Testamente Yekare 2022
Mazano eKunatsurudza Kunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega


“Mazano eKunatsurudza Kunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Dzidziso neZvibvumirano 2022 (2021)

“Mazano eKunatsurudza Kunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2022

Mufananidzo
mudzimai arikunzvera magwaro matsvene pamba

Mazano eKunatsurudza Kunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Hedzino dzimwe nzira dziri nyore dzekunatsurudza kunzvera kwako shoko raMwari mumagwaro matsvene.

Tsvaga Zvokwadi pamusoro paJesu Kristu

Magwaro matsvene anotidzidzisa kuti zvinhu zvose zvinopupura nezva Kristu (ona 2 Nifai 11:4; Mosesi 6:63), naizvozvo funga pamusoro pekunyora pasi kana kumaka ndima dzinodzidzisa pamusoro peMuponesi uye nemateverero ekuMuita.

Tsvaga Mashoko neNdevo Zvinokurudzira.

Ungangowana kuti mamwe mashoko nendevo zviri mumagwaro matsvene zvinokukurudzira, sekunge zvakanyorwa zvakanangana newe. Zvingangonzwika kuva zvinoenderana newe pachako uye zvichikukurudzira nekukupa simba rokuramba uchishingirira. Funga pamusoro pekuzvimaka mumagwaro matsvene ako kana kuzvinyora mujenari rako raunonyora zvaunonzvera.

Tsvaga Zvokwadi zveVhangeri

Dzimwe nguva zvokwadi zvevhangeri (kazhinji zvinodaidzwa kuti dzidziso kana misimboti) zvinotaurwa pachena, uye dzimwe nguva zvinotaurwa kuburikidza nemuenzaniso kana nyaya. Zvibvunze kuti, “Ndezvipi zvokwadi zvekusingaperi zvinodzidziswa mundima idzi?”

Teerera kuMweya

Teerera kupfungwa nemanzwiro ako, kunyangwe kana dai zvisingaenderani nezvauri kuverenga. Manzwiro iwayo angangova iwo zvinhu izvozvo chaizvo Baba vako Vokudenga zvavanoda kuti udzidze.

Fananidza Magwaro Matsvene kuUpenyu Hwako.

Funga pamusoro pemashandiro anoita nyaya nedzidziso dzauri kuverenga kuupenyu hwako. Semuenzaniso, unokwanisa kuzvibvunza kuti, “Zviitiko zvipi zvandakava nazvo zvakafanana nezvandiri kuverenga?” kana “Ndingatevere sei muenzaniso wemunhu uyu ari mumagwaro matsvene?”

Bvunza Mibvunzo Apo Paunonzvera

Apo paunonzvera magwaro matsvene, mibvunzo inokwanisa kuuya mupfungwa. Mibvunzo iyi ingangova inoenderana nezvauri kuverenga kana neupenyu hwako hwemazuva ose. Fungisisa mibvunzo iyi uye wotsvaga mhinduro apo paunoenderera mberi nekunzvera magwaro matsvene.

Mufananidzo
wechidiki achinzvera magwaro matsvene pamba

Shandisa Zvibatsiro zveKunzvera Magwaro Matsvene

Kuti uwane dzimwe nzwisiso mundima dzaunoverenga, shandisa zvinyorwa zvepazasi pepeji, Nhungamiri kuMagwaro Matsvene (scriptures.ChurchofJesusChrist.org), nezvimwe zvibatsiro zvekunzvera.

Funga Pamusoro Pekuti Zvinyorwa Zvitsvene Zvacho Zvakanyorwa Mumamiriro eZvinhu Api

Unokwanisa kuwana nzwisiso dzakakosha pamusoro pechinyorwa chitsvene kana ukafunga nezve mamiriro ezvinhu achakataurwa nezvacho—mamiriro ezvinhu kana zvaiitika panguva yechinyorwa chitsvene chacho. Semuenzaniso, kuziva mamiriro uye zvitendero zvevanhu avo muporofita vaakataura navo zvinokwanisa kukubatsira kuti unzwisise chinangwa chemashoko ake.

Nyora Pasi Pfungwa Dzako neManzwiro Ako

Pane nzira dzakawanda dzekunyora pasi manzwiro anouya apo paunonzvera. Semuenzaniso, unokwanisa kumaka shoko kana ndevo yakakosha uye wonyora pfungwa dzako sechinyorwa cheyeuchidzo mumagwaro matsvene ako. Unokwanisawo kuchengeta jenari renzwisiso, manzwiro uye nepfungwa zvaunogamuchira.

Nzvera Mashoko eVaporofita neVaapositora veMazuva Ekupedzisira.

Verenga izvo zvakadzidziswa nevaporofita nevaapositora vemazuva ekupedzisira pamusoro pemisimboti yaunowana mumagwaro matsvene (semuenzaniso, ona conference.ChurchofJesusChrist.org uye mamagazini eChechi).

Govera Nzwisiso

Kukurukura nzwisiso dzaunowana pakunzvera kwako pachako haisi chete nzira yakanaka yekudzidzisa vamwe, asiwo zvinobatsira kusimbisa nzwisiso yako yezvawakaverenga.

Rarama Maererano neZvaunodzidza

Kunzvera magwaro matsvene hakufanire kutikurudzira chete asi kunofanirawo kutitungamira kuti tishandure mararamiro atinoita. Teerera kune izvo zvaunofemerwa neMweya kuti uite apo paunoverenga, uye zvino wozvipira kuita izvozvo zvaunofemerwa.

Gosa David A. Bednar vakati: “Hatifanire kutarisira kuti Chechi sesangano itidzidzise kana kutiudza zvese zvatinofanira kuziva uye zvatinofanira kuita kuti tive vadzidzi vakazvipira uye tigotsungirira neushingi kusvika kumagumo [ona Dzidziso neZvibvumirano 121:29]. Panekudaro, basa redu pachedu ndere kudzidza izvo zvatinofanira kudzidza, kurarama sezvatinoziva kuti tinofanira kurarama, uye kuva avo Tenzi vavanoda kuti tive. Uye dzimba dzedu ndidzo nzvimbo yakanakisisa yekudzidza, kurarama, uye nekuva” (“Prepared to Obtain Every Needful Thing,” Ensign kana Liahona, Chivabvu 2019,102).

Dhinda