Zvibatsiro Zvekudzidza
DJS, Mapisarema 24


DJS, Mapisarema 24:7–10 (enzanisa Mapisarema 24)

(Rwiyo urwu rwunopemberera kuuya kwaKristu kwechipiri.)

7 Simudzai misoro yenyu, imi zvizvarwa zvaJakobo; uye musimudzwe; uye Ishe vakasimba nemasimba; Ishe vanesimba muhondo, vari mambo vekubwinya, vachakumisai narinhi.

8 Uye vachabvisa matenga; uye vachadzika kuzonunura vanhu vavo; kukuitai zita risingaperi; kukumisai padombo ravo risingapere.

9 Simudzai misoro yenyu, imi zvizvarwa zvaJakobo; simudzai misoro yenyu, imi zvizvarwa zvisingapere, uye Ishe vehondo, mambo vamadzimambo;

10 Kunyangwe mambo vekubwinya vachauya kwamuri; uye vachanunura vanhu vavo, uye vachavamisa mukururama. Sera.