Testamente Itsva 2023
Gunyana 25–Gumiguru 1. VaGaratia: “Fambai muMweya”


Gunyana 25–Gumiguru 1. VaGaratia: ‘Fambai muMweya,’” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Testamente Itsva 2023 (2022)

Gunyana 25–Gumiguru 1. VaGaratia,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2023

Mufananidzo
Kristu achizviratidza kuna Pauro mutirongo

Muponesi akamuka kuvakafa akashanyira Pauro mutirongo (ona Mabasa AvaApositora 23:11). Jesu Kristu anokwanisa kutisunungura kubva “kujoko rousungwa” (VaGaratia 5:1).

Gunyana 25–Gumiguru 1.

VaGaratia

“Fambai muMweya”

Apo paunoverenga VaGaratia, nyora pasi manzwiro aunotambira. Kuita kudaro kunozokubatsira kuarangarira uye nokuafungisisa mune ramangwana.

Nyora Pasi Manzwiro Ako

Vhangeri raJesu Kristu rinopa rusununguko kubva kuusungwa hwepamweya. Asi dzimwe nguva vanhu vanenge vakawana rusununguko rwevhangeri vanofuratira kubva kwariri uye “voda zvakare kuva muusungwa” (VaGaratia 4:9). Izvi ndizvo izvo vamwe Vatendi vechiGaratia zvavaiita—vaifuratira kubva kurusununguko urwo Kristu rwaakanga avapa (ona VaGaratia 1:6). Mwadhi yaPauro kuvaGaratia, panguva iyoyo, yaiva daidzo yokukurumidza kudzoka “kurusununguko urwo Kristu rwaakatiita narwo kuti tive vakasununguka” (VaGaratia 5:1). Daidzo iyi ndeiyo yatinofanirawo kunzwa uye nokuteerera nokuti apo mamiriro ezvinhu achishanduka, kutambura pakati perusununguko nousungwa kunogara kuripo. Sokudzidzisa kwakaita Pauro, hazvina kukwana “kudanirwa kurusununguko” (VaGaratia 5:13); tinofanirawo “kumira nesimba” marwuri (VaGaratia 5:1) nokuvimba pana Kristu.

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

VaGaratia 1–5

Mutemo waKristu unoita kuti ndisununguke.

Pauro akanyora kuVatendi vechiGaratia apo paakaziva kuti vaiva vari kutungamirirwa kurutsauko nedzidziso dzenhema (ona VaGaratia 1 6–9). Imwe yedzidziso idzi yaiva yokuti kuitira kuti vaponeswe, vaJentairi avo vakanga vatambira vhangeri vaifanira kudzingiswa uye kuchengeta dzimwe tsika dzemutemo waMosesi (ona VaGaratia 2). Pauro akadaidza tsika idzi kuti “joko rousungwa” (VaGaratia 5:1). Apo paunoverenga rairo yaPauro kuvaGaratia, tsvaka misimboti iyo inokwanisa kukubatsira kunzwisisa kuti rusununguko rwechokwadi chii. Unokwanisawo kufungisisa kuti ndedzipi tsika dzenhema kana mamwe majoko eusungwa zvingangovapo muupenyu hwako. Pane chimwe chinhu here chingakudzivirira kubva mukuwana rusununguko urwo vhangeri rwarunopa? Jesu Kristu nevhangeri Rake zvakaita kuti “[uve] wakasungunuka sei”? (VaGaratia 5:1).

Onawo 2 Nifai 2:27; 9:10–12.

VaGaratia 3

Ndiri mugari wenhaka kumaropafadzo akavimbiswa kuna Abrahama.

Vamwe Vatendi vechiGaratia vainetsekana kuti nokuda kwokuti vaiva vasiri zvizvarwa chaizvo (“zvibereko”) zvaAbrahama, vaisazogamuchira maropafadzo akavimbiswa kuna Abrahama, kusanganisira kusimudzirwa kumusoro-soro. Maererano naVaGaratia 3:7–9, 13–14, 27–29, chii chinoita kuti munhu akodzere kuva “chibereko chaAbrahama”?

Kuti udzidze pamusoro pamaropafadzo akavimbiswa kuna Abrahama uye maropafadzo ayo atinokwanisa kugara nhaka sezvibereko zvake, ona Misoro yeNyaya yeVhangeri, “Chibvumirano chaAbrahama,” topics.ChurchofJesusChrist.org. Sei maropafadzo akavimbiswa kuna Abrahama akakosha kwauri?

VaGaratia 3:6–25

Abrahama akanga ane vhangeri raJesu Kristu.

Muporofita Joseph Smith akatsanangura kuti “Hatikwanisi kutenda kuti vechinyakare munguva dzose vaiva vasingazivi nezve hurongwa hwemitemo inotonga kudenga sokufungidzira kunoita vakawanda, sezvo avo vose vakaponeswa, vakaponeswa kuburikidza nesimba rechirongwa chorununuro chikuru ichi, samaitikiro azvaiita Kristu asati auya uye samaitikiro azvinoita kubvira auya. … Abrahama akapa chibairo, uye zvisinei neizvi, akaita kuti Vhangeri riparidzwe kwaari” (“The Elders of the Church in Kirtland to Their Brethren Abroad,” The Evening and the Morning Star, Kurume 1834, 143, JosephSmithPapers.org). Sei uchifunga kuti zvaiva zvakakosha kuVatendi munguva yaPauro kuziva kuti Abrahama navamwe vaporofita vechinyakare vakanga vane vhangeri raJesu Kristu? Sei zvakakosha kwauri kuti uzive izvi? (Ona Heramani 8:13–20; Moses 5:58–59; 6:50–66.)

­

VaGaratia 5:13–26; 6:7–10

Kana “ndikafamba muMweya,” ndinozotambira “zvibereko zvoMweya.”

Kunzvera ndima idzi kunokwanisa kukubatsira kuwongorora kuti unofamba zvakazara zvakadii muMweya. Uri kuwana here zvibereko zvoMweya zvakataurwa mundima 22–23? Ndezvipi zvimwe zvibereko, kana mibairo, yokurarama pazvomweya yawakacherechedza? Fungisisa pamusoro peizvo zvaunofanira kuita kuti tikurudzire zvakanyanya kuzara zvibereko izvi? Kukurudzira zvibereko izvi kunganatsurudza sei ukama hwakakosha muupenyu hwako?

Mufananidzo
maapuro ari mumuti

Ndinofanira kutsvaka “zvibereko zvoMweya” muupenyu hwangu.

Kana uri kuedza kufamba muMweya asi kuedza kwako hakuratidziki sokuri kuburitsa zvibereko zvakavimbiswa, verenga VaGaratia 6:7–10. Nderipi shoko raunonzwa kuti Ishe vanaro kwauri mundima idzi?

Onawo Aruma 32:28, 41–43; Dzidziso neZvibvumirano 64:32–34.

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

VaGaratia 3:11.Zvinorevei “kurarama norutendo”? Tiri kurarama sei norutendo semhuri?

VaGaratia 4:1–7.Ungangosuma VaGaratia 4 nokukurukura misiyano pakati pavaranda vamambo uye navana vake. Ndeipi mikana kana kwaniso mwana wamambo yaanayo iyo muranda yaasina? Funga pamusoro peizvi apo paunoverenga ndima 1–7. Ndima idzi dzinotidzidzisa chii pamusoro peukama hwedu naBaba Vokudenga?

VaGaratia 5:16–26.Funga pamusoro pokukurukura musiyano pakati “pamabasa enyama” uye “zvibereko zvoMweya.” Kuti muwedzere mafaro kuhurukuro yenyu, mhuri yenyu inokwanisa kunyora pazvipepa mashoko ayo Pauro aakashandisa kutsanangura zvibereko zvoMweya uye vonamira zvipepa zvacho pamichero yakasiyana siyana. Zvino nhengo yega yega inokwanisa kusarudza muchero mumwechete, youtsanangura, uye otaura pamusoro pemumwe munhu anova muenzaniso wemuchero iwoyo. Izvi zvinokwanisa kutungamira kuhurukuro pamusoro penzira idzo mhuri yenyu yadzinokwanisa kukoka nadzo Mweya mumba menyu uye nokukurudzira zvibereko izvi. Mushure mehurukuro, munokwanisa kunakirwa nesaradhi yemichero pamwechete.

VaGaratia 6:1–2.Pangangova nenguva idzo mumwe munhu mumhuri yenyu “paanobatwa panokumwe kudarika.” Ndeipi rairo yaunowana muna VaGalatia 6:1–2 pamusoro pezvokuita mumamiriro ezvinhu akadaro?

VaGaratia 6:7–10.Kana mhuri yenyu yakambodyara chimwe chinhu pamwechete, unokwanisa kushandisa chiitiko ichocho kuratidza musimboti wokuti “izvo zvinodyara munhu, ndizvo zvaanokohwa” (ndima 7). Kana kuti unokwanisa kubvunza nhengo yemhuri pamusoro pemichero kana miriwo yavanonyanya kufarira uye izvo zvazvinotora kurima chirimwa chinobereka chokudya ichocho. (Ona mufananidzo uri kumagumo echirongwa chechidzidzo chino.) Munokwanisa kutaura pamusoro pemaropafadzo ayo mhuri yenyu yaanotarisira kugamuchira uye “makohwero” okuita maropafadzo iwayo.

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muHuyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

Rumbo rwakapuwa: “Ndidzisei Kufamba Muchiedza,” Nziyo nedzeVana Vadiki, 128.

Kunatsurudza Kudzidzisa Kwedu

Batsira mhuri yako kufananidza magwaro matsvene kwavari. Nifai akati, “Ndakafananidza magwaro matsvene ose kwatiri, kuitira kuti zvigova zvepundutso yedu nedzidzo yedu” (1 Nifai 19:23). Kubatsira mhuri yako kuita izvi, unokwanisa kuvakoka kuti vafungisise pamusoro penguva apo pavakawana michero yoMweya yakatsanangurwa muna VaGaratia 5:22–23. (Ona Teaching in the Savior’s Way,21.)

Mufananidzo
mapeya mumuti

Pauro akadzidzisa kuti apo patinofamba muMweya, tinozowana “zvibereko zvoMweya” muupenyu hwedu.

Dhinda