Testamente Itsva 2023
Gumiguru 2–8. VaEfeso: “Kuti Vatsvene Vakwanisirwe”


“Gumiguru 2–8. VaEfeso: ‘Kuti Vatsvene Vakwanisirwe,’” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Testamente Itsva 2023 (2022)

“Gumiguru 2–8. VaEfeso,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2023

Mufananidzo
mhuri ichitarisa pamifananidzo

Gumiguru 2–8

VaEfeso

“Kuti Vatsvene Vakwanisirwe”

Unoona here kubatana kupi zvako pakati pemashoko ari mumusangano mukuru uye neemwadhi yaPauro kuva Efeso?

Nyora Pasi Manzwiro Ako

Apo vhangeri parakatanga kupararira muEfeso, rakakonzera “bope guru” (Mabasa AvaApositora 19:23) pakati pavaEfeso. Nyanzvi dzeumhizha dzemunzvimbo imomo idzo dzaigadzira nzvimbo dzekunamata mwarikadzi wechihedheni dzakaona chiKristu setyisidziro kumararamiro avo, uye nenguva diki “vakafa neshungu kwazvo, … uye guta rose rikakanganiswa kwazvo” (ona ona Mabasa avaApostora 19: 27–29). Imbofungidzira uri mutendeuki mutsva kuvhangeri mumamiriro ezvinhu akadaro. VaEfeso vazhinji vakagamuchira uye vakararama vhangeri pakati “pebope” iri (Mabasa AvaApositora 19:40), uye Pauro akavavimbisa kuti “Kristu … ndiye rugare rwedu” (VaEfeso 2:13–14). Mashoko aya, pamwepo nekukoka kwake kwekuti “shungu dzose, nokutsamwa, nehasha, nokupopota, nokutuka, ngazvibviswe” (VaEfeso 4:31), zvinoratidzika sezvakakodzera uye zvinonyaradza munguva yedu ino sezvazvaiva panguva iyoyo. KuvaEfeso, sokune mumwe nemumwe wedu, simba rekutarisana nedambudziko rinouya “muna Ishe, nomusimba rake guru” (ona VaEfeso 6:10–13).

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

VaEfeso 1:4–11, 17–19

Mwari vakasarudza, kana kuti vakafanogadza, ini kuti ndizadzikise mamwe mabasa panyika.

Pauro akataura nezve Vatendi kuti “vakafanotemerwa kare” naMwari uye “vakasanangurwa … nyika isati yavambwa” kuti vave vanhu Vavo. Zvisinei, sekutaura kwakaita Mutungamiri Henry B. Eyring kuti, izvi hazvirevi “kuti Mwari vakafanosarudza kuti ndevapi vevana Vavo Vavaizoponesa uye vakaita kuti vawane vhangeri, apo avo vasina kumbonzwa vhangeri havana kumbobvira ‘vasarudzwa.’ … Chirongwa chaMwari chine rudo neruenzaniso rwakanyanya kupfuura izvozvo. Baba vedu Vokudenga vanoda zvikurusa kuunganidza uye kuropafadza mhuri Yavo yose ” (“Gathering the Family of God,” Liahona, Chivabvu 2017, 20–21). Vose vana vaMwari vanokwanisa kutambira vhangeri uye zvisungo zvaro nokuda kwebasa rinoitirwa vakafa mumatemberi matsvene.

Kunyangwe zvazvo pasina munhu akafanorongerwa kuti aponeswe kana kusaponeswa, zvakazarurwa zvamazuva ano zvinodzidzisa kuti vamwe vevana vaMwari vakasarudzwa, kana “kufanogadzwa,” munyika tisati tazvarwa pasi pano kuti vazadzikise mamwe mabasa mukuzadzisa zvinangwa zvaMwari pasi pano. Apo paunoverenga VaEfeso 1 uye Misoro yeNyaya yeVhangeri, “Kufanogadzwa” (topics.ChurchofJesusChrist.org), fungisisa kuti chokwadi ichi chinoshanda sei kwauri.

VaEfeso 1:10

Mwari “vanozounganidza pamwechete muzvinhu zvose muna Kristu.”

Unofunga kuti sei zuva redu richidaidzwa kunzi “mukuwo wekuzara kwenguva”? Zvingava zvinorevei “kuunganidza pamwechete muzvinhu zvose muna Kristu”? Apo paunofungisisa ndevo idzi, verenga zvinyorwa zvitsvene zvinotevera: VaEfeso 4:13; 2 Nifai 30:7–8; Dzidziso neZvibvumirano 110:11–16; 112:30–32; 128:18–21. Ungangonzwa kukurudzirwa kuti unyore tsananguro dzako pachako dzendevo idzi.

VaEfeso 2:19–22; 3:1–7; 4:11–16

Chechi yakamisirwa pavaapositora nevaporofita, uye Jesu Kristu ndiye ibwe repakona guru racho.

Maererano naVaEfeso 2:19–22; 3:1–7; 4:11–16, sei tiine vaporofita nevaapositora? Funga pamusoro pemashoko anobva kuvaporofita nevaapositora awakanzwa panguva yemusangano mukuru. Dzidziso dzavo dzinozadzisa sei zvinangwa zvakatsanangurwa naPauro? Semuenzaniso, dzidziso idzi dzakakubatsira sei kuti “usadzingwe nemhepo ipi neipi zvayo yokudzidzisa”?

Jesu Kristu akaita seibwe repakona reChechi sei? Akaita seibwe repakona reupenyu hwako sei?

Onawo Mabasa AvaApositora 4:10–12.

Mufananidzo
ibwe rapakona rechivako

Jesu Kristu ndiye ibwe rapakona reChechi.

VaEfeso 5:216:4

Kutevera muenzaniso weMuponesi kunokwanisa kusimbisa hukama hwemhuri yangu.

Apo paunoverenga, VaEfeso 5:21–6:4, funga pamusoro pekuti rairo iri mundima idzi inokwanisa sei kusimbisa hukama hwemhuri yako.

Zvakakosha kuti ucherechedze kuti mashoko aPauro muna VaEfeso 5: 22-24 akanyorwa mumamiriro ezvinhu etsika dzemagariro evanhu enguva yake. Vaporofita nevaapositora nhasi vanodzidzisa kuti varume havana hukuru kupfuura madzimai uye kuti varume nemadzimai vakachata vanofanirwa kuva “vabatidzani vakaenzana” (ona “Mhuri: Chiziviso kuNyika,” ChurchofJesusChrist.org). Kunyangwe zvakadaro, unokwanisa kuwana rairo yakakodzera muna VaEfeso 5: 25-33. Semuenzaniso, Kristu anoratidza sei rudo Rwake rweVatendi? Izvi zvinorevei pamusoro pemabatanirano anofanira kuita varume nemadzimai vakachata, sevabatidzani vakaenzana? Ndeapi mashoko aunowana akanangana newe mundima idzi?

VaEfeso 6:10–18

Nguwo yedziviriro yaMwari inozobatsira kundidzivirira kubva kuhuipi.

Apo paunoverenga VaEfeso 6:10–18, funga pamusoro pekuti sei Pauro akatumidza chikamu chimwe nechimwe chenguwo yedziviriro nenzira yaakatumidza nayo. “Nhumbi dzose dzokurwa nadzo dzaMwari” dzinokudzivirira kubva pachii? Chii chaungakwanisa kuita kuti upfeke zvakanyanya kuzara chikamu chimwe nechimwe chenguwo yedziviriro zuva nezuva?

Onawo 2 Nifai 1:23; Dzidziso neZvibvumirano 27:15–18.

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

VaEfeso 1:10.Kuti vadzidzise pamusoro pendima iyi, Gosa David A. Bednar vakashandisa muenzaniso wetambo (ona “Gather Together in One All Things in Christ”). Funga pamusoro pekuratidza nhengo dzemhuri tambo uye uchiita kuti vaibate nokuiongorora apo paunenge uchigovera zvikamu zveshoko raGosa Bednar. Mwari vari kuunganidza sei zvinhu zvose pamwechete muna Kristu? Tinoropafadzwa sei nokuda kwekuunganidza uku?

VaEfeso 2:4–10; 3:14–21.Koka nhengo dzemhuri kuti dzigovere zviitiko umo mavakanzwa rudo nengoni dzaMwari naJesu Kristu zvinotsanangurwa mundima idzi.

VaEfeso 2:12–19.Mhuri yako ingangonakidzwa nekuvaka masvingo vachishandisa mitsamiro kana zvimwe zvinhu zvamuinazvo pamba uye zvino vozoaputsira pasi. Apo Pauro paakataura nezve “rusvingo” rwaiva pakati pevaJentairi nevaJuda, marudzi api emasvingo anoparadzanisa vanhu nhasi? Jesu Kristu “akaputsa” sei masvingo aya? “Anoyananisa [isu] kuna Mwari” sei? (ndima 16).

VaEfeso 6:10–18.Mhuri yako inokwanisa kugadzira “nguwo dzedziviriro yaMwari” vachishandisa zvinhu zvemumba.   Nguwo yedziviriro imwe neimwe inotidzivirira sei pane zvepamweya? Chii chatingakwanise kuita kuti tibatsirane “kupfeka nhumbi dzose dzokurwa nadzo dzaMwari” (VaEfeso 6:11) mazuva ese?

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muHuyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

Rumbo rwakapuwa: “Mununuri waIsraeri,” NziyonedzeVana Vadiki, nhamba 8.

Kunatsurudza Kunzvera Kwako Wega

Rega Mweya utungamirire kunzvera kwako. Iva unoteereresa kuMweya apo paAnokutungamirira kuzvinhu zvaunofanira kudzidza zuva rega rega, kunyangwe kana izvi zvikakutungamirira kunzvera musoro wenyaya wawanga usina kuronga pakutanga.

Mufananidzo
murume ari munguwo dzedziviriro dzenguva yeTestamente Itsva

Kupfeka nguwo dzaMwari dzedziviriro kunokwanisa kutidzivirira pane zvepamweya.

Dhinda