Huyai, Munditevere 2024
Manzwi eKudzorerwa: Jere reLiberty


“Mazwi eKudzorerwa: Jere reLiberty,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Dzidziso neZvibvumirano 2025 (2025)

“Jere reLiberty,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: 2025

mufananidzo wemanzwi ekudzorerwa

Manzwi eKudzorerwa

Jere reLiberty

Apo paakanga akavharirwa mutirongo muLiberty, Missouri, Joseph Smith akagamuchira tsamba dzaimuzivisa pamusoro pemamiriro ezvinhu ane njodzi eVatendi vaMazuva Ekupedzisira avo vakanga vachitandaniswa kubva munyika iyoyo kuburikidza nerairo yagavhuna. Tsamba yaibata mwoyo zvikuru yakabva kumudzimai wake Emma. Mashoko ake, uye tsamba dzaJoseph mukupindura, zvinotaura kutambudzika kwavo vose uye rutendo rwavo panguva yakanga yakaoma iyi munhuroondo yeChechi.

Jere reLiberty

Joseph Smith nevamwe vakavharirwa mutirongo iri muchando cha1838–39.

Tsamba yakanyorwa naEmma Smith kuna Joseph Smith, Kurume 7, 1839

Mudiwa Murume Wangu

Ndiine mukana wekutumira tsamba ino neshamwari, ndinoedza kunyora, asi handisi kuzoedza kutsanangura manzwiro angu ese, nokuti haakwanisi kutsanangurwa zvakazara. Izvi zvinodaro nokuda kwezvinhu zvakatiparadzanisa; madziro eJere, mazariro esimbi pamahwindo, nezvihuri pamikova, pamwepo nenzizi huru, hova dzinoerera, makomo makuru, mapani nonyudza, uye nhika hurusa izvo zviri pakati pekwandiri nekwauri. Uyewo, manzwiro angu haakwanisiki kutsanangurwa nokuda kweudzvinyiriri hune utsinye uhwo hwawakavharirwa nahwo mutirongo uye hwunoramba hwuchikuchengeta uri ikoko.

Dai ndanga ndisingazivi kuti hatina mhosva, uye dai nyasha dzehumwari dzisina kupindira, ndine chokwadi chaizvo kuti ndingadai ndisina kukwanisa kutsungirira pakutambura kwandakasangana nako … ; asi ndichiri mupenyu uye ndichiri kuda kutambura zvakanyanya kana kuri kuda kweDenga rine tsitsi kwokuti ndinofanira kutsungirira pazvinhu izvi kuitira iwe.

Tose takagwinya parizvino, kusara kwaFredrick uyo ari kurwara zvikuru.

Alexander Mudiki, uyo ari mumaoko angu izvozvi, mwana akanaka zvinoshamisa. Akasimba zvokuti nerubatsiro rwekubatirira pachigaro anomhanya nemumupanda wose. …

Hapana anoziva kusara kwaMwari mafungiro epfungwa dzangu uye manzwiro emwoyo wangu apo pandakasiya imba yedu nemusha wedu, pamwepo nezvizhinji zvezvinhu zvose zvataiva nazvo kusara kwevana vedu vadiki, ndikapinda parwendo kubuda muNyika yeMissouri, ndichikusiya wakavharirwa mutirongo rinokushurukirwa iroro. Pfungwa yokusiya iwe nemusha wedu yakaoma kupfuura zvinofanira kunzwikwa nemunhu upi zvake.

… ndinotarisira kuti kune mazuva arinani achiri kuuya kwatiri. … [Ndinogara] ndiri wako anokuda.

Emma Smith

Tsamba yakanyorwa naJoseph Smith kuna Emma Smith, Kubvumbi 4, 1839

Mudiwa—ane rudo—Mudzimai wangu.

Usiku hweChina ndakagara pasi apo zuva parakanga rodoka, apo pataidongorera nemumazariro esimbi etirongo rino rinekushurukirwa, kuti ndinyore kwauri, kuitira kuti ndikutaurire pamusoro pemamiriro ezvinhu angu. Ndinodaira kuti zvino yava mwedzi mishanu nemazuva matanhatu ndakarindwa najerigadhi usiku nesikati, uye mukati memadziro, mazariro esimbi, uye magonhi anorira etirongo rinekushurukirwa, rinerima, uye rinetsvina. Nemanzwiro anozivikanwa chete naMwari ndinonyora tsamba ino. Pfungwa dzandiinadzo mumamiriro ezvinhu ano hadzikwanisiki kunyora pasi kana kutaura, kana kuti Ngirozi dzitsanangure kune mumwe munhu asina kumbosangana nezvatiri kusangana nazvo. … Tinovimba pasimba raJehova, uye kwete mumwe ani zvake, kuti tiwane rununuro rwedu, uye kana akasazviita, hazvizoitwi, ndinokuvimbisa izvozvo, nokuti vanhu vakawanda munyika ino vanoda kutiuraya, kwete nokuda kwekuti tine mhosva yechinhu chipi zvacho. … Mudiwa wangu Emma, ndinokufunga iwe nevana nguva dzose. … Ndinoda kuona Frederick mudiki, Joseph, Julia, Alexander, Joana, uye mudhara mukuru [imbwa yemhuri]. … Nemufaro ndingafamba kubva kuno kuuya kwauri ndisina shangu, uye ndisina nguwani, uye ndisina kusimira zvizere, kuzokuona uye ndinozozvifunga semufaro mukuru, uye handizombozvifungi sechinhu chakaoma. … Ndinotakura neushingi kudzvinyirirwa kwangu kwose, uye avo vaneni vanoitawo kudaro, hapana kana mumwechete wedu ati ambozungunuka. Ndinoda [kuti] usarega [vana vedu] vachindikanganwa. Vaudze kuti Baba vanovada nerudo rwakarurama, uye kuti varikuita zvose zvavanokwanisa kuti vabve pamhomho yevakaipa vauye kwavari. … Vaudze kuti Baba vati vanofanira kuva vana vakanaka, uye vateerere kuna mai vavo. …

Wako,

Joseph Smith mwana.

Manotsi

  1. Letter from Emma Smith, 7 March 1839,” Letterbook 2, 37, josephsmithpapers.org; kuperengera, zvimiso, uye nemaumbirwo emutauro zvakaitwa zvemazuvano.

  2. Letter to Emma Smith, 4 April 1839,” 1–3, josephsmithpapers.org; kuperengera, zvimiso, uye nemaumbirwo emutauro zvakaitwa zvemazuvano.

  3. Joseph nevafambidzani vake vakasungwa musi waGumiguru 31, 1838, uye vakachengetwa vakarindwa zvakasimba masikati neusiku. Mushure memutongo wekutanga muRichmond, Missouri, vakatorwa vakaendeswa kuJere reLiberty musi waZvita 1.