Zvibatsiro Zvekudzidza
DJS, VaRoma 7


DJS, VaRoma 7:5–27 (enzanisa VaRoma 7:5–25)

(Kristu ane simba reKushandura mweya yevanhu.)

5 Nokuti zvatakanga tiri munyama, zvido zvechitadzo, izvo zvakanga zvisiri maererano nemutemo, zvaishanda munhengo dzemiviri yedu kuunza zvibereko zvinosvitsa murufu.

6 Asi zvino takabviswa mumutemo umo matakanga takabatwa, takafa kumutemo, kuti tigoshanda muhutsva hwemweya, uye kwete muhutsaru hwetsamba.

7 Zvino? Mutemo chitadzo here? Mwari anoramba. Kwete, handina kunge ndaziva chitadzo, asi nepamusana pemutemo; nokuti handina kunge ndaziva ruchiva, dai mutemo usina kuti usazochiva.

8 Asi chitadzo, chawana mukana mumurairo, chakaunza mandiri zvose zvakasiyana-siyana zveruchiva. Nokuti pasina mutemo chitadzo chingadai chakafa.

9 Nokuti kare ndairarama pasina kutyorwa kwemutemo, asi pakauya murairo waKristu, chitadzo chakamuka, uye ndikafa.

10 Uye apo pandisina kutenda murairo waKristu uyo wakauya, uyo wakamisirwa kuupenyu, ndaona uchinditongera kufa.

11 Nokuti chitadzo, chichawana mukana, chakaramba murariro, uye chikandinyengedza; uye nacho ndakauraiwa.

12 Zvisinei, ndakaona kuti mutemo mutsvene, nemurairo kuti mutsvene, nokuenzanisa, nokunaka.

13 Ko zvino icho chakanaka chakaitwa rufu kwandiri here? Mwari vanoramba. Asi chitadzo, kuti chigoratidzike kuti chitadzo kuburikidza nechecho chakanaka chichishanda rufu mandiri; kuti chitadzo, kuburikidza nemurairo, ndive mutadzi akanyanya.

14 Nokuti tinoziva kuti murairo ndewe mweya; asi pandakanga ndiri pasi pemutemo, ndakanga ndichiri wenyama, ndakatengeswa pasi pechitadzo.

15 Asi zvino ndave wemweya; nokuti icho chandinorairwa kuti ndiite, ndinochiita; uye icho chandinorairwa kuti ndisabvumire, handichibvimire.

16 Nokuti chandinoziva kuti hachina kunaka, handiite; nokuti icho chiri chitadzo, ndinochivenga.

17 Kana zvino ndisingaite icho chandisingabvumire, ndinotenderana nemutemo, kuti wakanaka, uye ini handingatongwe.

18 Iye zvino, handisisiri ini ndinoita chitadzo; asi ndinotsvaka kukunda icho chitadzo chigere mandiri.

19 Nokuti ndinoziva kuti mandiri, kureva kuti, munyama mangu, hamugare chinhu chakanaka; nokuti kuda kuneni, asi kuita icho chakanaka handikuwane, kunze chete kwemuna Kristu.

20 Nokuti zvakanaka zvandingadai ndakaita apo pandaive pasi pemutemo, ndinoona zvisina kunaka; nokudaro, handizviite.

21 Asi zvakaipa zvandisingaite pasi pemutemo, ndinoona zvakanaka; izvozvo, ndinozviita.

22 Zvino kana ndikaita izvozvo, kuburikidza neruyamuro rwaKristu, handizviite pasi pemutemo, handisi pasi pemutemo; uye hazvisisimo zvekuti ndinotsvaka kuita zvisiriizvo, asi kuti ndikunde chitadzo icho chigere mandiri.

23 Ndinoona ipapa kuti pasi pemutemo, kuti pandaiita zvakanaka chakaipa chakanga chiripo neni; nokuti ndinofara nemutemo waMwari semunhu wechemukati.

24 Uye zvino ndinoona mumwe mutemo, kunyangwe murairo waKristu, uye wakanyorwa mupfungwa mangu.

25 Asi nhengo dzangu dzirikurwisana nemutemo wepfungwa dzangu, uye dzichindiunza muhusungwa kumutemo wechitadzo icho chiri munhengo dzangu.

26 Uye kana ndikarega kukunda chitadzo chiri mandiri, asi nenyama ndoshandira mutemo wechitadzo; ndiri munhu akasuwa! ndiani achandibvisa kubva kumuviri werufu urwu?

27 Ndinotenda Mwari kuburikidza naJesu Kristu Ishe vedu, ipapa, kuti saizvozvo nepfungwa ini pachangu ndishandire mutemo waMwari.

Dhinda