Zvibatsiro Zvekudzidza
DJS, Ruka 12


DJS, Ruka 12:9–12 (enzanisa Ruka 12:9–10)

(Kumhura Mweya Mutsvene hakuzoregererwa.)

9 Asi uyo anondiramba pamberi pevanhu, acharambwa pamberi pengirozi dzaMwari.

10 Zvino vadzidzi vake vakaziva kuti ataura izvi, nokuti vakanga vataura zvakaipa pamusoro pake pamberi pavanhu; nokuti vaitya kuti vanomuziva pamberi pevanhu.

11 Uye vakataura mukati mavo, vachiti, Anoziva mwoyo yedu, uye anotaura zvinoita kuti titongwe, uye hatichazoregererwa Asi akavapindura, uye akati kwavari,

12 Ani zvake achataura izwi rakaipa kuMwanakomana weMunhu, uye akatendeuka, iyeyo acharegererwa; asi kune uyo anomhura Mweya Mutsvene, iyeyo haaregererwe.

DJS, Ruka 12:41–57 (enzanisa Ruka 12:38–48)

(Tinofanirwa nguva dzose kugara takagadzirira kuuya kwaIshe.)

41 Nokuti, tarisai, vanouya munguva yekutanga yehusiku, uye vachauya zvakare munguva yechipiri, uye zvakare vachauya munguva yechitatu.

42 Uye zvirokwazvo ndinoti kwamuri, Vakatouya kare, sekunyorwa kwazvakaitwa maereano navo; uye zvakare pavachauya munguva yechipiri, kana kuuya munguva yechitatu, vakaropafadzwa avo varanda pavachuya, avo vavachawana vachiita izvozvo;

43 Nokuti Ishe vevaranda ivavo vachizvisunga pachavo, uye vovaita kuti vagare pasi vadye, uye vachauya kwavari kuzopazvekudya.

44 Uye zvino, zvirokwazvo ndinotaura zvinhu izvi kwamuri, kuti muzive izvi, kuti kuuya kwaIshe kwakaita sekwembavha usiku.

45 Uye kwakafanana nekwemunhu muridzi wemba, uyo anoti akasatarisa midziyo yake, mbavha inouya munguva yaasingazive, uye yotora midziyo yake, uye yozvigova pakati pevamwe vayo.

46 Uye vakati pakati pavo, Dai murume akanaka wemba aiziva kuti inguvai inouya mbavha, angadai akarindira, uye asina kubvumira imba yake kuti ipazwe nokurasikirwa nemidziyo yake.

47 Uye akati kwavari, Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, nemiwo ivai makagadzirira; nokuti Mwanakonama weMunhu anouya panguva yamusingafungire.

48 Ipapo Petro akati kwaari, Ishe, muri kutaura mufananidzo werungano kwatiri here, kana kune vose?

49 Uye Ishe vakati, Ndiri kutaura kune avo Ishe vaachaita vatongi vemba yavo, kuti vape vana vavo mugove wavo wekudya munguva yakafanira.

50 Uye ivo vakati, Ko zvino ndiani iyeyo muranda akatendeka uye akangwara?

51 Uye Ishe vakati kwavari, Ndiyeyo muranda anorindira, kuti ape mugove wake wekudya munguva yakafanira.

52 Akaropafadzwa muranda iyeyo achawanikwa naIshe vake, pavanouya, achiita saizvozvo.

53 Nechokwadi ndinoti kwamuri, achamuita mutongi pazvinhu zvose zvaainazvo.

54 Asi muranda akaipa uyo anowanikwa asina kugadzirira. Uye kana muranda iyeyo akasawanikwa akagaririra, achati mumwoyo make, Ishe vangu vari kunonoka kuuya kwavo; uye achatanga kurova varandarume, nevarandakadzi, nokudya, nokunwa, uye nokuraradza.

55 Ishe vemuranda iyeyo vachauya muzuva raasingatarisire, uye munguva yaasingazive, uye vanomuparadza, uye vomusarudzira mugove wake pane vasingatende.

56 Uye uyo muranda aiziva chido chaIshe vake, uye akasagadzirira kuuya kwaIshe vake, kana kuita maererano nechido chavo, acharohwa kakawanda.

57 Asi akanga asingazive chido chaIshe vake, uye akaita zvinhu zvaikodzera kuti arohwe, acharohwa zvishoma. Nokuti kuna ani zvake anopihwa zvizhinji, kwaari kuchadiwa zvizhinji; uye kune uyo Ishe kwaaisa zvizhinji, kwaari vanhu vachakumbira zvakawanda.

Dhinda