“Gumiguru 13–19: ‘Kuzvipira Kwake Kuchava Kunoera Zvikuru Kwandiri Kupfuura Upfumi Hwake’: Dzidziso neZvibvumirano 115–120,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Dzidziso neZvibvumirano 2025 (2025)
“Dzidziso neZvibvumirano 115–120,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: 2025
Gumiguru 13–19: “Kuzvipira Kwake Kuchava Kunoera Zvikuru Kwandiri Kupfuura Upfumi Hwake”
Dzidziso neZvibvumirano 115–120
Paiva nechikonzero chakanaka chokuti Vatendi vave netarisiro yakanaka pamusoro penzvimbo yavo itsva yekuungana, Far West, Missouri. Guta iri rakanga richikura nokukurumidza, nzvimbo yacho yairatidzika seinemaguta, uye pedyo nayo paiva neAdama-ondi-Amani, nzvimbo yaiva yakakosha zvikurusa pane zvepamweya munguva yekare uye nemune ramangwana (ona Dzidziso neZvibvumirano 107:53–56; 116). Asi zvakadaro, zvinofanira kuva zvakanga zvakaomera Vatendi kuti vasafunge pamusoro pezvavakanga varasikirwa nazvo. Kunze kwekudzingwa kubva muIndependence, nzvimbo huru yeZioni, Vatendi vakamanikidzwawo kutiza kubva muKirtland, vachisiya temberi yavo yavaida zvikuru mushure memakore maviri chete yapedzwa. Uye panguva iyi vakanga vasiri vavengi vekunze kweChechi chete vaikonzera dambudziko—nhengo zhinji dzaizivikanwa zvikuru dzakanga dzapandukira Joseph Smith, kusanganisira nhengo ina dzeChikwata chevaApositora Vane Gumi neVaviri.
Panzvimbo pokunangisa pfungwa pane zvavakarasikirwa nazvo, vakatendeka ava vakaramba vachivaka Zioni, nguva ino muFar West. Vakaita zvirongwa zvetemberi itsva. VaApositora vana vatsva vakadanwa. Vakanzwisisa kuti kuita basa raMwari hazvirevi kuti haumbofi wakapunzika; zvinoreva kuti “unosimuka zvakare.” Uye kunyangwe zvazvo uchizofanira kuzvipira, kuzvipira ikoko kunozova kunoera kuna Mwari, kunyangwe “kuera zvikuru … kupfuura upfumi [hwako]” (Dzidziso neZvibvumirano 117:13).
Onawo Saints, 1:296–99.
Mazano eKudzidza Kumba uye kuChechi
Dzidziso neZvibvumirano 115:3–6
Zita reChechi rakakosha kuna naIshe.
Mutungamiri Russell M. Nelson vakati zita reChechi “inyaya yakakosha zvikurusa” (“Zita Kwaro reChechi,” Liahona, Mbudzi 2018, 87). Funga pamusoro pechikonzero chekuti sei izvi zviri zvechokwadi apo paunoverenga Dzidziso neZvibvumirano 115:4–6. Zita reChechi rinei nebasa nechinangwa zvayo?
Onawo 3 Nifai 27:1–11.
Dzidziso neZvibvumirano 115:5–6
Zioni nemasiteki ayo zvinopa “utiziro kubva kudutu.”
Apo paunonzvera mufananidzo une simba muDzidziso neZvibvumirano 115:5–6, funga pamusoro pebasa iro Ishe ravanoda kuti iwe, senhengo yeChechi Yavo, uite. Semuenzaniso, chii chaungaita kuti “usimuke uye uvheneke mberi” kana kuti “uve mureza wemarudzi”? (ndima 5). Ndeapi madutu ezvepamweya aunocherechedza pakakupoteredza? Unowana sei “utiziro” kuburikidza nokuungana? (ndima 6).
Onawo “Brightly Beams Our Father’s Mercy,” Hymns, nhamba. 335.
Kuzvipira kwangu kunoera kuna Ishe.
Fungidzira kuti waiva uri Newel K. Whitney kana mudzimai wake, Elizabeth, vaiva vachirarama upenyu hwebudiriro muKirtland uye zvino vakakumbirwa kuti vabudemo. Chii chaunowana muDzidziso neZvibvumirano 117:1–11 chingangova chakakubatsira kuita kuzvipira uku? Kuzvipira kupi kwaunoitira Mwari? Ndima idzi dzinokudzidzisa chii pamusoro pekuti Mwari ndiani uye izvo zvaVanoita?
Kuzvipira kwakakumbirwa kubva kuna Oliver Granger kwakanga kwakasiyana nekwemhuri yekwaWhitney: Ishe vakamurongera kuti agare muKirtland uye agadzirise mari dzeChechi. Kunyangwe zvazvo akamiririra Chechi neruvimbiko, pakupedzisira haana kubudirira zvakanyanya. Funga pamusoro pokuti mashoko aIshe ari muDzidziso neZvibvumirano 117:12–15 anoshanda sei kuzvinhu zvaVakakukumbira.
Onawo “Far West and Adam-ondi-Ahman,” muna Revelations in Context, 239–40.
Dzidziso neZvibvumirano 119–20
Chegumi changu chinobatsira kuvaka umambo hwaMwari.
Mirairidzo iri muzvikamu 119 uye 120 inojekesa kuti chegumi chii: tinopa “chikamu chimwechete mugumi” chemugove wedu (kana mari yatinotambira) gore rega rega (ona Dzidziso neZvibvumirano 119:4). Asi zvakazarurwa izvi zvinoita zvimwe zvakawanda kupfuura kungopa tsananguro. Ishe vakataurira Vatendi kuti chegumi “chaizotsvenesa nyika yeZioni.” Uye pasina mutemo uyu, Vakati, “haizovi… Zioni kwamuri” (ndima 6). Wakambofunga pamusoro pechegumi nenzira iyi here? Kubhadhara chegumi kungakwanisa sei kubatsira kukuita akanyanya kutsveneswa, akanyanya kugadzirira Zioni?
Unodzidzei kubva kuzvakazarurwa izvi pamusoro pemashandisiro anoita varanda vaIshe mari yechegumi? Chii chakakosha kwauri pamusoro pendevo inoti “neinzwi rangu pachangu kwavari” muDzidziso neZvibvumirano 120?
Gosa David A. Bednar vakapa tsananguro inobatsira yemashandisirwo anoitwa chegumi uye maropafadzo anouya kubva mukuteerera mutemo uyu muna “The Windows of Heaven” (Liahona, Mbudzi 2013, 19–20). Mibvunzo inotevera inogona kubatsira apo paunonzvera shoko ravo:
-
Ndiani anosarudza kuti chegumi chinoshandiswa sei mushure mekunge chabhadharwa kuChechi?
-
Chegumi chinoshandiswa kuitei?
-
Ndeapi maropafadzo anouya nokuda kwekubhadhara chegumi? Semuenzaniso, kubhadhara chegumi kunosimbisa hukama hwako naBaba Vokudenga naJesu Kristu nenzira dzipi?
-
Chii chaunokwanisa kudzidza kubva mukukoka kwaGosa Bednar?
-
Ungakwanisa kubatsira sei vamwe kuwedzera rutendo rwavo mumutemo waIshe wechegumi?
Onawo Muporofita Maraki 3:8–12; “The Tithing of My People,” muna Revelations in Context, 250–55.
Mazano eKudzidzisa Vana
Dzidziso neZvibvumirano 115:4–5
Ndiri nhengo yeChechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira.
-
Kubatsira vana vako kudzidza zita reChechi uye kunzwisisa kuti sei rakakosha, funga pamusoro pekubvunza kana mumwe wavo achikwanisa kutaura zita rizere reChechi. Unokwanisa zvino kuvaratidza zita racho kubva muDzidziso neZvibvumirano 115:4 woita kuti varidzokorore newe. Apo paunenge uchiita izvi, funga pamusoro pekudoma mashoko akakosha uye kuti sei akakosha. Unokwanisawo kuwongorora “Chapter 43: Jesus Christ Names His Church” (muDoctrine and Covenants Stories, 164, kana vhidhiyo inoenderana nayo muGospel Library) kana kuimba “The Church of Jesus Christ” (Children’s Songbook, 77).
Dzidziso neZvibvumirano 115:4–6
Muenzaniso wangu unokwanisa kubatsira vamwe kuuya kuna Kristu uye vawane ruchengeteko.
-
Vana vako vanogona kuziva vanhu vari kutambudzika uye vanoda “utiziro” kubva “kumadutu oupenyu” (ndima 6). Vangakwanisa kubatsira sei vanhu ava? Funga pamusoro pekukoka vana vako kuti vasimuke apo paunoverenga shoko rokuti simuka muDzidziso neZvibvumirano 115:5. Vanokwanisa kutambanudza minwe yavo semaranzi echiedza chezuva apo paunoverenga vheneka mberi. Yeuchidza vana vako kuti chiedza chedu chinobva kuna Jesu Kristu, uye vabatsire kufunga nezvenzira dzavanokwanisa “kuvheneka mberi” sezvaAnoita.
-
Vana vako vanokwanisa kudhirowa mufananidzo unoratidza Dzidziso neZvibvumirano 115:6. Semuyenzaniso, vanokwanisa kudhirowa dutu nevanhu vachipotera muchivako cheChechi. Dutu ringava richimiririra chii? Chechi yeMuponesi inopa rubatsiro sei? Batsira vana vako kufunga nezveshamwari, nhengo yemhuri, kana muvakidzani ari kushayiwa. Tingavakoka sei kuti vawane rubatsiro muChechi yaJesu Kristu?
Kuzvipira kwangu kunoera kuna Ishe.
-
Koka vana vako kuti vanyepedzere kuti ndivo Newel K. Whitney. Vaizonzwa sei kana Ishe vakavakumbira kusiya basa ravo rakabudirira uye votamira kune imwe nzvimbo itsva? (Zvingangobatsira kuwongorora “Chapter 41: Trouble in Kirtland,” muDoctrine and Covenants Stories, 158–60, kana vhidhiyo inoenderana nazvo muGospel Library.) Apo pamunoverenga pamwechete Dzidziso neZvibvumirano 117:1–11, kumbira vana vako kuti vakumise apo pavanonzwa chimwe chinhu chingavabatsira kuva nerutendo rwokuteerera Ishe. Kuzvipira kupi kwatinoita kuti titeerere Ishe? Vanotiropafadza sei?
Dzidziso neZvibvumirano 119–20
Baba Vokudenga vanoshandisa chegumi kuropafadza vana Vavo.
-
Vazhinji vevana vaunodzidzisa vanogona kunge vari vadikisa kuti vatambire mari nekubhadhara chegumi, asi zvakanaka kuti vanzwisise kuti chegumi chinopa rubatsiro sei kubasa raIshe nepanyika rose. Funga pamusoro pekushandisa mifananidzo uye peji yechiitwa zviri kumagumo kwechidzidzo chino kuvabatsira kunzwisisa kuti chegumi chii. (Onawo “Chapter 44: Tithing,” muna Doctrine and Covenants Stories, 165–66, kana vhidhiyo inoenderana nazvo muGospel Library.) Baba Vokudenga vanoshandisa sei chegumi kuropafadza vana Vavo? Govera manzwiro ako pamusoro pemutemo wechegumi uye maropafadziro awakakuita.