Zvibatsiro Zvekudzidza
DJS, Ⅱ VaTesaronika 2


DJS, Ⅱ VaTesaronika 2:2–3, 7–9 (enzanisa Ⅱ VaTesaronika 2:2–9)

(Pauro akaporofita kurasika pachitendero Ishe vasati vadzoka.)

2 Kuti imi musakurumidze kuzunzwa mupfungwa, kana kunetswa netsamba kunze kwekunge maitambira kubva kwatiri; kana nemweya, kana nezwi, sekuti zuva raKristu rave pedyo.

3 Musarege munhu achikunyengedzai nenzira ipi zvayo; nokuti kuchauya kutanga kubva pachokwadi, uye uyo munhu wechitadzo aburitse pachena, mwanakonana wekuraswa;

7 Nokuti chakavanzika chehuipi chave kutoshanda kare, uye iye ndiye zvino ave kushanda, uye Kristu anobvumira kushanda, kudakara nguva yazadzikiswa kuti azobviswa munzira.

8 Uye ipapo ndipo uyo akaipa achaburitswa pachena, uyo Ishe vavachaparadza nemweya wemuromo wavo, uye vavachaparadza nekupenya kwekuuya kwavo.

9 Hongu, Ishe, kunyangwe Jesu, uyo kuuya kwake kunotozove mushure mekuuya kwekurasika, kuburikidza nekushanda kwaSatani nesimba rose, nezviratidzo uye nezvishamiso zvekunyepa,

Dhinda