Zvibatsiro Zvekudzidza
DJS, Isaya 42


DJS, Isaya 42:19–23 (enzanisa Isaya 42:19–22)

(Ishe vachatumira muranda wavo kune avo vakapofomara.)

19 Nokuti ndichatumira muranda wangu kunemi makapofomara; hongu, mutumwa wekuvhura maziso avasingaone, uye nokuvhura nzveve dzevasinganzwe;

20 Uye vachaitwa vakakwana zvisinei nehupofu hwavo, kana vakateerera kumutumwa, muranda waIshe.

21 Imi muri vanhu, muchiona zvinhu zvizhinji, asi imi hamucherechedze; muchivhura nzeve kuti munzwe, asi imi hamunzwe.

22 Ishe havafadzwe chaizvo nevanhu vakadaro, asi pamusana pekururama kwavo vachakudza murairo uye vouita kuti ukudzwe.

23 Imi muri vanhu vakabirwa uye mukakanganiswa; vavengi venyu, vose zvavo, vakakuteyayi mumwena, uye vakakuhwandisai mudzimba dzematirongo; vakakutorai senhapwa, uye hakuna anokununurai; senhapwa, uye hakuna anoti, Dzorerai pakare.