Zvibatsiro Zvekudzidza
DJS, Mateo 27


DJS, Mateo 27:3–6 (enzanisa Mateo 27:3–5; Mabasa aVaapositori 1:18)

(Rufu rwaJudasi rwunotsanangurwa.)

3 Zvino Judasi, uyo akanga amutengesa, apo paakaona kuti akanga ave kutongwa, akatendeuka iye pachake, uye akadzosa zvakare makumi matatu emasirivha kuvakuru vemaPirisita nemagosa,

4 Achiti, Ndatadza mukuti ndatengesa ropa risina mhosva.

5 Uye vakati kwaari, Ko zvinei nesu izvozvo? Zvionere iwe; zvitadzo zvako ngazvive pauri.

6 Uye akakanda pasi masirivha aya mutembere, achibva abva, uye akenda, uye akazvisungirira pamuti. Uye pakarepo akawira pasi, hura hwake hukabuda, uye akafa.