Huyai, Munditevere 2024
Gunyana 29–Gumiguru 5: “Imba Yenyu, Nzvimbo yeUtsvene Hwenyu,” Dzidziso neZvibvumirano 109–110


“Gunyana 29–Gumiguru 5: ‘Imba Yenyu, Nzvimbo yeUtsvene Hwenyu’: Dzidziso neZvibvumirano 109–110,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Dzidziso neZvibvumirano 2025 (2025)

“Dzidziso neZvibvumirano 109–110,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: 2025

rukumikidzo rweTemberi yeKirtland

A Glorious Light [Chiedza Chinoshamisa], naGlen S. Hopkinson

Gunyana 29–Gumiguru 5: “Imba Yenyu, Nzvimbo yeUtsvene Hwenyu”

Dzidziso neZvibvumirano 109–110

Mikova yeTemberi yeKirtland yakanga isingafaniri kuvhurwa kusvikira nguva yechisere pamagwanani aKurume 27, 1836. Asi Vatendi avo vakanga vachitarisira kupinda minamato yekukumikidzwa kwayo vakatanga kumira mumutsetse mangwanani- ngwanani nenguva yechinonwe. Nzvimbo yaizogara vanhu vaiva vasingakwani mumupanda waiitirwa rukumikidzo uye zvino chikamu chechipiri cherukumidzo zvaidikanwa kuitira kuti munhu wose akwanise kupinda minamato yerukumikidzo iyi. Uye vakanga vasiri vapenyu chete vakanga vaine chido chikuru chokuvapo. Zvapupu zvakawanda zvikuru zvakaona ngirozi mukati metemberi uye kunyangwe pamusoro pedenga retemberi, panguva uye mushure merukumikidzo. Chokwadi zvaitaridzika kuti “mauto ekudenga” akanga auya “kuzoimba nokudaidzira” naVatendi vaMazuva Ekupedzisira (“Mweya waMwari,” Nziyo neDzevana Vadiki,, nhamba 54).

Sei kwaiva nemufaro mukuru wakadaro—kumativi ose echidzitiro? Mushure memazana amakore, kwakava neimba yaIshe zvakare panyika. Mwari vaizadzikisa vimbiso Yavo yokuropafadza Vatendi Vavo “nesimba rinobva kumusoro” (Dzidziso neZvibvumirano 38:32). Uye uku, Vakataura, kwaiva kuri chete “kutanga kweropafadzo racho” (Dzidziso neZvibvumirano 110:10). Nguva yatiri kurarama iyezvino—nebasa nezvisungo zvemutemberi izvo zviri kukurumidziswa uye zvinowanikwa kumamiriyoni evapenyu nevakafa—yakanga iine mavambo ayo muKirtland, apo “chidzitiro pamusoro penyika [pachaiva] chotanga kutsemuka” (“Mweya waMwari”).

Onawo Saints, 1:232–41; “A House for Our God,” muna Revelations in Context, 169–72.

mufananidzo wekunzvera

Mazano eKudzidza Kumba uye kuChechi

Dzidziso neZvibvumirano 109

mufananidzo weseminari
Ishe vanondipa maropafadzo akakosha zvikuru kuburikidza nezvibvumirano zvemutemberi.

Temberi yeKirtland yakanga yakasiyana netemberi dzatinoziva nhasi. Yaiva isina aritari uye isina chidziva chokubhabhatidzira, semuenzaniso. Asi maropafadzo akatsanangurwa muchikamu 109, munamato werukumikidzo weTemberi yeKirtland, anowanikwawo muimba yaIshe nhasi. Wongorora ndima dzinotevera kuti uwane mamwe amaropafadzo aya, uye fungisisa kuti anokwanisa kubatsira sei kusimbisa ukama hwako naBaba Vokudenga uye naJesu Kristu.

Ndima 5, 12–13 (onawo Dzidziso neZvibvumirano 110:6–8): Muimba yaIshe, Vanokwanisa kuZvitaridza kwandiri, uye ndinokwanisa kunzwa simba Ravo.

Ndima 9, 15–19, 26, 78–79:

Ndima 21–23:

Ndima 24–33, 42–46:

Ndima 35–39:

Mamwe maropafadzo:

Kana wakamboenda kuimba yaIshe, funga pamusoro pokuti vimbiso idzi dzakazadzikiswa sei muupenyu hwako.

Rwiyo “Mweya waMwari” (Nziyo neDzevana Vadiki,, nhamba 54) rwakanyorerwa rukumikidzo rweTemberi yeKirtland—uye rwunoimbwa parukumikidzo rwetemberi yoga yoga kubvira ipapo. Funga pamusoro pekuimba kana kuteerera kwarwuri sechikamu chokunzvera nokunamata kwako. Ndeapi maropafadzo emutemberi aunowana akatsanangurwa murwiyo urwu?­

Dzidziso neZvibvumirano 109

Munamato ndiko kutaurirana naBaba Vokudenga.

Chikamu 109 ndiwo munamato werukumikidzo uyo wakapuwa kuMuporofita Joseph Smith kuburikidza nezvakazarurwa (ona musoro wenyaya wechikamu). Chii chaunodzidza pamusoro pemunamato kubva muchikamu ichi? Semuenzaniso, ungangonyora pasi izvo Muporofita zvaakavonga nazvo uye maropafadzo aakakumbira. Chii chimwe chaakataura mumunamato wake? Apo paunonzvera, ungangowongorora kutaura kwako pachako naBaba Vokudenga. Chii chaunodzidza pamusoro Pavo uye Mwanakomana Wavo kubva kumunamato uyu?

Kana uchida kuverenga minamato yorukumikidzo yedzimwe temberi, kusanganisira temberi iri pedyosa newe, enda kupeji yetemberi yacho pawebhusaiti inoti temples.ChurchofJesusChrist.org

Dzidziso neZvibvumirano 110:1–10

Ishe vanokwanisa kuZvitaridza kwandiri mutemberi Yavo.

Apo paunoverenga pamusoro pemurairo waIshe muDzidziso neZvibvumirano 110:1–10, kusanganisira musoro wenyaya wechikamu, fungisisa izvo ndima idzi dzazvinotaura pamusoro Pavo.

Jesu Kristu anoZviratidza sei—kana kuita kuti Azivikanwe kwauri—muImba Yake? Anokubatsira sei kuziva kuti Anotambira kuzvipira kwako?

Mukati meTemberi yeKirtland

Mukati meTemberi yeKirtland.

Dzidziso neZvibvumirano 110:10–16

Muponesi anotungamirira basa Rake kuburikidza nemakii ehupirisita.

Chinguva chipfupi Mosesi, Eria naErija vasati vazviratidza mutemberi kuti vadzorere makiyi ehupirisita, Jesu Kristu akati, “Uku ndiko kutanga kweropafadzo iro richadururirwa pamisoro yavanhu vangu” (Dzidziso neZvibvumirano 110:10). Apo paunoverenga ndima 11–16, funga pamusoro pemaropafadzo ayo Muponesi aari kudururira pauri kuburikidza nebasa rinotungamirirwa nemakiyi aya. Semuenzaniso:

  • Ndima 11: Mosesi nemakiyi okuunganidzwa kweIsraeri (kana basa rehushumiri). Muponesi akakuropafadza sei iwe nemhuri yako kuburikidza nemabasa ehushumiri eChechi Yake?

  • Ndima 12: Eria nemakiyi evhangeri raAbrahama, kusanganisira chibvumirano chaAbrahama. Ishe vangakuropafadza sei iwe uye “zvizvarwa zvichauya mushure [mako]” nokuda kwezvibvumirano zvako? (Ona Russell M. Nelson, “The Everlasting Covenant,” Liahona, Gumiguru 2022, 4–11; Nhungamiro kuMagwaro Matsvene, “Eria,” Raibhurari yeVhangeri.)

  • Ndima 13–16; Eria nesimba rokusunganidza, zvakataridzwa kuburikidza nebasa remutemberi uye renhoroondo yemhuri. Sei uchifunga kuti Baba Vokudenga vanoda kuti uve wakabatanidzirwa kumadziteteguru ako kuburikidza nezvisungo zvemutemberi? (Ona Gerrit W. Gong, “Happy and Forever,” Liahona, Mbudzi 2022, 83–86.)

Ndokupi kuenderana kwaunoona pakati pamakii aya namabasa edu mubasa raMwari reruponeso nokusimudzirwa kumusoro-soro (kurarama vhangeri, kuriritira vanhu vanoshaya, kukoka vose kuti vagamuchire vhangeri, uye kubatanidza mhuri nokusingaperi)?

Ndezvipi zviitiko zvawakava nazvo nebasa raMwari reruponeso uye nokusimudzirwa kumusoro-soro? Zviitiko izvi zviri kukudzidzisa chii pamusoro peMuponesi, Chechi Yake uye neBasa Rake?

Tsvaka nzira dzokusanganisira vamwe. Kana uri kudzidzisa pamusoro peDzidziso neZvibvumirano 110:11–16, ungangofunga pamusoro pokukumbira mudzidzi woga woga kuti anzvere pamusoro paMosesi, Eria, kana Erija uye nemakii aakadzorera. Zvino vadzidzi vanokwanisa kugoverana izvo zvavawana. Maitiro akafanana neaya anosanganisira munhu wose mukudzidza nokudzidzisa. (Ona Teaching in the Savior’s Way,, 24–27).

­­­­­-

mufananidzo wechikamu chevana 03

Mazano eKudzidzisa Vana

Dzidziso neZvibvumirano 109:12–13; 110:1–7

Temberi imba yaIshe.

  • Iwe navana vako munokwanisa kutaura pamusoro pechimwe chinhu chamunoda pamusoro peimba yenyu. Zvino munokwanisa kutarisa pamufananidzo weTemberi yeKirtland uye moshandisa Dzidziso neZvibvumirano 109:12–13; 110:1–7 kutaura pamusoro pokuti temberi iyoyo yakakumikidzwa sei uye ikava imba yaIshe (onawo “Chapter 39: The Kirtland Temple Is Dedicated,” muDoctrine and Covenants Stories, 154, kana vhidhiyo inoenderana nazvo muGospel Library). Goveranai chimwe chinhu chamunoda pamusoro peimba yaIshe.

    2:17

    Chapter 39: The Kirtland Temple Is Dedicated: January–March 1836

  • Pamwe iwe nevana vako munokwanisa kufungidzira kuti shamwari iri kuedza kuwana imba yenyu. Tingabatsira sei shamwari yedu kuziva kuti imba yedu ndeipi? Tinoziva sei kuti temberi imba yaIshe? (ona Dzidziso neZvibvumirano 109:12–13).

Mufananidzo wechivezwa waKristu ari pedyo neTemberi yeRome Italy

Dzidziso neZvibvumirano 110

Muponesi ari kuropafadza vanhu Vake kuburikidza nemakii ehupirisita.

  • ­­­­Unokwanisa kushandisa peji yechiitwa yevhiki rino kana “Chapter 40: Visions in the Kirtland Temple” (muDoctrine and Covenants Stories, 155–57, kana vhidhiyo inoenderana nazvo muGospel Library) kutaurira vana pamusoro pavanhu vokudenga avo vakashanyira temberi. Unokwanisawo kushandisa mufananidzo uri kumagumo kwechidzidzo chino.

    1:17

    The Kirtland Temple

  • Kuti udzidze pamusoro pekukosha kwezvakaitika muTemberi yeKirtland, iwe navana vako munokwanisa kutaura pamusoro peizvo zvinoitwa nemakii. Pamwe vana vako vanokwanisa kutora majana okubata makii uye nokunyepedzera kuvhura mukova wakakiiwa. Vabatsire kuwana shoko rinoti makii muDzidziso neZvibvumirano 110:11–16, uye motaura pamusoro pamaropafadzo ayo makii aya aanokiinura. Ungangotsanangura kuti makii ehupirisita imvumo yaMwari yokutungamira Chechi Yavo. Govera ruvongo rwako rwekuti Ishe vakatipa makii ehupirisita.

Dzidziso neZvibvumirano 110:15

Ishe vanoda kuti nditendeutsire mwoyo wangu kumadziteteguru angu.

  • Mushure mekuverenga Dzidziso neZvibvumirano 110:15 pamwechete, taurira vana vako pamusoro pechiitiko chakabatsira kutendeutsira mwoyo wako kumadziteteguru ako. Munokwanisawo kuimba rumbo pamwechete pamusoro penhoroondo yemhuri.

  • Chii chingabatsira “kutendeutsira mwoyo” yevana vako kumadziteteguru avo? Munokwanisa kuwana mazano anonakidza pawebhusaiti inoti FamilySearch.org/discovery Munokwanisa kushanda pamwechete kudoma madziteteguru ayo anoda zvisungo zvemutemberi. Sei Jesu achida kuti tiite basa iri?

­-

Mosesi, Eria, naErija vachizviratidza muTemberi yeKirtland

Vision in the Kirtland Temple, (Chiratidzo muTemberi yeKirtland),, naGary E. Smith

peji yechiitwa yevana