Testamente Yekare 2022
Mazano eKunatsurudza Kunzvera Magwaro Matsvene kweMhuri Yako


“Mazano eKunatsurudza Kunzvera Magwaro Matsvene kweMhuri Yako,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Testamente Yekare 2022 (2021)

“Mazano eKunatsurudza Kunzvera Magwaro Matsvene kweMhuri Yako” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2022

Mufananidzo
mwana naamai vachinzvera magwaro matsvene kumba

Mazano eKunatsurudza Kunzvera Magwaro Matsvene kweMhuri Yako

Kunzvera magwaro matsvene kwemhuri nguva dzose inzira inesimba yekubatsira mhuri yako kudzidza vhangeri. Huwandu hwezvamunoverenga nehurefu hwenguva yamunoverenga semhuri hazvina kukosha sekuramba makashinga mukuedza kwenyu. Apo paunoita kuti kunzvera magwaro matsvene kuve chikamu chakakosha cheupenyu hwemhuri yako, unozobatsira nhengo dzemhuri yako kuswedera pedyo naBaba Vokudenga uye naJesu Kristu uye nekuvaka uchapupu hwavo pahwaro hweshoko raMwari.

Funga pamusoro pemibvunzo inotevera:

  • Ungakurudzire sei nhengo dzemhuri kuti dzinzvere magwaro matsvene dziri dzega?

  • Chii chaungaite kukurudzira nhengo dzemhuri kuti dzigoverane zvavari kudzidza?

  • Ungasimbisa sei misimboti yauri kudzidza muTestamente Yekare munguva dzekudzidzisa dzemazuva ose?

Yeuka kuti mumba ndiyo nzvimbo yakanakisa yekudzidza vhangeri. Unokwanisa kudzidza nekudzidzisa vhangeri kumba nenzira dzisingakwanisike mukirasi yeChechi. Shandisa mazano anouchenjeri apo paunofunga nzira dzekubatsira mhuri yako kudzidza kubva mumagwaro matsvene. Funga pamusoro pemamwe emazano anotevera kuti unatsurudze kunzvera magwaro matsvene kwemhuri yako:

Shandisa Mumhanzi

Imbai dzimbo dzinosimbisa misimboti yakadzidziswa mumagwaro matsvene. Rwiyo kana rumbo rwevana vadiki rwamungaimba rwakapuwa muchirongwa chevhiki yega yega. Ungangobvunza nhengo dzemhuri mibvunzo pamusoro pemashoko kana ndevo dziri mumazwi erumbo. Pamusoro pekuimba, mhuri yako inokwanisa kuita zviito zvinoenderana nedzimbo kana kuteerera kudzimbo dzacho semumhanzi unenge uchirira apo pavanenge vachiita zvimwe zviitwa. Kuwana mamwe mazano, ona “Kusanganisira Mumhanzi Unoyera Mukudzidza Vhangeri Kwako” mubhuku rino.

Goveranai Zvinyorwa Zvitsvene Zvakakosha

Ipa nhengo dzemhuri nguva yekugoverana ndima dzezvinyorwa zvitsvene idzo dzavakawana kuti dzinokosha panguva yekunzvera kwavo pachavo.

Shandisa Mashoko Ako Pachako

Koka nhengo dzemhuri kuti vapfupise nemumashoko avo pachavo izvo zvavanodzidza kubva mumagwaro matsvene amunonzvera.

Mufananidzo
wechidiki achibatsira mwana mudiki kuverenga magwaro matsvene

Shandisa Magwaro Matsvene kuUpenyu Hwako

Mushure mekuverenga ndima yechinyorwa chitsvene, kumbira nhengo dzemhuri kuti dzigovere nzira idzo ndima iyi dzainoshanda kuupenyu hwavo.

Bvunza Mubvunzo

Koka nhengo dzemhuri kuti dzibvunze mubvunzo wevhangeri, uye zvino mopedza nguva muchitsvaga ndima dzinokwanisa kubatsira kupindura mubvunzo wacho.

Turika Chinyorwa Chitsvene

Sarudza ndima yaunowana yakakosha, uye woiturika apo painoonekwa nenhengo dzemhuri nguva zhinji. Koka dzimwe nhengo dzemhuri kuti dziite mijana mukusarudza chinyorwa chitsvene chekuturika.

Ita Mudorongodzwa weZvinyorwa Zvitsvene

Semhuri, sarudzai ndima dzakati kuti idzo dzamunoda kuzokurukura mukati mevhiki inotevera.

Dzidzai Zvinyorwa Zvitsvene neMusoro

Sarudzai ndima yechinyorwa chitsvene yakakosha kumhuri yenyu, uye wokoka nhengo dzemhuri kuti dziidzidze nemusoro kuburikidza nekuidzokorora zuva nezuva kana kutamba mutambo wekuyeuka.

Mufananidzo
vanhu vachiimba pamwechete pamba

Govera Dzidziso yeZvidzidzo

Tsvaga zvinhu zvinoenderana nezvitsauko uye ndima dzamuri kuverenga semhuri. Koka nhengo dzemhuri kuti dzitaure pamusoro pekuti chinhu chimwe nechimwe chinofambirana sei nedzidziso dziri mumagwaro matsvene.

Sarudzai Musoro weNyaya.

Ita kuti nhengo dzemhuri dziite mijana kusarudza musoro wenyaya unozonzverwa nemhuri pamwechete. Shandisa Nhungamiro kuMagwaro Matsvene (scriptures.ChurchofJesusChrist.org) kuti muwane ndima dzezvinyorwa zvitsvene maererano nemusoro wenyaya unenge wasuradzwa.

Dhirowai Mufananidzo.

Verengai ndima shoma semhuri, uye mopa nguva yekuti nhengo dzemhuri dzidhirowe chimwe chinhu chinoenderana nezvavaverenga. Pedzai nguva muchikurukura nezve mifananidzo yemumwe nemumwe.

Itai Mutambo weNyaya

Mushure mekuverenga nyaya, koka nhengo dzemhuri kuti dziite mutambo wezvenyaya yacho. Mushure maizvozvo, taurai pamusoro pekuti nyaya yacho inofambirana sei nezvinhu zvamuri kusangana nazvo semunhu pachake uye semhuri.

Mutungamiri Russell M. Nelson vakati: “Ndinovimbisa kuti kana muchishanda neushingi hukurusa kushandura imba yenyu kuti ive nzvimbo yekudzidza vhangeri, nekufamba kwenguva mazuva enyu eSabata achave zvechokwadi anofadza. Vana Venyu vanozofarira kudzidza uye nekurarama dzidziso dzeMuponesi, uye runziro yemuvengi muupenyu hwenyu uye mumba menyu inozodzikira. Shanduko mumhuri yenyu inozove inoshamisa uye inosimbisa ” (“Becoming Exemplary Latter-day Saints,” Ensign kana Liahona, Mbudzi 2018,113).

Dhinda