Testamente Yekare 2022
Rutendeuko Ndicho Chinangwa Chedu


“Rutendeuko Ndicho Chinangwa Chedu,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Dzidziso neZvibvumirano 2022 (2021)

“Rutendeuko Ndicho Chinangwa Chedu,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2022

Mufananidzo
mudzimai achinzvera magwaro matsvene pamba

Rutendeuko Ndicho Chinangwa Chedu

Chinangwa chekudzidza nekudzidzisa vhangeri kwose ndechekudzamisa rutendeuko rwedu kuna Baba Vokudenga naJesu Kristu uye kutibatsira kuva saIvo zvakanyanya. Nechikonzero ichi, apo patinodzidza vhangeri, hatisi kungotsvaga ruzivo rutsva; tinoda kuva “chisikwa chitsva”(2 VaKorinte 5:17 Izvi zvinoreva kuvimba naBaba Vekudenga uye naJesu Kristu kuti vatibatsire kushandura mwoyo yedu, maonero edu, zviito zvedu, uye nehunhu hwedu chaihwo.

Asi rudzi rwamadzidziro evhangeri rwunosimbisa rutendo rwedu uye runotungamirira kuchishamiso cherutendeuko harusi runoitika rwose panguva imwechete. Rwunoenderera mberi kupfuura kudzidza kwemukirasi kuenda mukati memwoyo medu nemudzimba dzedu. Rwunoda kuedza kwenguva dzose uye kwamazuva ose kuitira kunzwisisa uye kurarama vhangeri. Kudzidza vhangeri kunotungamirira kurupinduko rwechokwadi kunoda kurudziro yeMweya Mutsvene.

Mweya Mutsvene unotitungamirira kuchokwadi uye unopupura nezve chokwadi ichocho (ona Johane 16:13). Unojekesa pfungwa dzedu, unokurumidzisa nzwisiso dzedu, uye unobata mwoyo yedu nezvakazarurwa zvinobva kuna Mwari, manyuko echokwadi chose. Mweya Mutsvene unochenesa mwoyo yedu. Unokurudzira matiri chido chekurarama nechokwadi, uye Unozevezera kwatiri nzira dzekuita izvi. Zvirokwazvo, “Mweya Mutsvene … ucha[ti]dzidzisa zvinhu zvose” (Johane 14:26).

Nokuda kwezvikonzero izvi, mukuedza kwedu kurarama, kudzidza, uye kudzidzisa vhangeri, chinhu chekutanga uye chakakoshesesa chatinofanira kutsvaga hufambidzani hweMweya. Chinangwa ichi chinofanira kutonga sarudzo dzedu uye kutungamira mifungo yedu nezviito zvedu. Tinofanira kutsvaga chero chipi zvacho chinokoka hurudziro yeMweya uye kuramba chero chipi zvacho chinodzinga hurudziro iyoyo—nekuti tinoziva kuti kana tikakwanisa kukodzera kuvapo kweMweya Mutsvene, tinokwanisawo kuva takakodzera kurarama pamberi paBaba Vokudenga neMwanakomana Wavo, Jesu Kristu.

Dhinda