Testamente Yekare 2022
Kusanganisira Mumhanzi Unoyera Mukudzidza Kwako Vhangeri


“Kusanganisira Mumhanzi Unoyera Mukudzidza Kwako Vhangeri,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri:Testamente Yekare 2022 (2021)

“Kusanganisira Mumhanzi Unoyera Mukudzidza Kwako Vhangeri,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2022

Kusanganisira Mumhanzi Unoyera Mukudzidza Kwako Vhangeri

Kuimba dzimbo dzePuraimari uye nziyo kunokwanisa kukuropafadza iwe nemhuri yako nemunzira dzakawanda. Mazano aya anokwanisa kukubatsira kushandisa mumhanzi unoyera apo paunenge uchiedza kudzidza uye kurarama vhangeri.

  • Dzidza misimboti yedzidziso. Tsvaka zvokwadi zvinodzidziswa mudzimbo dzaunoimba kana kuteerera kwadziri. Izvi zvinogona kutungamirira kuhurukuro dzevhangeri pamusoro pezvokwadi izvi nomuzuva rese. Imba kana kuteerera kudzimbo dzePuraimari kana nziyo idzo dzinodzidzisa pamusoro paJesu Kristu uye nevhangeri Rake. Teerera kunzira idzo Mweya Mutsvene dzaunopupura nezve Muponesi nedzidziso Dzake.

  • Ziva simba remumhanzi. Kuimba kana kuteerera dzimbo dzePuraimari uye nziyo kunokwanisa kuva ropafadzo munguva dzinodiwa rubatsiro. Semuenzaniso, kuimba rumbo kunokwanisa kudzikamisa mwana panguva yekurara, kuunza mufaro apo mhuri yako painoshanda pamwechete, kusimudzira muvakidzani ari kurwara, kana kunyaradza mumwe munhu anonzwa kunetseka.

  • Goveranai zviitiko. Goveranai zviitiko zvemunhu pachake uye zvemhuri izvo zvinoenderana namashoko edzimbo. Munokwanisawo kugoverana nyaya dzemumagwaro matsvene dzinoenderana nazvo.

  • Batanidzira mhuri yako. Mhuri yako inodzidza zvakawanda kubva kudzimbo kana vachitora chinhanho. Kuitira kuti ubatanidzire nhengo dzemhuri, unokwanisa kukoka mwana akura kuti abatsire kudzidzisa rumbo kuvaberekedzani vake vadiki kwaari kana kukoka vana kuti vadzidzise mhuri rumbo rwavakadzidza kuPuraimari. Unokwanisawo kurega nhengo dzemhuri dzichichinjana kutungamira rumbo.

  • Itai zvinhu zvakasiyana-siyana. Shandisai nzira dzakasiyana siyana dzekudzidza mimhanzi inoyera semhuri. Semuenzaniso, munokwanisa kushandisa nhengo dzomuviri kuita zviratidzo zvinoenderana nemashoko nendevo zviri murumbo. Kana kuti munogona kutora mijano kuita chiito chinorehwa nezvikamu zverumbo apo dzimwe nhengo dzemhuri padzinenge dzichiedza kufembera rumbo rwacho. Mhuri yenyu inogona kunakidzwa nekuimba dzimbo nekukurumbidza kana kudaidzira kwakasiyana siyana. Gospel Library app uye Gospel for Kids app dzine zvokuteerera zvakarekodhwa uye mavhidhiyo anokwanisa kukubatsirai kudzidza dzimbo. Munokwanisawo kuita mudorongodzwa wemimhanzi inoera yekuteerera kwairi.

­

Dhinda