Zvibatsiro Zvekudzidza
DJS, Eksodo 34


DJS, Eksodo 34:1–2, 14 (enzanisa Eksodo 34:1–2, 14; Dzidziso neZvibvumirano 84:21–26)

(Mabwe echipiri akapihwa kuna Mosesi aive nemitemo urinani kupfuura wekutanga.)

1 Uye Ishe vakati kuna Mosesi, Tema mamwe matombo maviri, akaita seekutanga, uye ndichanyora paari zvakare, mazwi emutemo, maererano nemanyorerwe awakanga wakaitwa pamatombo ekutanga awakapunza; asi hauzove uri maererano newekutanga, nokuti ndichabvisa hupirisita pakati pavo; nokudaro hurongwa hwangu hutsvene, nezvisungo zvacho, hazvichazoenda kwavari; nokuti ini handichaenda pakati pavo, potse ndingavaparadze.

2 Asi ndichapa kwavari mutemo sepakutanga, asi uchave maerarano nemutemo wemirairo yenyama; nokuti ndatsidza mukushatirwa kwangu, kuti havapinde pandiri, muzororo rangu, mumazuva ekufamba kwavo. Naizvozvo ita sekukurairira kwandaita, uye uve wakagadzirira, ugouya mangwanani mugomo reSinai, uye uzvirakidze pachako kwandiri, pamusoro pegomo.

(Jehova raive rimwe zita iro vanhu vemuTestamente yaKare vaiziva naro Ishe Jesu Kristu.)

14 Nokuti hamuchazonamata mumwe mwari; nokuti Ishe, vanezita rinonzi Jehova, ndiMwari ane shanje.

Dhinda