Dudziro yaJoseph Smith ChisumoZvinotevera zvidimbu zvakasarudzwa kubva muDudziro yaJoseph Smith yeBhaibheri rakaduzirwa naMambo Jemisi (DJS). Ishe vakafemera Muporofita Joseph Smith kuti adzorere chokwadi kuzvinyorwa zvemuBhaibheri izvo zvakange zvaraswa kana zvakanga zvashandurwa kubvira kunyorwa kwemazwi ekutanga. Chokwadi chakadzorerwa ichi chakajekesa dzidziso uye nokupamhidzira nzwisiso yemagwaro matsvene. Zvidimbu zvakasarudzwa kuiswa muNhungamiri zvinobatsira kuwedzera nzwisiso yako yemagwaro matsvene zvisinei kuti mutauro upi wazvakadudzirwa nawo. DJS, Genesi DJS, Genesi 9(Munhu anosungirwa kuzvitaurira pamusoro pekuponda uyewo nokuparadza upenyu hwemhuka.) DJS, Genesi 14(Hushumiri hukuru kwaMerkizedeki hunotaurwa; masimba nemaropafadzo eHupirisita hwaMerkizedeki anotsanagurwa.) DJS, Genesi 15(Abrahama akaona muchiratidzo Mwanakomana waMwari uye akaziva nezvekumuka kuvakafa.) DJS, Genesi 17(Mwari vakamisa chibvumirano chekudzingiswa naAbrahama. Chisungo cherubhabhatidzo uye nezera rinosvika vana vadiki mukuzvipindurira zvakazarurirwa kuna Abrahama.) DJS, Genesi 19(Roti akaramba kuipa kweSodoma.) DJS, Genesi 48(Mbeu yaJosefa ichave vatungamiri mukuunganidzwa kweIsraeri mumazuva ekupedzisira.) DJS, Genesi 50(Mosesi, Aroni, naJoseph Smith vose vakataurwa muchiporofita chino naJosefa muEgipita. Zvakare Josefa akaporofita kuti Bhuku raMormoni richave shamwari kuzvinyorwa zvaJuda.) DJS, Eksodo DJS, Eksodo 4(Ishe havaziye akakonzera kuoma kwemwoyo waFarao. Onawo DJS, Eksodo 7:3, 13; 9:12; 10:1, 20, 27; 11:10; 14:4, 8, 17; chose chaturwa, kana chakadudzirwa nemazvo, zvinoratidza kuti Farao akaomesa mwoyo wake iye pachake.) DJS, Eksodo 18(Jetero aive mupirisita wapamusoro.) DJS, Eksodo 22(Mhondi hadzizorarama.) DJS, Eksodo 33(Hapana munhu ane zvitadzo angaone huso hwaMwari akararama.) DJS, Eksodo 34(Mabwe echipiri akapihwa kuna Mosesi aive nemitemo urinani kupfuura wekutanga.) DJS, Deuteronomio DJS, Deuteronomio 10(Pamatombo ekutanga Mwari vakaisa pachena chibvumirano chisingapere chehupirisita hutsvene.) DJS, Ⅰ Samueri DJS, Ⅰ Samueri 16(Mweya wakaipa wakauya kuna Sauro wakanga usingabve kuna Ishe.) DJS, Ⅱ Samueri DJS, Ⅱ Samueri 12(Chitadzo chakanyanyisa chaDavidi hachina kukanganwiwa naMwari.) DJS, Ⅱ Makoronike DJS, Ⅱ Makoronike 18(Ishe havaise mweya unonyepa mumiromo yevaporofita.) DJS, Mapisarema DJS, Mapisarema 14(Munyori wenziyo dzinoyera akafara pazuva rekudzorerwa pakare.) DJS, Mapisarema 24(Rwiyo urwu rwunopemberera kuuya kwaKristu kwechipiri.) DJS, Mapisarema 109(Tinofanira kunamatira vavengi vedu.) DJS, Isaya DJS, Isaya 42(Ishe vachatumira muranda wavo kune avo vakapofomara.) DJS, Jeremia DJS, Jeremia 26(Ishe havatendeuke; vanhu vanotendeuka.) DJS, Amosi DJS, Amosi 7(Ishe havatendeuke; vanhu vanotendeuka.) DJS, Mateo DJS, Mateo 3(Hujaya nehwana hudiki hwaJesu hunotsanangurwa.) DJS, Mateo 4(Jesu akatungamirwa neMweya, kwete naSatani.) DJS, Mateo 6(Ishe havatipinze mukuyedzwa.) DJS, Mateo 7(Musatonge zvisina kururama.) DJS, Mateo 9(Jesu akaramba rubhabhatidzo rwevaFarise; akapa mutemo waMosesi.) DJS, Mateo 16(Zvinoreva mazwi “Kutora muchinjikwa waJesu” kuramba zvisiri zvehumwari.) DJS, Mateo 17(Vana Eria vaviri vaizouya—mumwe wekugadzirira uye mumwe wekudzorera pakare.) DJS, Mateo 18(Vana vadiki havanei nekutendeuka.) DJS, Mateo 19(Vana vadiki vachaponeswa.) DJS, Mateo 21(Munhu anofanira kutendeuka asati atenda muna Kristu). DJS, Mateo 23(Iyeyo ari kudenga ndiye musiki wedu.) DJS, Mateo 26(Jesu akamisa sakaramende.) DJS, Mateo 27(Rufu rwaJudasi rwunotsanangurwa.) DJS, Marko DJS, Marko 9(Johane Mubapatidzi akanga ari Mugomo reKushandurwa.) DJS, Marko 12(Mwari havazi Mwari vevakafa, nokuti vanomutsa vakafa kubva mumarinda avo.) DJS, Marko 14(Jesu akamisa sakaremende.) DJS, Marko 16(Ngirozi mbiri dzakakwazisa madzimai aive paguva reMuponesi.) DJS, Ruka DJS, Ruka 1(Zakaria, baba vaJohane Mubapatidzi, vakanga vachiita mabasa avo ehupirisita.) DJS, Ruka 2(Varume vakadzidza zvikuru vaive mutemberi vakanga vachiteerera kuna Jesu uye vachimubvunza mibvunzo.) DJS, Ruka 3(Kristu achauya kuzozadzisa chiporofita, kubvisa zvitadzo, kuunza ruponeso, uye nekuve chiedza, uye achauya muzuva resimba uye nokuzara kwenguva.) DJS, Ruka 11(Kuzara kwemagwaro matsvene ndiko kiyi dzeruzivo.) DJS, Ruka 12(Kumhura Mweya Mutsvene hakuzoregererwa.) DJS, Ruka 16(Jesu akapa nhoroondo yerungano rwemufananidzo rwemurume mupfumi naRazaro.) DJS, Ruka 17(Umambo hwaMwari hwakatouya kare.) DJS, Ruka 18(Kuvimba neuupfumi kunotadzisa munhu kupinda muumambo hwaMwari.) DJS, Ruka 21(Jesu akatsanangura zviratidzo yekuuya kwake.) DJS, Ruka 23(Jesu akakumbirira ruregerero mawuto emaRoma avo vakamuroverera pamuchinjikwa.) DJS, Johane DJS, Johane 1(Vhangeri raJesu Kristu rakaparidzwa kubvira pakutanga. Mumwe Eria [Johane muBapatidzi] aive wekugadzirira nzira yaKristu, uye mumwe Eria [Kristu] aive wekudzorera pakare zvose zvinhu.) DJS, Johane 4(Jesu akabhabhatidza.) DJS, Johane 13(Jesu akageza tsoka dzeVaapositori.) DJS, Johane 14(Jinda rerima, kana Satani, ndewe nyika ino.) DJS, Mabasa aVaapositori DJS, Mabasa aVaapositori 9(Avo vakanga vaina Pauro pakutendeuka kwake vakaona chiedza, asi havana kunzwa izwi kana kuona Ishe.) DJS, VaRoma DJS, VaRoma 4(Zvose rutendo nemabasa, kuburikidza nenyasha, zvinofanirwa kuvepo kuitira paruponeso.) DJS, VaRoma 7(Kristu ane simba reKushandura mweya yevanhu.) DJS, VaRoma 8(Avo vanoteedzera nzira dzenyama havagone kufadza Mwari.) DJS, Ⅰ VaKorinte DJS, Ⅰ VaKorinte 7(Pauro akapindura mibvunzo nezvekuroorana mukati meavo vanodaidzwa kuhushumiri.) DJS, Ⅰ VaKorinte 15(Kubwinya kuri patatu mukumuka kuvakafa.) DJS, Ⅱ VaKorinte DJS, Ⅱ VaKorinte 5(Pauro akaraira Vatendi kuti vasagare vachitevedza tsika yenyama.) DJS, VaGaratia DJS, VaGaratia 3(Kristu munyai wechibvumirano chitsva. Mutemo waMosesi [chibvumirano chakare] nevhangeri risingapere [chibvumirano chitsva] zvinoenzaniswa].) DJS, VaEfeso DJS, VaEfeso 4(Kushatirwa kusina kururama chitadzo.) DJS, Ⅰ VaTesaronika DJS, Ⅰ VaTesaronika 4(Avo vanhu vakarurama vanenge vari vapenyu pakuuya kwaIshe havazove nani kune vakarurama vakafa.) DJS, Ⅱ VaTesaronika DJS, Ⅱ VaTesaronika 2(Pauro akaporofita kurasika pachitendero Ishe vasati vadzoka.) DJS, Ⅰ Timotio DJS, Ⅰ Timotio 2(Kristu ndiye Mwanakomana Mumwechete Akaberekwa uye Muyananisi.) DJS, Ⅰ Timotio 6(Avo vane chiedza chekusafa chiri mavari vanogona kuona Jesu.) DJS, VaHeberu DJS, VaHeberu 1(Ngirozi imweya inoshumira.) DJS, VaHeberu 4(Mabasa aMwari akagadzirwa kubvira pahwaro hwenyika.) DJS, VaHeberu 5(Katsamba kari mumagwaro eDJS kanoti vhesi 7 na8 dzinonongedza kuna Merkizedeki uye kwete kuna Kristu. Naizvozvo, tingangoti, zvinoyorwa zviri muBhaibheri raMambo Jemisi nemuDJS zvimwechete.) DJS, VaHeberu 6(Misimboti yaKristu inosvitsa mukukwana.) DJS, VaHeberu 7(Hupirisita hutsvene maererano nehurongwa hweMwanakomana waMwari hauna baba kana amai uye hauna mavambo kana magumo emazuva.) DJS, VaHeberu 11(Rutendo ruvimbo rwezvinhu zviri kutarisirwa.) DJS, Jakobo DJS, Jakobo 1(Matambudziko, kwete miyedzo, ano yamura kutitsvenesa.) DJS, Jakobo 2(Nhengo hadzifanire kutora mumwe munhu seari pamusoro zvakanyanyisa kupfuura mumwe.) DJS, Ⅰ Petro DJS, Ⅰ Petro 3(Mimwe yemweya iri mutirongo yakanga isina kururama mumazuva aNoa.) DJS, Ⅰ Petro 4(Vhangeri rinoparidzwa kune avo vakafa.) DJS, Ⅰ Johane DJS, Ⅰ Johane 2(Kristu achava murevereri wedu kuna Baba kana tikatendeuka.) DJS, Ⅰ Johane 3(Ani zvake anozvarwa naMwari haarambe ari muchitadzo.) DJS, Ⅰ Johane 4(Vanhu chete vanotenda muna Mwari vanogona kuvaona.) DJS, Zvakazarurwa DJS, Zvakazarurwa 1(Johane akagashira chakazarurwa kubva kuna Jesu Kristu uye akachipa kuvatungamiri vechechi nomwe muAsia.) DJS, Zvakazarurwa 2(Vakaipa vachakandwa mugehena.) DJS, Zvakazarurwa 5(Gumi nevaviri varanda vaMwari vanotumirwa kupasi rose.) DJS, Zvakazarurwa 12(Mukadzi [Chechi], mwana [umambo hwaMwari], danda resimbi [shoko raMwari], chikara [Satani], naMikaeri zvino tsanangurwa. Hondo yekudenga inoenderera mberi munyika.) DJS, Zvakazarurwa 19(Mwari vanoshandisa izwi raKristu kurova marudzi.)