Chikamu 125
Zvakazarurwa zvakapihwa kuburikidza naJoseph Smith Muporofita, paNauvoo, Illinois, Kurume 1841 maererano neVatendi vemudunhu reIowa (History of the Church, 4:311–312).
1–4, Vatendi vanofanira kuvaka maguta nekuungana kuhoko dzeZioni.
1 Chii chido chaIshe maererano nevatendi vari Mudunhu reIowa?
2 Zvirokwazvo, vanodaro Ishe, ndinoti kwamuri, kana avo vanozvidaidza nezita rangu uye vachiyedza kuve vatendi vangu, kana vakaita kuda kwangu nekuchengeta mirairo yangu pamusoro pavo, ngavazviunganidze pamwechete munzvimbo dzandichavasarudzira nemuranda wangu Joseph, uye vavake maguta muzita rangu, kuti vagove vakagadzirira zvichauya.
3 Ngavavake guta muzita rangu panzvimbo yakatarisana neguta reNauvoo, uye murege zita rekuti Zarahemla ridaidzwe pariri.
4 Uye regai vose avo vanobva kumabvazuva, nekumadokero, nekuchamhembe, nekumaodzanyemba, avo vane chido chekugaramo, vatore nhaka yavo makaremo, pamwechete nemuguta reNashville, kana muguta reNauvoo, uye nemuhoko dzandakasarudza, vanodaro Ishe.