Zvibatsiro Zvekudzidza
DJS, Ⅰ VaKorinte 7


DJS, Ⅰ VaKorinte 7:1–2, 5, 26, 29–33 (enzanisa Ⅰ VaKorinte 7:1–2, 5, 26, 29–33)

(Pauro akapindura mibvunzo nezvekuroorana mukati meavo vanodaidzwa kuhushumiri.)

1 Zvino maererano nezvinhu izvo zvamakandinyorera, muchiti, Zvakanaka kuti murume asabate mukadzi.

2 Zvisinei, ndinoti, kuti kusave neupombwe, regai murume wose ave nemukadzi wake pachake, uye murege wose mukadzi aine murume wake pachake.

5 Musaparadzane, kunze kwekunge mabvumirana, kwekanguvana, kuti muzvipire pachenyu mukutsanya nokunamata; uye mouya pamwechete zvakare, kuti Satani asakuyedzei nekutadza kuzvibata kwenyu.

26 Ndinofunga zvakadaro kuti izvi zvakanakira dambudziko riripo zvino, kuti munhu arambe akadaro kuti aite zvakanyaya kunaka.

29 Asi ndinotaura kwamuri imi makadaidzwa kuhushumiri. Pane zvizvi ndinoti, hama, nguva yasara yave pfupi, yekuti mutumirwe kuhushumiri. Kunyangwe avo vane vakadzi, vachaita sevakange vasina; nokuti makadaidzwa uye mukasarudzwa kuti muite basa raIshe.

30 Uye zvichave kune ivo vanochema, sekunge vasiri kuchema; uye avo vanofara, sekunge vasiri kufara, uye avo vanotenga, sekunge vasina chavainacho;

31 Uye neavo vanoshandisa nyika ino, kunge vasiri kuishandisa; nokuti maitiro enyika ino anopfuura.

32 Asi ndingade, hama dzangu, kuti mukudziridze kudaidzwa kwenyu. Ndingade kuti musave nehanya. Nokuti uyo asina kuroora, ane hanya nezvinhu zvinove zvaIshe, kuti angafadze Ishe sei; naizvozvo anobudirira.

33 Asi uyo akaroora, ane hanya nezvinhu izvo zvenyika, kuti angafadze mukadzi wake sei; nokudaro pane mutsauko, nokuti anotadziswa.

Dhinda