Testamente Itsva 2023
Gumiguru 23–29. 1 na2 Timotio; Tito; Firemoni “Uitire Vanotenda Makwara”


“Gumiguru 23–29. 1 na2 Timotio; Tito; Firemoni ‘Uitire Vanotenda Makwara,’” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Testamente Itsva 2023 (2022)

“Gumiguru 23–29. 1 na2 Timotio; Tito; Firemoni,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2023

Mufananidzo
madzimai matatu achifamba panze petemberi

Gumiguru 23–29

1 na2 Timotio; Tito; Firemoni

“Uitire Vanotenda Makwara”

Dzimwe nguva zvinobatsira kunzvera magwaro matsvene ako nemubvunzo mumwechete kana miviri mupfungwa. Koka Mweya kuti ukutungamire kumhinduro apo paunonzvera, uye nyora pasi femero ipi zvayo yaunotambira.

Nyora Pasi Manzwiro Ako

Mumwadhi iyo Pauro yaakanyora kuna Timotio, Tito, naFiremoni, tinonzwisisa zvishoma mwoyo womuranda waIshe. Mukusiyana nedzimwe mwadhi dzaPauro kumagungano ose, idzi dzakanyorwa kuvanhu pachavo—shamwari dzapedyo dzaPauro uye navashandidzana vake mubasa raMwari—uye kudziverenga kwakafanana nokuteerera kuhurukuro. Tinoona Pauro achikurudzira Timotio naTito, vatungamiri vaviri vemagungano, mukushandira kwavo muChechi. Tinomuona achikurudzira nesimba shamwari yake Firemoni kuti ayanane nemumwe wake Mutendi uye amubate sehama muvhangeri. Mashoko aPauro aiva asingataurwi kwatiri chaiko, uye angangova asina kumbotarisira kuti vanhu vakawanda kudaro vaizoaverenga nerimwe zuva. Asi zvakadaro tinowana mumwadhi idzi rairo uye kurudziro kwatiri, zvisinei nokuti hushumiri hwedu pachedu mukushandira Kristu hwungava hupi zvahwo.

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Timotio naTito vaiva vanaani?

Timotio naTito vakanga vashandira Pauro pane dzimwe nzendo dzake dzehushumiri. Munguva yokushandira kwavo, vakawana ruremekedzo neruvimbo rwaPauro. Timotio pashure akazodaidzwa semutungamiri weChechi muEfeso, uye Tito akadaidzwa somutungamiri muKrete. Mumwadhi idzi, Pauro akapa Timotio naTito rairidzo uye kurudziro maererano namabasa avo, ayo aisanganisira kuparidza vhangeri uye kudaidza varume kuti vashandire samabhishopi.

Onawo Nhungamiro kuMagwaro “Mwadhi dzaPauro,” “Timotio,” “Tito.”

Mufananidzo
vashumiri vaviri vachitaura kumurume

“Munhu ngaarege kuvapo unozvidza vuduku hwako; asi uitire vanotenda makwara” (1 Timotio 4:12).

1 Timotio 4:10–16

“Uitire vanotenda makwara.”

Timotio aiva muduku zvikuru, asi Pauro aiziva kuti aikwanisa kuva mutungamiri weChechi akasimba zvisinei nohuduku hwake. Ndeipi rairo iyo Pauro yaakapa kuna Timotio muna 1 Timotio 4:10–16? Rairo iyi ingakwanisa sei kukubatsira kutungamirira vamwe kuMuponesi nevhangeri Rake?

(Onawo Aruma17:11.

2 Timotio

“Nokuti Mwari havana kutipa mweya wokutya, asi wesimba, noworudo, nowokuzvidzora.”

2 Timotio inotendwa kuva mwadhi yokupedzisira iyo Pauro yaakanyora, uye zvinoratidzika kuti aiziva kuti nguva yake panyika yaiva pfupi (ona 2 Timotio 4:6–8). Timotio angange akanzwa sei, achiziva kuti nechinguva chipfupi angange asisina mutungamiri nomurairidzi wake waaivimba naye? Chii chakataurwa naPauro kumukurudzira? Ungangoverengawo nezvinetso nezvityo zvako pachako mupfungwa. Ndeapi mashoko etarisiro nekurudziro ayo Ishe avanawo kwauri muna 2 Timotio?

­

2 Timotio 3

Kurarama vhangeri kunopa ruchengeteko kubva kunjodzi dzezvapamweya dzamazuva ekupedzisira.

Tirikurarama “mumazuva ekupedzisira” ayo Pauro aakataura nezvawo, uye “nguva dzokutambudzika” dzasvika (2 Timotio 3:1). Apo paunoverenga 2 Timotio 3. nyora pasi njodzi dzamazuva ekupedzisira idzo dzakataurwa (onawo 1 Timotio 4:1–3):

Unokwanisa kufunga here nezve mienzaniso yenjodzi idzi munyika yakakukomberedza—kana muupenyu hwako pachako? Njodzi idzi, savanhu vakatsanangurwa mundima 6, vano “nyeverera [mumba mako], uye vokutungamirira kuutapwa”? Irairo dzipi dzaunowana muna 2 Timotio 3, uye nokumwewo mumwadhi idzi, idzo dzinokwanisa kukuchengeta iwe nemhuri makachengeteka kubva kunjodzi dzezvepamweya idzi? (ona, somuenzaniso, 1 Timotio 1:3–11; 2 Timotio 2:15–16; Tito 2:1–8).

Firemoni aiva ani?

Firemoni aiva muKristu uyo akanga atendeutswirwa kuvhangeri naPauro. Firemoni aiva nenhapwa yainzi Onesimo, uyo akatizira kuRoma. Ikoko Onesimo akasangana naPauro uye akatendeukira kuvhangeri. Pauro akatuma Onesimo kudzokera kuna Firemoni netsamba achikurudzira Firemoni kuti atambire Onesimo “kwete semuranda, asi somunhu unopfuvura muranda, hama inodikanwa” (Firemoni 1:16).

Firemoni

Vadzidzi vaJesu Kristu vanobatana sehama.

Apo paunoverenga mwadhi yaPauro kuna Firemoni, fungisisa mashandisiro aungaita rairo yake muukama hwako navamwe. Pazasi pane mimwe mibvunzo yaunokwanisa kufunga pamusoro payo:

  • Ndima 1–7: Mashoko akafanana neanoti “unobata nesu” uye “murwi pamwechete nesu” anotaurei kwauri pamusoro peukama pakati paVatendi? Ndiriini pawakanzwa “kuzorodzwa” nehama muna Kristu.

  • Ndima 8–16: Chii chinorehwa “nokuraira kuita” uye “kukumbira zvikuru”? Sei Pauro akasarudza kukumbira zvikuru Firemoni pane kumuraira kuita? Chii icho Pauro chaaitarisira kuti chinozobudirirwa pachiri nokutuma Onesimo kudzokera kuna Firemoni?

  • Ndima 16: Zvinorevei “hama inodikanwa … muna Ishe”? Unoziva here mumwe munhu waunofanira kutambira munzira iyi?

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

1 Timotio 2:9–10.Zvinorevei “kuzvishongedza … namabasa akanaka”? Ndeapi mamwe mabasa akanaka ayo mhuri yedu yaanokwanisa kuita vhiki rino? Mungangoimba pamwechete rumbo pamusoro pokuita zvakanaka, sezvakaita “Ita Zvakanaka” (Nziyo nedzeVana Vadiki, nhamba 223).

1 Timotio 4:12.Kubatsira nhengo dzemhuri yako kuti dzide “kuitira vanotenda makwara,” funga pamusoro pokuvakoka kuti vadhirowe mifananidzo yavanhu avo vanga vari mienzaniso yakanaka kwavari. Vanhu ava vakatikurudzira sei kutevera Jesu Kristu? Shoko raMutungamiri Thomas S. Monson rinoti “Iva Muenzaniso uye Chiedza” (Liahona, Mbudzi 2015, 86–88) rinokwanisa kupa mamwe mazano pakuti tingava sei muenzaniso kuna vamwe.

1 Timotio 6:7–12. Sei uchifunga kuti “kuda mari ndiwo mudzi wezvakaipa zvose”? Ndedzipi njodzi dzokunangisa upenyu hwedu pamari kana papfuma? Tingakwanisa kugutsikana sei namaropafadzo atinawo?

2 Timotio 3:14–17.Maererano nendima idzi, ndeapi maropafadzo anouya kuna avo vanoziva uye vanonzvera magwaro matsvene? Pamwe nhengo dzemhuri dzinokwanisa kugovera magwaro matsvene avakawana kuti anonyanya “kubatsira”.

Firemoni 1:17–21.Chii icho Pauro chaaida kuitira Onesimo? Izvi zvakafanana sei neizvo Muponesi zvaakatiitira nechido? (onawo 1 Timotio 2:5–6; Dzidziso neZvibvumirano 45:3–5). Tingatevera sei muenzaniso waPauro uye weMuponesi?

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muHuyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

­

Kunatsurudza Kudzidzisa Kwedu

Dzidzisa dzidziso dzakajeka uye dzakareruka. Vhangeri raIshe rakanaka pakuva nyore kwaro (ona Dzidziso neZvibvumirano 133:57). Pane kuedza kunakidza mhuri yako nezvidzidzo zvinoda gadziriro zhinji, edza kudzidzisa dzidziso dzechokwadi uye dzakareruka (ona 1 Timotio 1:3–7).

Mufananidzo
vana vaviri vachinzvera magwaro matsvene

“Kubvira paucheche hwako wakaziva zvinyorwa zvitsvene zvinogona kukupa vuchenjeri hunoisa kukuponesa nokutenda kuri muna Jesu Kristu ” (2 Timotio 3:15).

Dhinda