Testamente Yekare 2022
Kushandisa Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri


“Kushandisa Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri,Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri, Testamente Yekare 2022 (2021)

“Kushandisa Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri,Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2022

Kushandisa Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri

Bhuku Rino Rinoshandiswa Nani?

Bhuku rino ndere munhu pachake wese uye nemhuri yese muChechi. Rakagadzirirwa kukubatsira kuti udzidze vhangeri—kunyangwe uri wega kana kuti nemhuri yako. Kana wanga usiri kunzvera vhangeri nguva dzose, bhuku rino rinokwanisa kukubatsira kuti utange. Kana wanga wagara uinetsika yakanaka yekunzvera vhangeri, bhuku rino rinokwanisa kukubatsira kuti uve nezviitiko zvakanyanya kukosha.

Ndinofanira kushandisa Sei Bhuku Rino?

Shandisa bhuku rino munzira ipi zvayo inobatsira kwauri. Unokwanisa kuwana richibatsira senhungamiro kana chibatsiro pakunzvera magwaro matsvene kwako pachako uye semhuri. Unokwanisawo kurishandisa munguva yepamba manheru. Zvidzidzo zvaro zvinosimbisa misimboti yakakosha inowanikwa muTestamente Yekare, zvinopa mazano ekunzvera uye ezviitwa zvevanhu pachavo nezvemhuri, uye zvinopa nzvimbo dzekunyora pasi manzwiro ako.

Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri harina kunyorerwa kuti ritsive kana kukwikwidzana nezvimwe zvinhu zvakanaka zvauri kuita. Tevera nhungamiro yeMweya kuti usarudze mutoo wokunzvera kwako pachako shoko raMwari.

Mufananidzo
murume nemudzimai vari kunzvera magwaro pamba

Bhuku Rino Rinoenderana Sei neIzvo Zvinoitika kuChechi?

Zvinyorwa zviri mubhuku rino zvakarongwa maererano nehurongwa hwekuverenga hwevhiki rega rega. Huyai, Munditevere zvinyorwa zvemakirasi ePuraimari, Chikoro cheSvondo, uye Zvikwata zveHupirisita hwaAroni uye Vasikana veChidiki zvinotevedzera hurongwa humwechete. Kuti vatsigire kuedza kwako kwekudzidza nekurarama vhangeri kumba, vadzidzisi vako kuchechi vanozokupa mikana yekugovera zviitiko zvako, pfungwa dzako, uye mibvunzo yako pamusoro pendima dzemagwaro matsvene idzo dzawanga uchinzvera kumba.

Nokuda kwokuti Chikoro cheSvondo chinodzidziswa kaviri chete pamwedzi, vadzidzisi veChikoro cheSvondo vangangosarudza kudarika kana kubatanidza zvidzidzo kuti vaenderane nehurongwa hwevhiki. Izvi zvingangova zvinodikanwa (kuChikoro cheSvondo uyewo kuPuraimari) pamavhiki apo misangano yeChechi yenguva dzose paisingaitwe nekuda kwemusangano wesiteki kana zvimwe zvikonzero. Mumavhiki aya unokokwa kuti uenderere mberi nekunzvera Testamente Yekare.

Ndinofanira Kutevera Hurongwa hweZvidzidzo Here?

Hurongwa hunozokubatsira kuti uverenge zvikamu zvakasarudza kubva muTestamente Yekare uye Dombo Remutengo Mukuru kusvika pakupera kwegore. Pamusoro pazvo, kutevera hurongwa humwechetehwo sevamwe kunokwanisa kutungamirira kuzviitiko zvakakosha kumba, kuchechi uye nekumwewo. Asi usanzwe kuti wakasungirwa nehurongwa hwezvidzidzo kana kuti unomanikidzwa kuverenga ndima yese yakapihwa; hurongwa hwezvidzidzo hungori nhungamiro yekukubatsira kuti uronge madzidziro ako pachako. Chinhu chakakosha ndechekuti murikudzidza vhangeri semunhu pachake uye semhuri.

Mashoko pamusoro poHurongwa Hwekuverenga Testamente Yekare

Hurongwa hwakapuwa hwekuverenga Huyai, Munditevere hwa2022 hahwusanganisiri zvitsauko zvose zviri muTestamente Yekare. Nokuda kwokuti Testamente Yekare yakareba kupfuura mamwe mabhuku ezvinyorwa zvitsvene, zvimwe zvitsauko nemamwe mabhuku zvakasiiwa kuitira kuti chirongwa chokuverenga chikwanise kushandiswa zvirinyore newe uye nemhuri yako.

Zvitsauko nemabhuku zvakasarudzwa kuitira kusadzokorora zvinhu uye kusimbisisa ndima dzinopupura nezva Jesu Kristu, dzine dzidziso dzakakosha, uye dzinonyanya kuenderana nezuva redu. Semuenzaniso, hurongwa hwekuverenga hwakapuwa hahwusanganisiri 1uye 2 Makoronike nokuda kwokuti zvizhinji zvezvinyorwa zvamabhuku aya zvinodzokorora zvinyorwa zvinowanikwa muna 1uye 2 Madzimambo. Hurongwa hwacho hahwusanganisiriwo Rwiyo Rukuru rwaSoromoni, nokuda kwokuti Muporofita Joseph Smith akadzidzisa kuti hachisi chinyorwa chakafemerwa (ona Nhungamiro kuMagwaro Matsvene, “Rwiyo Rukuru rwaSoromoni,” scriptures.ChurchofJesusChrist.org). Zvisinei, yeuka kuti uhwu hwunogova hurongwa hwakapuwa chete. Kunzvera magwaro matsvene kwako wega uye kwemhuri kunofanira kutungamirirwa nezvakazarurwa zvemunhu pachake.

Dhinda