Zvibatsiro Zvekudzidza
DJS, Marko 9


DJS, Marko 9:3 (enzanisa Marko 9:4)

(Johane Mubapatidzi akanga ari Mugomo reKushandurwa.)

3 Uye pakaoneka kwavari Eria aina Mosesi, kana nemamwe mazwi, Johane Mubapatidzi naMosesi; uye vakange vachitaura naJesu.

DJS, Marko 9:40–48 (enzanisa Marko 9:43–48)

(Kudimbura rwuoko kana gumbo riri kunetsa kunoenzaniswa nokucheka hukama kubva kuneavo vangangorasisa munhu.)

40 Naizvozvo, kana ruoko rwako rwuchikukanganisa, rwudimbure; kana kuti kana hama yako ichikunetsa uye asingareurure uye asingaregere, acharaswa. Zvakanaka kwauri kuti upinde muupenyu uri chirema, pane kuve nemaoko maviri, uchienda kugehena.

41 Nokuti zvakanaka kwauri kuti upinde muupenyu usina hama yako, pane kuti iwe nehama yako mukandwe mugehena; mumoto uya usingambodzimwa, uko kwekuti honye yacho haife, uye moto wacho haudzimwe.

42 Uye zvakare, kana, tsoka yako ichikukanganisa, idimbure; nokuti uyo anove mudonzvo wako, waunofamba nawo, kana akave mutadzi, iye achadimburwa; uyo waunofamba naye, kana akave mukanganisi, achadimburwa.

43 Zviri nani kwauri, kupinda muupenyu uchikamhina, pane kuve netsoka mbiri iwe uchikandwa mugehena; mumoto uyo usingazofa wakadzimwa.

44 Naizvozvo, regai munhu wose amire kana kupinzika, ega pachake, kwete nemumwe; kana kusavimba nemumwe.

45 Tsvakai kuna Baba vangu, uye zvichaitwa muchinguva ichocho chamakumbira, kana mukakumbira nerutendo, muchitenda kuti muchagashira.

46 Uye kana ziso rako iro rinokuonera, uyo akasarudzwa kuti akutarisei kuti akuratidzei chiedza, akave mukanganisi uye akakutadzirai, mubvisei.

47 Zviri nani kwamuri kuti mupinde muumambo hwaMwari, muine ziso rimwechete, pane kuve nemaziso maviri kuti mukandwe mumoto wegehena.

48 Nokuti zvirinani kuti imi muponeswe, pane kuti mukandwe mugehena muine hama yenyu, umo honye yavo isingafe, uye umo musingadzimwe moto.

Dhinda