Testamente Itsva 2023
Gumiguru 16–22. 1 na2 VaTesaronika: “Zadzisai Zvakatairika paKutenda Kwenyu”


“Gumiguru 16–22. 1 na2 VaTesaronika: ‘Zadzisai Zvakatairika paKutenda Kwenyu,’” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Testamente Itsva 2023 (2022)

“Gumiguru 16–22. 1 na2 VaTesaronika,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2023

Mufananidzo
vashumiri vechisisita vachitaura kumukomana wechidiki

Gumiguru 16–22

1 na2 VaTesaronika

“Zadzisai Zvakatairika paKutenda Kwenyu”

Kana tikasanyora pasi manzwiro atinotambira kubva kuMweya, tingangoakanganwa. Chii chaunokurudzirwa neMweya kunyora pasi apo paunoverenga 1 na2 VaTesaronika?

Nyora Pasi Manzwiro Ako

MuTesaronika, Pauro naSirasi vakapomerwa mhosva “yokukanganisa nyika yose” (Mabasa AvaApositora 17:6). Kuparidza kwavo kwakashatirisa vamwe vatungamiri pakati pavaJuda, uye vatungamiri ava vakamutsidzira vanhu kuita nyonganyonga (ona Mabasa AvaApositora 17:1–10). Semhedzisiro, Pauro naSirasi vakarairwa kuti vabve muTerasonika. Pauro akanetsekana pamusoro pavatendeuki vatsva vemuTerasonika uye rutambudzwo rwavaiva vakatarisana narwo, asi haana kukwanisa kudzokera kunovashanyira. “Zvandakanga ndisisagoni kutsunga,” akanyora, “ndakamutuma kuti ndizive kutenda kwenyu.” Mumhinduro, Timotio mubatsiri waPauro, uyo akanga achishandira muTesaronika, “akativudza mashoko akanaka ekutenda kwenyu norudo rwenyu” (1 VaTesaronika 3:5–6). Chokwadi ndechokuti, Vatendi vechiTesaronika vaizivikanwa semienzaniso “vose vanotenda” (1 VaTesaronika 1:7), uye nyaya yorutendo rwavo yakapararira kumaguta ekune dzimwe nyika. Funga mufaro nokurerukirwa kwaPauro kunzwa kuti basa rake pakati pavo “hakuna kuva pasina” (1 VaTesaronika 2:1). Asi Pauro aiziva kuti rutendeko rwakare haruna kuringana kuitira kupona pane zvepamweya muneramangwana, uye aiva akangwarira runziro yevadzidzisi venhema pakati paVatendi (ona 2 VaTesaronika 2:2–3). Shoko rake kwavari, uye nokwatiri, ndere kuenderera mberi “kuzadzisa zvakatairira pakutenda [kwedu]” uye “kuwanza nokuwanzisisa” murudo (ona 1 VaTesaronika 3:10; 4:10).

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

1 VaTesaronika 1–2

Vadzidzi vaKristu vanoshandira vamwe nemwoyo wose uye norudo.

Muna 1 VaTesaronika, mashoko aPauro anoratidza zvose runetsekano uye mufaro zvomumwe munhu akazvipira zvakazara kushandira vana vaMwari. Kunyanya muzvitsauko zviviri zvemuna 1 VaTesaronika, unozowana mashoko uye ndevo izvo zvinotsanangura hunhu uye nezviito zvemudzidzi waIshe. Somuenzaniso, chii chaunodzidza kubva kuna 1 VaTesaronika1:5–8; 2:1–13 pamusoro pokushandira Ishe?

Funga pamusoro pemikana yako pachako yokushandira Mwari nevana Vavo. Chii chaunowana muzvitsauko izvi zvinokukurudzira kuti unatsurudze kushandira kwako? Funga pamusoro pokuzvibvunza mibvunzo yakamisirwa pane izvo zvaunowana, sezvakaita kuti “Ndiri muenzaniso wezvinhu zvandinoziva?” (ona 1 VaTesaronika 1:7).

1 VaTesaronika 3:7–13; 4:1–12

“Kurai uye nokuwanza murudo.”

Pauro anofara murutendeko rwaVatendi vechiTesaronika (ona 1 VaTesaronika 3:7–9). Asi aidawo kuti “vawanze nokuwanzisisa” murutendeko irworwo (1 VaTesaronika 4:1). Apo paunoverenga 1 VaTesaronika 3:7–13; 4:1–12, fungisisa nzira dzaunokwanisa “kuwanza nokuwanzisisa” pane zvepamweya(1 VaTesaronika 4:10). Somuenzaniso, cherechedza kuti Pauro akashandisa mashoko akaita seokuti “utsvene” uye “kutsveneswa.” Chii chatinodzidza kubva kuzvinyorwa zvaPauro pamusoro pezvinoreva mashoko aya? Muponesi angakwanisa kukubatsira sei kuti unyanye kuva mutsvene uye akatsveneswa?

Onawo Nhungamiri kuMagwaro Matsvene, “Tsvene,” “Kutsveneswa,” scriptures.ChurchofJesusChrist.org.

1 VaTesaronika 4:16–18; 5:1–10; 2 VaTesaronika 1:4–10

Kana ndakatendeka uye ndichichenjerera, ndinozova ndakagadzirira kuKuuya kweChipiri kweMuponesi.

Muna 1 VaTesaronika 5:1–10, Pauro akashandisa madimikira akati wandei kudzidzisa pamusoro penguva iyo Jesu yaanozodzoka panyika. Apo paunonzvera madimikira aya, funga pamusoro pokunyora pasi manzwiro anouya kwauri pamusoro peKuuya kweChepiri kwaJesu Kristu:

  • “Mbavha vusiku”:

  • “Kurwadza kwomukadzi unemimba”:

  • Mamwe madimikira aunowana:

Ndezvipi zvokwadi zvakawedzerwa zvaunodzidza kubva 1 VaTesaronika 4:16–18; 5:1–10; 2 VaTesaonika 1:4–10? Chii chaunokurudzirwa kuita kuti uchenjerere uye ugadzirire Kuuya kweMuponesi?

­

2 VaTesaronika 2

Rutsauko pachitendero, kana kuputsika kubva muchokwadi, kwakaporofitwa kuti kuchatangira Kuuya kweChipiri.

Pakati pekutambudzwa kwaiwedzera, Vatendi vechiTesaronika vaitenda kuti Kuuya kweChipiri kweMuponesi kwaifanira kuve pedyo. Asi Pauro aiziva kuti Jesu asati adzoka panyika kwaizova norutsauko pachitendero—upanduki kana “kuputsika” kubva muchokwadi (ona 2 VaTesaronika 2: 1–4). Unokwanisa kuvimba panzwisiso yako yeRutsauko paChitendero Rukuru—uye ruvongo rwako neKudzorerwa—nokufungisisa zvimwe zvezvinotevera:

  • Zvinyorwa zvitsvene zvakafanotaura Rutsauko paChitendero: Isaya 24:5; Amosi 8:11–12; Mateo 24:4–14; 2 Timotio 4:3–4

  • Zvinyorwa zvitsvene zvinotaridza kuti Rutsauko paChitendero rwaiva rwatotanga munguva yaPauro: Mabasa AvaApositora 20:28–30; VaGaratia 1:6–7; 1 Timotio 1:5–7

  • Zvicherechedzo pamusoro peRutsauko paChitendero Rukuru navanatsuridzi vezvechiKristu:

    Martin Luther: “Hapana chandatsvaga chinopfuura kunatsurudza Chechi kuti ienderane neMagwaro Matsvene. … Ndinogoti chiKristu hachisisipo pakati paavo vanofanira kunge vakachichengetedza” (in E. G. Schweibert, Luther and His Time: The Reformation from a New Perspective [1950], 590).

    Roger Williams: “Rutsauko paChitendero … kusvikira iye zvino rwakaworesa vose zvokuti hakukwanisi kuva nerudzoko kubva murutsauko kusvikira Kristu atuma mberi vaporofita vatsva kuti vamise machechi patsva” (muna Philip Schaff, The Creeds of Christendom [1877], 851).

Onawo 2 Nifai 28; Misoro yeNyaya yeVhangeri, “Rutsauko paChitendero,” topics.ChurchofJesusChrist.org.family study icon

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

1 VaTesaronika 3:9–13.Chii chinokufadza pamusoro pamanzwiro ayo Pauro aakanga ainawo kushamwari dzake? Tingakwanisa sei “kuwanza nokuwanzisisa murudo kune mumwe nemumwe wedu”? (ndima 12).

1 VaTesaronika 4:13–18.Ndedzipi ndevo mundima idzi pamusoro poKumuka Kuvakafa dzinokupa nyaradzo?

1 VaTessaronika 5:14–25.Apo paunowongorora rairo yaPauro muna 1 VaTessaronika 5:14–25, koka nhengo yemhuri yoga yoga kuti iwane ndevo iyo mhuri yainokwanisa kunangisa pfungwa pairi. Wana nzira dzineunyanzvi dzokuturika ndevo idzi mumba menyu sechiyeuchidzo. Semuenzaniso, munhu woga woga angangowana kana kudhirowa mifananidzo inoratidza kana inosimbisa ndevo yaasarudza.

2 VaTesaronika 3:13.Tinombonzwa here “kuneta pakuita zvakanaka”—kukurirwa pamwe, nezvidikanwi zveudzidzi? Chii chinotibatsira apo patinonzwa izvi? Ona VaGaratia 6:9; Dzidziso neZvibvumirano 64:33.) Tingakwanisa kutsigirana sei apo izvi pazvinoitika?

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muHuyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

­

Kunatsurudza Kunzvera Kwako Wega

Tsvaga zvakazarurwa zuva nezuva. “Zvakazarurwa kazhinji zvinouya ‘mutsetse nemutsetse’ (2 Nifai 28:30), kwete zvose pamwechete. … Usafunge nezve [kunzvera vhangeri] sechimwe chinhu chaunorongera nguva asi sechimwe chinhu chaunogara uchiita” (Teaching in the Savior’s Way, 12).

Mufananidzo
Kristu ari mumakore

Resurrected Christ [Jesu Akamuka Kuvakafa], naRobert T. Barrett

Dhinda