Testamente Itsva 2023
Gumiguru 9–15. VaFiripi; VaKorose: “Ndingaita Zvose naKristu Unondipa Simba”


“Gumiguru 9–15. VaFiripi; VaKorose: ‘Ndingaita Zvose naKristu Unondipa Simba,ʼ” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Testamente Itsva 2023 (2022)

“Gumiguru 9–15. VaFiripi; VaKorose,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2023

Mufananidzo
Pauro achiraira zvekunyora mutsamba ari mutirongo

Gumiguru 9–15

VaFiripi; VaKorose

“Ndingaita Zvose naKristu Unondipa Simba”

Wakapedzisira riinhi kuverenga manzwiro ezvepamweya awakanyora pasi mukunzvera kwako kweTestamente Itsva? Zvingangova zvinobatsira kuongorora kurudziro dzawanga uchigamuchira.

Nyora Pasi Manzwiro Ako

Pauro akanyora mwadhi dzake kuvaFiripi navaKorose apo paakanga ari musungwa muRoma. Asi tsamba idzi hadzina manzwiro aungatarisira kubva kune mumwe munhu ari mutirongo. Pauro akataura zvakawanda pamusoro perudekaro, mufaro, uye nekupa ruvongo kupfuura zvaakaita pamusoro pematambudziko nemiedzo:“Kristu anoparidzwa,” akadaro, “ndinofara nazvo, uye, ndichasifara hangu nazvo” (VaFiripi 1:18). Uye “kunyangwe ndisipo panyama, ndiripo nemi pamweya, ndinofara ndichiona … nokusimba kwokutenda kwenyu muna Kristu” (VaKorose 2:5). Zvirokwazvo, “rugare rwaMwari” urwo Pauro rwaakava narwo mumamiriro ezvinhu ake akaoma “runopfuura kunzwisisa kwose” (VaFiripi 4:7), asi kunyangwe zvakadaro chaive chokwadi. Mumiedzo yedu pachedu, tinokwanisa kunzwa runyararo rumwecheterwo urwu uye “tichifara munaIshe nguva dzose” (VaFiripi 4:4). Tinokwanisa, sezvakaita Pauro, kuvimba zvizere naJesu Kristu, “watinedzikinuro maari” (VaKorose 1:14). Tinokwanisa kutaura kuti, sezvakaita Pauro (“Ndingaita zvose naKristu unondipa simba” (VaFiripi 4:13; onawo VaKorose 1:11).

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

VaFiripi 2:5–11; VaKorose 1:12–23

Rutendo rwangu rwakamisirwa pana Jesu Kristu.

Mutungamiri Russell M. Nelson vakati apo pavakanangisa kunzvera magwaro matsvene kwavo pandima dziri pamusoro paJesu Kristu, zvakava neshanduro hurusa pavari zvekuti vakanzwa kunge “munhu akasiyana!” (“Drawing the Power of Jesus Christ into Our Lives,” Liahona, Chivabvu 2017, 39). Funga pamusoro pekutevera muenzaniso wavo apo paunoverenga VaFiripi uye VaKorose (ona kunyanya VaFiripi 2:5–11; VaKorose 1:12–23). Chii chaunodzidza pamusoro peMuponesi? Zvokwadi izvi zvingakwanisa sei kukubatsira kuva “murume kana mudzimai akasiyana?”

VaFiripi 2:12–13

“Tinopedzisa kuponeswa [kwedu] pachedu here”?

Vamwe vanhu vanoshandisa ndevo yekuti “pedzisa kuponeswa kwenyu” (VaFiripi 2:12) kutsigira pfungwa yekuti tinoponeswa kuburikidza chete nekuedza kwedu pachedu. Vamwe vanoshandisa dzidziso yaPauro yekuti “makaponeswa nenyasha, nokutenda” (VaEfeso 2:8) kutaura kuti hapana mabasa anodikanwa kuitira ruponeso. Zvisinei, magwaro matsvene, kusanganisira zvinyorwa zvaPauro, zvinodzidzisa zviri pachena kudikanwa kwezvose nyasha dzaJesu Kristu uye nekuedza kwako pachako kuitira kuti ugamuchire ruponeso. Uye kunyangwe mukuedza kwedu kukuru kushandira ruponeso rwedu, “ndiye Mwari unoita mukati mako” (VaFiripi 2:13; VaFiripi 1:6; 2 Nifai 25:23; Nhungamiro kuMagwaro Matsvene“Nyasha”).

VaFiripi 3:4–14

Vhangeri raJesu Kristu rakakodzera kuzvipira kwose.

Pauro akasiya zvakawanda paakatendeukira kuvhangeri raJesu Kristu, kusanganisira chinzvimbo chinesimba chaaiva nacho munzanga yavaJuda semuFarise. Muna VaFiripi 3:4–14, tsvaga izvo zvakawanikwa naPauro nokuda kwokuti aiva nechido chekuzvipira kuitira vhangeri. Akanzwa sei pamusoro pekuzvipira kwake?

Zvino funga pamusoro pehudzidzi hwako pachako. Chii chawakazvipira kuitira vhangeri raJesu Kristu? Zvii zvawakagamuchira? Pane here kumwezve kuzvipira kwaunonzwa kuti unofanira kuita kuti uve mudzidzi akanyanya kuzvipira weMuponesi?

Onawo 3 Nifai 9:19–20; Dzidziso neZvibvumirano 58:2–5.

VaFiripi 4:1–13

Ndinokwanisa kuwana mufaro muna Kristu, zvisinei nemamiriro ezvinhu angu.

Upenyu hwaPauro mufananidzo wakajeka zvikurusa wechokwadi chakataurwa neMutungamiri Russell M. Nelson chekuti: “Apo nangiso yeupenyu hwedu painova pana … Jesu Kristu nevhangeri Rake, tinokwanisa kunzwa mufaro zvisinei nezviri kuitika kana zvisiri kuitika—muupenyu hwedu. Mufaro unouya kubva kwaAri uye nokuda Kwake ”(“Joy and Spiritual Survival,” Liahona, Mbudzi 2016, 82).

Apo paunoverenga VaFiripi—kunyanya chitsauko 4—tsvaka zvirevo zvinokwanisa kukubatsira kuwana mufaro mumamiriro ezvinhu api zvawo eupenyu hwako. Ndiriinhi pawakanzwa “rugare rwaMwari” panguva yezvinetso? (ndima 7). Ndirinhi pakawana simba “kuburikidza naKristu” rekuita zvinhu zvakaoma? (ndima 13). Sei uchifunga kuti zvakakosha “kugutsikana” mumamiriro ezvinhu ose? (ndima 11). Kushandisa hunhu hunowanikwa mundima 8 kungakubatsira sei kuwana mufaro mumamiriro ezvinhu ako?

Ona Aruma 33:23.

VaKorose 3:1–17

Vadzidzi vaJesu Kristu vanova “vatsva” apo pavanorarama vhangeri Rake.

Ungakwanisa sei kuziva kuti Jesu Kristu ari kukubatsira kuva “murume [kana mudzimai] mutsva” Imwe nzira yekufungisisa izvi ndeyekuongorora VaKorose 3:1–17 uye woita mudorongodzwa wemafungiro, hunhu, uye zviito “zvemunhu wekare” uye mumwe mudorongodzwa wemafungiro, hunhu, uye zviito “zvemunhu mutsva.”

Nyora pasi pfungwa dzako pamusoro pemashanduriro aurikuitwa neMuponesi, kuitira kuti uzokwanisa kudziongorora mune ramangwana uye wofungisisa mafambiro mberi aurikuita.

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

VaFiripi.Mhuri yako ingangocherechedza mashoko anoti mufaro kana fara anodzokororwa kazhinji muna VaFiripi. Nguva yega yega yaunosangana nerimwe remashoko aya, unokwanisa kumira uye wokurukura zvakadzidziswa naPauro pamusoro pemawaniro emufaro.

VaFiripi 2:14–16.Tingakwanisa sei “kupenya sechiedza panyika”?

VaFiripi 4:8.Nhengo dzemhuri dzinokwanisa kutsvaga zvinhu “zvekufunga pamusoro pazvo” zvinoenderana netsananguro iri mundima ino (onawo Misimboti yeChitendero 1:13). Mhuri yako ingaropafadzwa sei nekutevera rairo yaPauro?

VaKorose 1:23; 2:7.Pamwe mhuri yako inokwanisa kuverenga ndima idzi yakagara pamuti kana kuti yakatarisa pamufananidzo wemuti (seuyo uri muchidzidzo chino). Zvinorevei kuva “wakarambira” uye “uine midzi” muna Kristu? Tingakwanisa sei kubatsirana kusimbisa midzi yedu yezvepamweya?

VaKorose 2:2–3.Mhuri yako ingangonakidzwa nekuzadza “bhokisi rezvinokosha” nezvinhu zvinomiririra “pfuma” uye “pfuma youchenjeri nokuziva” yaunowana muvhangeri.

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muHuyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

Rumbo rwakapuwa: “Tichaimba Tichikudza Zita raJesu,” Nziyo nedzeVana Vadiki, nhamba 48.

Kunatsurudza Kudzidzisa Kwedu

Rarama uchapupu hwako “Unodzidzisa izvo zvauri iwe,” Gosa neal A. Maxwell vakadzidzisa. “Tsika dzako dzinozonyanya kurangarirwa … kupfuura chimwe chokwadi mune chimwe chidzidzo” (muTeaching in the Savior’s Way, 13).

Mufananidzo
muti une midzi yakawanda

Pauro akadzidzisa kuti rutendo rwedu rwunofanira “kudzika midzi” muna Jesu Kristu (VaKorose 2:7).

Dhinda