Huyai, Munditevere 2024
Manzwi eKudzorerwa: Zviratidzo zveMweya uye Temberi yeKirtland


“Manzwi eKudzorerwa: Zviratidzo zveMweya uye Temberi yeKirtland,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Dzidziso neZvibvumirano 2025 (2025)

“Zviratidzo zveMweya uye Temberi yeKirtland,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: 2025

mufananidzo wemanzwi ekudzorerwa

Manzwi Ekudzorerwa

Zviratidzo zveMweya uye Temberi yeKirtland

mufananidzo weTemberi yeKirtland

Pazasi pane mashoko eVatendi vaMazuva Ekupedzisira avo vakanga vari muTemberi yeKirtland panguva yekukumikidzwa kwayo uye mune mimwe misangano yakatevera. Vazhinji vakaenzanisa zviitiko zvavo kune izvo Vatendi vechinyakare zvavakava nazvo apo “pavakafukidzwa nesimba raibva kudenga” pazuva rePentekosta (Ruka 24:49; onawo Mabasa aVaApositora 2:1–4; Dzidziso neZvibvumirano 109:36–37).

Eliza R. Snow

Portrait photograph of Eliza R. Snow seated in a chair.

“Mhemberero dzerukumikidzo irworwo dzingangorondedzerwa, asi hapana mutauro wemunhu wenyama unokwanisa kutsanangura zviratidzo zvokudenga zvezuva risingakanganikwi iroro. Ngirozi dzakazviratidza kuna vamwe, apo manzwiro ekuvapo kwehumwari akanzwikwa navose vaivapo, uye mwoyo woga woga wakazadzwa ‘nemufaro usingatauriki uye uzere nerukudzo.’”

Sylvia Cutler Webb

“Imwe yendangariro dzangu dzekutanga yaiva yokukumikidzwa kweTemberi. Baba vangu vakatigadzika pamakumbo avo uye vakatitaurira kuti sei taienda uye zvazvaireva kukumikidza imba kuna Mwari. Uye kunyangwe zvazvo ndakanga ndiri mudukusa panguva iyoyo, ndinonyatsorangarira chiitiko ichocho. Ndinokwanisa kutarisa kumashure pachiitiko chakaitika makore mazhinji akapfuura ayo uye ndoona semaonere andakaita nguva iyoyo Joseph Muporofita, akamira nemaoko ake akasimudzirwa kudenga, chiso chake chakacheneruka zvikuru, misodzi ichiyerera nepamatama ake apo paaitaura pazuva iroro risingakanganikwi. Vangangoita vanhu vose zvavo vataridzika kunge vaichema. Temberi yakanga yakazara zvokuti vana vakanga vakagara pamakumbo evanhu vakuru; mukoma wangu akanga akagara pamakumbo ababa, ini pamakumbo aamai. Ndinokwanisa kurangarira kunyangwe madhirezi atakanga takapfeka. Pfungwa dzangu dzakanga dziri dzemwana mudikisa panguva iyoyo kunyatsonzwisisa kukosha kwakazara kwazvo zvose, asi nokufamba kwenguva ndakazotanga kunzwisisa zvirinani zvishoma nezvishoma kukosha kwazvo, uye ndinovonga zvikuru kuti ndakava nerombo rakanaka chaizvo kuvapo.”

Oliver Cowdery

Head and shoulder portrait of Oliver Cowdery in suit and tie.

“Manheru ndakaita musangano nevatungamiri vechechi muimba yaMwari. Mweya wakadururwa—ndakaona kubwinya kwaMwari, segore guru, kuchidzika pasi uye kukamhara pamusoro petemberi, uye kukazadza temberi semhepo inovhuvhuta nesimba gurusa. Ndakaona ndimi dzine mhaswa, dzakaita sedzemoto dzichimhara pamusoro pevakawanda, … apo padzaitaura nedzimwe ndimi uye nokuporofita.”

Benjamin Brown

“Zviratidzo zvizhinji zvakaonekwa. Mumwe akaona mutsago kana gore richimhara pamusoro petemberi, rakajeka seapo zuva parinopenya pagore segoridhe. Vamwe vaviri vakaona vanhu vatatu vakamira mumhepo mumupanda vaine makiyi mumaoko avo, uyewo vaine cheni dzaivaima mumaoko avo.”

Orson Pratt

Portrait engraving of Orson Pratt

“Mwari vaivapo, ngirozi dzavo dzaivapo, Mweya Mutsvene waiva pakati pevanhu … uye vakazadzwa kubva pamusoro pemisoro yavo kusvika kuzvitsitsinho zvetsoka dzavo nesimba nefemero yeMweya Mutsvene.”

Nancy Naomi Alexander Tracy

“[Apo] Temberi payakapedzwa uye payakakumikidzwa … ndiwo akava maviri emazuva anemufaro mukurusa eupenyu hwangu. Rwiyo rwakakodzera zvikuru urwo rwakanyorerwa chiitiko ichi rwaiva rwokuti ‘The Spirit of God Like a Fire is Burning.’ Zvirokwazvo chaiva chokwadi kuti Shanduro yoKudenga yaiva mutemberi. … Ndakanzwa kuti kwaiva kudenga kuri panyika.”

Zvinyorwa

  1. Mubhuku raEdward W. Tullidge, The Women of Mormorndom 1877), 95.

  2. Mubhuku raKarl Ricks Anderson, Joseph Smith’s Kirtland: Eyewitness Accounts (1996), 182–83

  3. Dhayari raOliver Cowdery, Kurume. 27, 1836, Raibhurari yeNhoroondo yeChechi, Salt Lake City.

  4. Tsamba yaBenjamin Brown kumudzimai wake, Sarah, mungangova muna Kubvumbi 1836, muunganidzwa wezvinyorwa wemhuri yaBenjamin Brown, Raibhurari yeNhoroondo yeChechi, Salt Lake City; zvimiso nemavara makuru zvakaitwa zvemazuva ano.

  5. Orson Pratt, “Remarks,” Deseret News, Ndira 12, 1876, 788.

  6. Mubhuku raRichard E. Turley Jr. naBrittany A. Chapman, eds., Women of Faith in the Latter Days (2011), 1:442.