako muna Kristu—asi zvino matambudziko eupenyu akaedza rutendo rwako, uye ukazviwana uchinetseka kuwana zvakare runyararo rwawainzwa kare? Chimwe chinhu chakafanana neichi chakaitika kuVatendi muKirtland. Kusati kwambopera gore mushure mekudururwa kwemweya uko kwaienderana nekukumikidzwa kweTemberi yeKirtland, zvinetso zvakatanga. Dambudziko remari, rupesano muChikwata cheVane Gumi neVaviri, uye zvimwe zviyedzo zvakakonzera vamwe kuzungunuka murutendo rwavo zvisinei nezviikito zvavakanga vambosangana nazvo kare.

Hatikwanisi kudzivirira zviyedzo, saka tingakwanisa sei kuzvidzivirira kuti zvisazungunusa rutendo neuchapupu hwedu? Pamwe chikamu chemhinduro chinokwanisa kuwanikwa murairo yaIshe iri muDzidziso neZvibvumirano 112, yakapuwa apo matambudziko paaiva achiwanda zvikuru muKirtland. Ishe vakati, “chenesai mwoyo yenyu pamberi pangu” (ndima 28) “Musapanduka” (ndima 15), “Sungai zviuno zvenyu kuitira basa” (ndima 7), uye “Ivai vanozvininipisa” (ndima 10). Apo patinotevera rairo iyi, Ishe “vanozo[ti]tungamirira neruoko” nemumatambudziko uye votiendesa mukupora nemurunyararo (ona ndima 10, 13).

mufananidzo wekunzvera

Mazano eKudzidza Kumba uye kuChechi

Dzidziso neZvibvumirano 111

Ishe vanokwanisa “kuronga zvinhu zvose kuitira pundutso [yangu].”

Pakazosvika gore ra1836, Chechi yakanga yava nemurwi wezvikwereti zvikurusa mukuita basa raIshe. Joseph Smith nevamwe vakanetsekana pamusoro pezvikwereti izvi uye vakafunga nzira dzekuzvibhadhara (ona musoro wenyaya wechikamu cheDzidziso neZvibvumirano 111).

Apo paunoverenga chikamu 111, funga pamusoro pekuti mashoko aIshe kuna Joseph angashanda sei kwauri—uye nezvinhu zvaunonetsekana pamusoro pazvo. Semuenzaniso, ndiriini pawakanzwa rudo rwaMwari “zvisinei neupenzi” hwako (ndima 1)? Ishe vakakubatsira sei kuwana “pfuma” yawanga usingatarisiri (ndima 10)? Chii chaVakaita “kuronga zvinhu zvose kuitira pundutso yako” (ndima 11)? Ndevo inoti “nekukurumidza sezvaunokwanisa kuzvigamuchira” inokudzidzisa chii pamusoro paBaba Vokudenga?

Onawo Mateo 6:19–21, 33.; “More Treasures Than One,” muna Revelations in Context, 229–34.

Dzidziso neZvibvumirano 112:3–15, 22

mufananidzo weseminari
Ishe vanozonditungamirira apo pandinotsvaka neruninipo chido Chavo.

Thomas B. Marsh, Mutungamiri weChikwata cheVaapositora vaneGumi neVaviri, akagumbuka kuti Joseph Smith, asina kutaurirana naye, akadaidza nhengo mbiri dzechikwata chake kuti dziparidze vhangeri muEngland. Akasangana neMuporofita, uyo akagamuchira chakazarurwa icho chakabatsira Thomas kuisa parutivi manzwiro ake ekurwadziswa. Chakazarurwa ichocho chakanyorwa muDzidziso neZvibvumirano 112.

Chengeta mamiriro ezvinhu aya mupfungwa dzako apo paunonzvera Dzidziso neZvibvumirano 112. Chii chaunowana chingava chakaporesa manzwiro ekurwadziwa aThomas? Mundima 3–15 uye 22, unokwanisa kutsvaka mhinduro kumibvunzo yakaita seiyi: Runinipo chii? Zvinorevei kuna Ishe kuti vakutungamirire “neruoko”? Sei uchifunga kuti kuva wakaninipa kunokubatsira kugamuchira nhungamiro yaIshe? Unokwanisa kuwana dzimwe mhinduro muna “Pattern of Humility” mushoko raGosa Joseph W. Sitati “Patterns of Discipleship” (Liahona, Mbudzi 2022, 87–88).

Funga nezvemumwe munhu waunoziva anozvininipisa. Munhu uyu anoita sei kuratidza runinipo? Chii chaunodzidza kubva kuMuponesi pamusoro pekuva wakaninipa? Pamwe unokwanisa kuwana mifananidzo yenguva muupenyu Hwake apo paakaratidza runinipo.

Ndepapi pawakanzwa kutungamirirwa naIshe apo pawakazvininipisa?

Onawo Ulisses Soares, “Be Meek and Lowly of Heart,” Liahona, Mbudzi 2013, 9–11; “The Faith and Fall of Thomas Marsh,” muna Revelations in Context, 54–60; Topics and Questions, “Humility,” Gospel Library.“

Batanidzira vadzidzi. Funga pamusoro pokuti ungakwanisa sei kubatsira vanhu vaunodzidzisa kuti vatore chinhanho noushingairi mukudzidza zvokwadi zviri mumagwaro matsvene. Semuenzaniso, kuvabatsira kunzwisisa zvakataurwa naIshe muDzidziso neZvibvumirano 112:10, unokwanisa kusunga mumwe munhu kumeso nemucheka kuti asaona uye wonyatsomutungamirira neruoko muchitenderera nenzira duku inezvipingaidzo zvezvigaro kana zvimwe zvinhu. Chii chatinokwanisa kudzidza pamusoro peruninipo kubva paratidzo iyi?

Dzidziso neZvibvumirano 112:12–26, 28, 33–34

Avo vakatendeuka zvechokwadi vanosvika pakuziva Jesu Kristu.

Chokwadi chokuti vamwe vaApositora muna 1837 vakapandukira Muporofita chiyeuchidzo chakanaka chokuti zvisinei nedaidzo yedu yemuChechi kana kuti tinoziva zvakadii pamusoro pevhangeri, isu pachedu tinofanira kuva nechokwadi chokuti tinosimbisa kutendeukira kwedu kuna Jesu Kristu. Pamwe unokwanisa kuverenga Dzidziso neZvibvumirano 112:12–26, 28, 33–34 uye wotsvaka zvokwadi zvinokwanisa kukubatsira kukunda chiedzo cherutendo kana kuva wakatendeukira zvakanyanya kuzara kuna Ishe. Ungangonzwa kukurudzirwa kugovera zvaunowana kuitira kubatsira mumwe munhu kusimbisa kutendeukira kwake kuna Kristu.

Dzidziso neZvibvumirano 113

Joseph Smith aiva “muranda mumaoko aKristu.”

Muporofita Isaya akataura pamusoro pemumwe wezvizvarwa zvaJese “sebukira” uye “mudzi” (Muporofita Isaya 11:1, 10). Muchikamu 113, Ishe vanotsanangura kuti chizvarwa ichi, muranda waKristu, aizotora chinhanho chakakosha mukuunganidza vanhu vaIshe mumazuva ekupedzisira (ona Dzidziso neZvibvumirano 113:4, 6). Huporofita uhwu hwunotsanangura Muporofita Joseph Smith zvakanaka zvikuru. Zvokwadi izvi uye nezvimwe zvokwadi zviri muchikamu 113 zvingangova zvakakurudzira sei Vatendi panguva yemhirizhonga iyo yavakava nayo muKirtland? Chii chaunowana muzvakazarurwa izvi chinokukurudzira kuti urambe wakasimba uye uenderere mberi nokutora chinhanho mubasa raIshe nhasi?

Onawo Nhungamiro kuMagwaro Matsvene, “Jese,” Raibhurari yeVhangeri; 2 Nifai 21:10–12; Joseph Smith—Nhoroondo 1:40.

mufananidzo waIsaya 11:1

Isaya akanyora nezve“ bukira” “nemidzi” zvinobuda “pahunde yaJese” (Muporofita Isaya 11:1).

Kuti uwane mamwe mazano, ona zvinyorwa zvemwedzi uno zvemamagazini anonzi Liahona uye For the Strength of Youth.

chikamu chevana mufananidzo 01

Mazano eKudzidzisa Vana

Dzidziso neZvibvumirano 111:2, 10–11

Zvinhu zvaMwari zvinokwanisa kuva pfuma kwandiri.

  • Iwe nevana vako munokwanisa kudhirowa zvinouya mupfungwa apo pamunonzwa shoko rokuti pfuma. Munokwanisa zvino kuverenga pamwechete Dzidziso neZvibvumirano 111:2, 10–11 mosiyanisa pfuma yepanyika nezvinhu izvo Ishe zvavanokoshesa. (Ona peji yechiitwa yevhiki rino.) Tingakwanisa sei kukoshesa zvakanyanya zvinhu zvaMwari?

Dzidziso neZvibvumirano 112:10

Ishe vanozonditungamirira noruoko uye vanozopindura minamato yangu.

  • ­­ Mushure mokuverenga Dzidziso neZvibvumirano 112:10 pamwechete munokwanisawo kutamba mutambo unosanganisira kutungamirirana “neruoko” (wakaita sewekufamba nenzira ine zvipingaidzo). Ishe vanotitungamirira sei “noruoko,” kunyangwe zvazvo Vasiri vanesu panyama? Sei tichida Ishe kuti vatitungamirire? Ndiriini apo patakanzwa Ishe vachititungamirira?

  • Iwe kana vana vako munokwanisa kunyora mashoko emuDzidziso neZvibvumirano 112:10 uye moisa mutsetse pazasi pemaropafadzo ayo Ishe avanotipa apo patinotendeukira neruninipo kwaVari. Kurudzira vana vako kugovera nguva idzo dzavakakumbira noruninipo rubatsiro rwaIshe uye vakagamuchira mhinduro kuminamato yavo kana kutungamirirwa kuita chimwe chinhu chakanaka (ona Moronai 7:13, 16).

Jesu achiporesa mwana

Chikamu chakabva kuArise and Walk [Simuka Ufambe], naSimon Dewey

Dzidziso neZvibvumirano 112:11

Jesu anoda kuti ndide munhu wose.

  • Iwe nevana vako munokwanisa kutora zvijana kuverenga kubva “muChapter 41: Trouble in Kirtland” (muDoctrine and Covenants Stories, 158–60). Ndiani munyaya yacho akaita kuti matambudziko muKirtland anyanye kuipa? Ndiani akanga achiedza kuita kuti ave nani? Zvino munokwanisa kuverenga Dzidziso neZvibvumirano 112:11 uye motaura pamusoro pokuti sei Muponesi achida kuti tide munhu wose. Ndiriinhi waAkaratidza rudo kuvanhu vakanga vasina tsitsi kwaAri? (semuenzaniso, ona Ruka 23:34). Munokwanisawo kuimba rumbo rwuri pamusoro pekuda vamwe.

2:20

Chapter 41: Trouble in Kirtland: 1837–1838

Dzidziso neZvibvumirano 112:11–14, 24–26

Avo vakatendeuka zvechokwadi vanosvika pakuziva Jesu Kristu.

  • Mushure mokuverenga Dzidziso neZvibvumirano 112:24–26, iwe nevana vako munokwanisa kutaura pamusoro pemusiyano uri pakati pekuziva zita remumwe munhu nekumuziva. Idzidziso dzipi dzinobva mundima 11–14 dzinotibatsira kunzwisisa zvazvinoreva kuziva Ishe?

­

Thomas B. Marsh anonyora pasi zvakazarurwa zvakapuwa kwaari kuburikidza naJoseph Smith.

Be Thou Humble [Imi ivai Vakaninipa], naJulie Rogers

peji yechiitwa yevana