Testamente Yekare 2022
Kudzidzisa Vana Vadiki


“Kudzidzisa Vana Vadiki,”Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Testamente 2022 (2021)

“Kudzidzisa Vana Vadiki,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2022

Mufananidzo
vabereki nevana vadiki vachitarisa mubhuku

Kudzidzisa Vana Vadiki

Kana uine vana vadiki mumhuri yako, hezvino zvimwe zviitwa zvinokwanisa kuvabatsira kuti vadzidze:

  • Imbai. Nziyo nedzimbo kubva muBhuku reNziyo neDzevana Vadiki dzinodzidzisa dzidziso zvakasimba. Shandisa munongedzo wemisoro yenyaya uri kumashure kweBhuku reNziyo neDzevana Vadiki kuti uwane nziyo dzinoenderana nemisimboti yevhangeri yauri kudzidzisa. Batsira vana vako kuti vafananidze mashoko edzimbo dzacho kuupenyu hwavo. (Onawo “Kusanganisira Mumhanzi Unoyera Mukudzidza Kwako Vhangeri” iri muchinyorwa chino.)

  • Teererai kana kuti itai mutambo wenyaya. Vana vadiki vanoda nyaya—kubva mumagwaro matsvene, kubva muupenyu hwako, kubva munhoroondo yeChechi, kana kubva mumamagazini eChechi. Tsvaga nzira dzokuvasanganisira mukutaura nyaya. Vanokwanisa kubata mifananidzo kana zvinhu, kudhirowa mifananidzo yezvavari kunzwa, kuita mutambo wenyaya yacho, kana kunyange kubatsira kutaura nyaya yacho. Batsira vana vako kuti vazive chokwadi chevhangeri munyaya dzaunogovera.

  • Verenga chinyorwa chitsvene. Vana vadiki pamwe havangakwanisi kuverenga zvakanyanya, asi unokwanisa kuita kuti vatore chinhanho mukudzidza kubva mumagwaro matsvene. Ungangofanira kunangisa pandima imwechete, ndevo yakakosha imwechete, kana shoko rimwechete. Vana vangangokwanisa kudzidza nemusoro ndevo pfupi kubva mumagwaro matsvene kana vakadzidzokorora kwenguva dzakati wandei. Apo pavanenge vachinzwa shoko raMwari, vanozonzwa Mweya.

  • Tarisai mufananidzo kana kuona vhidhiyo. Apo paunoratidza vana vako mufananidzo kana vhidhiyo inoenderana nemusimboti wevhangeri kana nyaya yemagwaro matsvene, vabvunze mibvunzo inovabatsira kudzidza kubva pane zvavari kuona. Semuenzaniso, unokwanisa kubvunza kuti, “Chii chiri kuitika mumufananidzo uyu kana muvhidhiyo iyi? Zvinoita kuti unzwe sei?” The Gospel Media app, MediaLibrary.ChurchofJesusChrist.org, uye children.ChurchofJesusChrist.org inzvimbo dzakanana dzekutsvaga mifananidzo nemavhidhiyo.

  • Gadzirai. Vana vanokwanisa kuvaka, kudhirowa, kana kukara chimwe chinhu chinoenderana nenyaya kana nemusimboti wavari kudzidza.

  • Torai chinhano muzvidzidzo zvinoshandisa zvinhu zvinobatika. Chidzidzo chakareruka chinoshandisa zvinhu zvinobatika chinokwanisa kubatsira vana vako kuti vanzwisise musimboti wevhangeri wakaoma kunzwisisa. Apo paunenge uchishandisa zvidzidzo zvinoshandisa zvinhu zvinobatika, tsvaga nzira dzekuti vana vako vatore chinhano. Vanozodzidza zvakawanda kubva pachiitiko chamunoita pamwechete kupfuura kubva pakungotarisa zvinenge zvichiratidzwa.

  • Itai mutambo wenyaya. Apo vana pavanotamba mutambo wemamiriro ezvinhu avanokwanisa kusangana nawo muupenyu chaihwo, vanokwanisa kunzwisisa zvirinani mashandiro anoita misimboti yevhangeri kuupenyu hwavo.

  • Dzokororai zviitwa. Vana vadiki vangangofanira kunzwa pfungwa dzirikudzidziswa kakawanda kuti vadzinzwisise. Usatya kudzokorora nyaya kana zviitiko kazhinji. Semuenzaniso, ungangogovera nyaya yechinyorwa chitsvene kakawanda nemunzira dzakasiyana-siyana—kuverenga kubva mumangwaro matsvene, kuisa muchidimbu mumashoko ako pachako, kuita kuti vana vako vakubatsire kutaura nyaya yacho, kuvakoka kuti vaite mutambo wenyaya yacho, uye zvichingodaro.

Dhinda